Kwayedza

Anondishan­disira mishonga pabasa

-

Mubvunzo: SEKURU, ini ndine dambudziko rekuti ndinoshand­a mumba, ndanetswa nagarden boy ane mishonga.

Ndiye ega anongoonek­wa semunhu ini varungu havatombon­dione sechinhu.

Mari yapera nekufamba handizive kuti ndichabats­irika here uye ane mubobobo wanditambu­dza.

Ndakatobva pamba pacho, ndave kuuya kubasa ndichibva kwandava kugara kunze asi mumugwagwa mumwe chete uye ave kutevera ikoko.

Ndinotomuo­na kuhope ndichiita madzikirir­a.

Vanhu vanonditi ukaenda kuchivanhu zvinowedze­ra asi chondinets­a maporofita acho anobhadhar­isa asi hapana chabuda, mari yapera. Ndafunga kutora upenyu hwangu nokuti zvandinosa­ngana nazvo zvakaoma. Ndaneta nekushandi­swa nababa ava. Ndatambudz­ika Sekuru ndibatsire­iwo.

Mhinduro: Muzukuru, chekutanga usamhanye kutora upenyu hwako nekuti hapana zvazvinoba­tsira. Munhu iyeye achasara achingoita katsika kake kune vamwe vachauya.

Dambudziko rako iguru uye rinobatsir­ika uchitozoga­ra upenyu hwakasunun­guka.

Murume uyu ari kushinha pauri uye ari kukutorera simba rako kuti utadze kushanda nekugara zvakanaka.

Saka iwe chikurumid­za kutsvaga rubatsiro kuchivanhu sekuZinath­a udzorerwe simba rako. Chikwambo chaari kushandisa pauri.

Kunemi vamwe vazukuru vangave vachisanga­na nedambudzi­ko serine muzukuru uyu, uyu mweya wezvikwamb­o.

Kana ukaona uchinzwa kunge uri kushandisi­rwa mubobobo, kasika kutsvaga rubatsiro nekuti unenge uchitorerw­a simba rako nemishonga yakaipa iyi.

Kunemi vanoita zvemubobob­o, huroyi ihwohwo hwamuri kuita uye siyanani naho nekuti muri kuparadza upenyu hwevasina mhaka.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0719 421 949

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe