Kwayedza

Mukwamba adzokazve

- Kingstone Mapupu

PATRICK Mukwamba (69) - uyo akamboita mukurumbir­a munyika muno nekambo kanonzi “Wapenga Nayo Bonus” - adzoka zvakare mudariro nedambaref­u idzva rine nziyo gumi nembiri.

Mukwamba ari kuimba nechikwata chake cheSilver Sinde uye panziyo gumi dziri padambaref­u iri, iro rinonzi “Mafaro Kubhawa”, pane mbiri itsva nedzimwe dzekare.

Musharukwa uyu akamboimba nezvikwata zvinosanga­nisira Four Brothers icho chaitungam­irirwa naMarshal Munhumumwe. Anoti dambarefu rake idzva iri rine kambo kari pamusoro pemararami­ro evanhu vanotambud­zika kanonzi “Hupenyu Hwangu”.

“Dzimwe nziyo dziri padambaref­u iri dzine dzidziso kuvanhurum­e yekuti vasapedzer­e mari kumabhawa,” anodaro.

Dzimwe nziyo dzaMukwamb­a dzakaita mukurumbir­a dziri pambarefu iri zvakare dzinosanga­nisira “Wapenga Nayo Bonus”, “Usanyare Basa Raunoita”, “Vambozha Vauya”, “Amai Nyembezi”, “Nhamo Yekufambir­a Chikwereti”, “Tenga Gumbeze”, “Sellina”, “Sarura Wako”, “Vakakunda Zviyedzo” na”Takabvanek­o”.

Mukwamba anoti dambarefu iri akaritsiki­sa mwedzi wapera.

“Unyanzvi hwangu kunyora nekuimba chete ndichitung­amirira vanoridza magitare nengoma kusanganis­irawo hosho,” anodaro.

Dzimwe nhengo dzemuchikw­ata cheSilver Sinde dzinosanga­nisira Anesu Makoni uyo anonyanya kuzivikanw­a nekuti Lady Sai Sai anoimba, Andrew Chikwanha anoridza bass, Chris Mukwindiza anoridza rhythm naTichaona Cheche anoridza lead guitar.

Chikwata ichi parizvino chiri kuita mashoo muguta reHarare kunzvimbo dzakasiyan­a.

“Dambudziko redu guru kushaya midziyo yekuridzis­a uye tiri kutarisira kuti titsvagewo vanotibats­ira nekuti iye zvino tinohaya zvekuridzi­sa pamwe chete nemotokari yekuendesa kumashoo izvo zvinotidhu­rira zvikuru,” anodaro Mukwamba.

Parizvino, anodaro Mukwamba, ari mushishi yekutsvaga nyanzvi yekuridza lead guitar. Anoti chikwata chake chine nziyo dzakawanda zvikuru dzavanoda kutsikisa asi dambudziko ravo nderekusha­ya mari.

“Izvozvi tiri kuronga kugadzira vhidhiyo redambaref­u redu idzva iri asi dambudziko ndiroro remari,” anodaro.

Mukwamba ari kuchema-chemawo zvikuru nenyaya yekubiwa kwemimhanz­i yevaimbi ichitenges­wa pamusika wemukoto nenzira yepairesi izvo anoti zviri kuvashaisa chouviri. Zvakadai, anoti anoyemura vamwe vaimbi vanosangan­isira vashakabvu Simon naNaison Chimbetu, Leonard Dembo naMunhumum­we. Vamwe vaanorumbi­dza ndiThomas Mapfumo naOliver Mtukudzi.

“Kune vaimbi vechidiki ndinoti ngavasamha­nya kutsikisa nziyo dzavo dzisina kukwenenzv­erwa zvakanaka,” anodaro.

Kunze kwezvemimh­anzi, Mukwamba anoitawo basa rekuveza matombo achitenges­a pamwe nezveEngin­eering ari kwaRusape.

 ??  ?? Patrick Mukwamba aina Anesu Makoni apo aive akabata CD redambaref­u rake idzva.
Patrick Mukwamba aina Anesu Makoni apo aive akabata CD redambaref­u rake idzva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe