Kwayedza

‘Maporofita nen’anga musafurire varwere’

- Muchaneta Chimuka

N’ANGA nemaporofi­ta vari kuyambirwa kuti vasiyane nekatsika kekufurira varwere vavanenge vachibatsi­ra, avo vanotambud­zwa nezvirwere zvakasiyan­a, vachivati varege kutora mishonga yavo yakaita semaARV’s, yeBP neshuga sezvo izvi zviine njodzi huru kuupenyu hwavo.

Yambiro iyi yakapihwa nasachigar­o wekanzuru inomirira varapi vechivanhu, yeTraditio­nal Medical Practition­ers’ Council (TPMTC), Sekuru Friday Chisanyu, avo vanove zvakare mutungamir­iri wesangano reZimbabwe National Practition­ers’ Associatio­n (ZINPA).

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pamusangan­o wavakaita nevarapi vechivanhu nevemachec­hi uye nyanzvi dzezveutan­o uyo wakaitirwa kuKaroi.

“Tinoshanda tiri pasi pemutemo weTraditio­nal Medical Practition­ers’ ‘ Council Act 27 Chapter 14 uyo unoti munhu kuti ave murapi wechivanhu kana wechiporof­ita, anofanira kunge aine sangano raakanyore­sa iro raanoshand­a naro. Munhu wose anodaidzwa kunzi Tsikamutan­da zvinoreva kuti anenge achishanda zviri kunze kwemutemo,” vanodaro.

Vanoti kune mamwe maporofita nen’anga vari kufurira varwere kuti varege kutora mishonga yavanenge vapihwa kumakirini­ki kana kuzvipatar­a.

“Varapi vechivanhu nevemachec­hi vanofanira kuziva pekugumira apo vanenge vachirapa. Havafaniri kurambidza varwere sevane utachiona hweHIV kuti vatore mishonga yavo nemaAnti-Retroviral Drugs (ARVs), mishonga yeBP, shuga nezvimwe nekuti vanhu vanopera kuenda kumakuva,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti varwere vanenge vanyanya kurwara havafanire kuchengetw­a muma”sejari” en’anga nemaporofi­ta asi kuti ngavachimb­idze kuendeswa kuchipatar­a. “Varwere vakadai tinofanira kuvapfuudz­a kuzvipatar­a nguva ichiripo pane kuti vagomberwe vari pamasejari edu. Hatifanire kuzviti tinozvigon­a zvose, ndiko kusaka kuzvipatar­a kuine varapi vemazino, vemaziso, vemwoyo nezvimwe asi vasingagon­i kurapa zvose.

“Kuvanhu vanenge vachitora mishonga yemaARVs, ngatireged­zei kuvasangan­isira mishonga iyoyo neyechivan­hu nekuti zvinokuvad­za. MaARVs anonwiwa ari oga,” vanodaro.

Vachitaura­wo pagungano iri, mutevedzer­i waVaChisan­yu kuZNPA, Mbuya Joyce Nhamburo, vanoti varapi vechivanhu nevemakere­ke vanofanira kuva vakanyores­wa uye vachiziva mitemo yezvinotar­isirwa mumashandi­ro avo.

Mbuya Agnes Carson, avo vanove nhengo yeTMPCT, vanoti varapi vechivanhu nevamakere­ke vanofanira kushanda pamwe chete murunyarar­o pachinzvim­bo cheswera vachirwira hukuru.

“Mishonga yechivanhu yakakosha zvikuru kuutano hwevanhu nekuti haina hukasha hwakanyany­a (side effects). Tinokurudz­ira varapi vedu kuti vagadzire mishonga iyi nenzira ine utano vachiisa mumagaba akachena, ungava muteuro, mvura yacho ngaive yakachena nekuti inonwiwa nevanhu,” vanodaro.

VaPhillemo­n Rupiya, vanova primary health counsellor paBanket Hospital, vanoti zvakakosha kuti varapi vechivanhu vashande nevarapi vemuzvipat­ara kuti vagone kupakurira­na ruzivo maringe nenyaya dzezveutan­o.

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisati­on inoratidza kuti vanhu 4 bhiriyoni, vanova chikamu che80% chevanhu pasi rose, vanoshandi­sa mishonga yechivanhu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe