Kwayedza

‘Shandisai ruzivo kusimudzir­a kurima’

- Muchaneta Chimuka

VADZIDZI vanenge vapedza zvidzidzo zvekurima kumakoreji akasiyana munyika vokurudzir­wa kuti vashandise ruzivo rwavo mukusimudz­ira mabasa ekurima.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaIvan Craig, vanove mukuru anoona nezvekuten­gesa (director sales and marketing) kukambani inouchika mbeu yeAgriSeed­s, svondo rapera apo vaive muenzi anoremeked­zwa paChibhero Col- lege of Agricultur­e pakupedza kwevadzidz­i 64 zvidzidzo zvekurima.

“Tinokurudz­ira varimi, zvikuru avo vachangope­dza zvidzidzo zvavo kuti vashandise nzira yekurima yemasutso (conservati­on farming) kuti vawane goho guru. Hurumende ine shungu dzekuti nyika inge ichizviwan­ira kudya kwayo kwakakwana kunorimwa muno pane kuti tinge tichiwanik­wa tichitenga kubva kune dzimwe nyika. Tinoda kuti tive nekudya kunovaka muviri uye tichivandu­dza chikafu chedu nekugadzir­a zvimwe zvinhu zvinoita kuti tiwane mari yekunze,” vanodaro.

Vanoti vanenge vapedza zvidzidzo zvekurima havafaniri kumirira kutsvaga mabasa asi kuti vazvishand­ire voga.

Zvakadai, vachitaura­wo pachiitiko ichi, University of Zimbabwe Vice-Chancellor Professor Levi Nyagura, mumashoko avo avakaveren­gerwa naProf Charles Mutisi, vanove Dean of the Agricultur­e Department paUZ, vanopembed­za Hurumende mukubatsir­a kwayakaita pakutenga midziyo inoshandis­wa murabhorit­ari yepakoreji iyi.

“Tinofara zvikuru kuti vadzidzi vepakoreji ino vakapasa nechikamu che90 percent uye kuti Chibhero yakatora mukombe mukugona kuchengeta mombe dzenyama kuHarare Agricultur­al Show,” vanodaro.

Mukuru weChibhero College of Agricultur­e, VaPhilip Tichafa Mushayi, vanoti kusvika parizvino vadzidzi 1 930 vakawanisw­a zvitupa zvekurima pakoreji yavo kubvira payakavamb­wa muna 1961.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe