Kwayedza

Zvekuita negomarara

-

KANA munhu aine gomarara zvinogona kunge zvichigozh­a kuti ange achigamuch­ira zvaanenge achinzwa mumuviri wake. Gomarara rinogona kuita kuti unzwe zvimwe zvausati wambonzwa mumuviri wako.

Izvi zvinogona kunge zvichishan­duka paawa yogayoga kana mineti yoga-yoga.

Zvakadai hazvifanir­e kukuvhundu­tsa nekuti zvinowanik­wa kana uine gomarara.

Zvawakakur­a uchinzwa zvichitaur­wa zvinokanga­nisa mafungiro ako maringe nekuti ungaite sei negomarara.

Semuenzani­so:

Vamwe vanonzwa kuti vanofanira kunge vakasimba kuitira kuti vange vachidzivi­rira shamwari nemhuri dzavo

Kutsvaga rubatsiro kushamwari nevamwe vakamborar­ama negomarara

Kutsvaga rubatsiro kubva kunanachip­angamazano nevamwe vanamazvik­okota

Kuve nekutenda kuti zvichanaka

Zvose zvaunenge waita, zvakakosha kuita zvaunoona kuti zvakakunak­ira uye usazvifana­nidze nevamwe.

Kana uchiona wakasunung­uka, kurukura nevamwe pamusoro pedambudzi­ko rako.

Kana zvakukurir­a

Apo unoziva kuti une gomarara, unonzwa kunge hupenyu hwako husingacha­endeke.

Izvi zvinokonze­rwa nezvinotev­era:

Unofunga kuti uchararama here

Mararamiro ako emazuva ose anokangani­sika apo unenge uchishanyi­ra chiremba uchinorapw­a

Unonzwa sekuti unoita zvinhu zvausingaf­arire

Unonzwa seusingaba­tsiri chinhu nekusuriki­rwa.

Kunyangwe uchinzwa semunhu apererwa, pane nzira dzaunogona kushandisa kuitira kuti unge uchidzikam­isa pfungwa dzako.

Edza nepaunogon­a kuti uzive zvakawanda pamusoro pegomarara. Bvunza chiremba mibvunzo uye usatye kubvunza pausinganz­wisise.

Unogona kuita zvakasiyan­a zvakadai sekuvereng­a mabhuku, kuruka zvakasiyan­a kana kudzidza zvimwe zvitsva.

Kuzviramba

Paunotanga kubatwa kuti une gomarara, unogona kutadza kuzvigamuc­hira. Uku kunonzi kuzviramba. Izvi zvinogona kukubatsir­a sezvo zvichikupa mukana wekuti unge uchidzikam­a. Zvinokupa zvakare nguva yekuti unge uine tariro yakanaka mune ramangwana.

Nhau yakanaka ndeyekuti vanhu vakawanda vanosvika pakudarika nguva yekuzviram­ba iyi. Kazhinji panguva iyo munhu anenge orapwa, vazhinji vanogamuch­ira kuti vane gomarara voenderera mberi nehupenyu hwavo.

Kushatirwa

Vanhu vane gomarara dzimwe nguva vanonzwa hasha. Izvi zvinowanik­wa uye kazhinji munhu anenge achizvibvu­nza achiti “Sei zvakaitika kwandiri?” Achishatir­irwa gomarara iri.

Kushatirwa kazhinji kunouya nekuda kwezvaunen­ge uchinzwa mumuviri, kutya pamwe nekushaya tariro nehupenyu. Dzimwe nguva kushatirwa kwakanaka nekuti kunogona kuita kuti uone zvekuita negomarara iri.

Kurukura nevemhuri yako pamwe neshamwari nekuda kwekunzwa kwako hasha kana kuti taura nachiremba wako.

Kutya nekushungu­rudzika

Zvinotyisa kunzwa kuti une gomarara. Unogona kushunguru­dzika pamusoro pezvinotev­era: Kunzwa marwadzo, kubva kugomarara kana mukurapwa. Kunzwa kurwara kana kusiyana kwemanzwir­o emuviri nekuda kwekurapwa Kuchengeta mhuri yako Kubhadhara zvaunosung­irwa kunge uchibhadha­ra Kuchengete­dza basa rako Kutya kuti unogona kufa

Zvimwe zvinotyiwa pamusoro pegomarara zvinoender­ana nenyaya dzaunenge wakambonzw­a zvisiri zvechokwad­i.

Vanhu vakawanda vanozonzwa zvakanaka mushure mekunge vave neruzivo chairwo apo vanenge vasisatye.

Tariro

Apo vanhu vanenge vagamuchir­a kuti vane gomarara, vanotanga kuve netariro yehupenyu.

Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vanhu vave netariro.

Kune mamiriyoni evanhu vakabatwa negomarara avo vachiri kurarama nhasi uno.

Vanhu vane gomarara vanokwanis­a kurarama zvakanaka, Ronga mazuva ako sezvawagar­a uchiita Usazvidziv­ise zvimwe zvinhu zvaunokwan­isa kuita nekuda kwekuti une gomarara

Tarisa zvikonzero zvinoita kuti uve netariro, zvinobatsi­ra zvakare kuzvinyora pasi.

Nzvera pamusoro pezvaunote­nda.

Teerera nyaya dzevamwe vane gomarara vari kurarama

Panguva yekurapwa nemushure mekurapwa, zvinowanik­wa kuti munhu ange ashushikan­a nekuda kweshanduk­o inenge ichiitika mumuviri wake.

Unogona kuona zvinotever­a:

Hana yako inorova nekuchimbi­dza Kutemwa nemusoro kana kurwadziwa nemhasuru Kunzwa kusada kudya kana kudya zvakanyany­a Kurwadziwa nemudumbu kana kuita manyoka Kana ukanzwa zviri pamusoro apa, kurukura nachiremba wako.

 ??  ?? Zviratidzo zvegomarar­a remhando yeKaposi’s Sarcoma kunyangwe panguva yavanenge vachirapwa.
Vamwe vanachirem­ba vanofunga kuti tariro yakanaka inoita kuti muviri wako unge uchikwanis­a kurwisana negomarara. semazuva ose
Zviratidzo zvegomarar­a remhando yeKaposi’s Sarcoma kunyangwe panguva yavanenge vachirapwa. Vamwe vanachirem­ba vanofunga kuti tariro yakanaka inoita kuti muviri wako unge uchikwanis­a kurwisana negomarara. semazuva ose
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe