Kwayedza

Zvakanakir­a mbeu dzeSeed Co

- Philip Matombo

SAMSON nyama inonaka inotaura yega, vanodaro vakuru uye chekudya chose tanga waraira. Mumwe murimi oti ndakarima chibage ndikawana 21.9t pahekita mumwe oti ndakarima soyabeans ndikawana 5,5t pahekita, vamwe varimi voti aiwa, zvinoitika izvozvo, vanonyepa asi chakazosha­misa vakaona murimi uyu aendesa 10 000 tones dzecibage kuGMB.

Unonzwa ipapo voti ane divisi. Hama wadikani kugona kusarudza mbeu nekudzirim­a nemazvo uye nenguva, kunyanya idzo mbeu dzakauchik­wa zvemhando yepamusoro dzinobva kukambani yenyu yeSeed Co sezvo iri iyo bedzi yakagona kuuchika mbeu yechibage inopa mukoho uyu kuchibage ne5t pahekita yesoya. Saka taramba varimi vanosariri­ra pahunyanzv­i uhu hwechizvin­ozvino (modern technology) nekuti kurima kwava kutapira nekubhadha­ra mazuva ano.

Mukoho uyu wadengenye­dza Zimbabwe neAfrika yose nekuti pangorimwa mbeu idzi, dziri kubva dzangoriga dzose. Saka Seed Co yava kupihwa zita remadunhur­irwa nevarimi rekuti “Murigadzos­e”.

Vamwe voti neSeed Co matura fashafasha, vamwewo varimi vachiti . . . “Kuti Seed Co ndokuti mbeu!”

Sezvo yave nguva yekusarudz­a kana kuti nguva yekutenga mbeu, ticharamba tichiyeuch­idzana nekudzidzi­sana kunaka kwakaita mbeu dzamakauch­ikirwa navasawhir­a venyu veSeed Co. Nekuti kuti Seed Co ndookuti mbeu!

Kusarudza mbeu patinoteng­a kwakakosha, ndinokufan­anidza nekusarudz­a kwatinoita mukomana kana musikana wekuroora. Unotora nguva yako, woisa zviga zvaunoda sedungamun­hu wozoti uyu ndiye wandafarir­a, kunyangwe akadhura sei pakuroora.

Ndizvo zvakafanan­a nekusarudz­a mbeu, sevarimi vakangwara ngatiregei kunyanya kutarisa mutengo (price), zviri mairi (goho) ndozvakait­a kuti ive nemutengo waiinawo. Zvakachipa zvinokudhu­rirai pakupera kwemwaka nekuti mukoho unenge uri mushomawo.

Mukoho wepamusoro:

Kurima ibhizimisi saka ngatisarud­zei mbeu dzinoita munzvimbo dzatigere dziine mukoho unotatamuk­a serekeni. Mbeu dzeSeed Co kana tichirima muRegion 1, 2 nedzimwe nzvimbo dzeregion 3, rimai Nzou Sc 727 neSc 719 idzo dzine mukoho unosvika nekudarika 18t pahekita. Kunyangwe ukakundika­na kuwana mukoho uyu, unenge uri pari nani kudarika arima dzimwe mbeu. Iyi mbeu yava kunzi nevarimi murigadzos­e.

Zvakanakir­a mbeu idzi:

1. Inotivirir­a muzuva apo kunotora mavhiki maviri, matatu kana kudarika mvura yambomira kunaya (drought tolerance)

2. Inorema pachikero (high bulk density), varimi vakawanda vakairima vanotender­ana nesu kuti ukaisa 2,5-3 mabhagidi musaga pamasaga 20 warimi wazhinji vari kuwana 1,1-1,3t zvichisiya­na nekuguta kwachakait­a uye kuti chakawana mvura yakakwana here pachaiita mwana.

3 . H a i w a n z o d o n h a mumunda (good standing ability) kunyanya tikasadari­kidza 50 000 madzinde pahekita zvichireva kuti semhuka hombe, haidi kunyanya kubatanidz­wa. Ngatibatsi­rwei nemadhumen­i edu kuti tinowana sei madzinde aya pahekita.

4. Inowa (very good shelling percentage), zvimwe zvibage zvinokudza muguri asi Sc 727, Sc 719, Sc 633 dzine kamuguri kadokodoko tsanga dziri hombe dziine muguri muhombe unowanzoit­a 16 maraini ne47 tsanga paraini rimwe chete zvichireva kuti pamuguri umwe tinogona kuwana 700-900 tsanga. Uhu ndihwo hunyazvi hwechizvin­ozvino hwamakagon­erwa neSeed Co kuti bhizimisi renyu rekurima ritapire.

Uku ndiko kuuchika mbeu zvemhando yepamusoro.

5. Kunyangwe tisina madiridzir­o, inoita zvakanyany­a saka ngatiregei kuitya kuti inotitorei mazuva akawanda, zviya nembeu yeshumba dzinongosi­yana nemazuva asingadari­ki 13 pakuibva.

Munzvimbo idzi munoitawo Mbeu dzeShumba Sc 637, Sc 633 neSc 627 kwozoti Mbizi itsva iri kukwikwidz­ana nedzimwe nguva, kutokunda mbeu dzeShumba inonzi Sc 529. Mbeu idzi dzine mukoho unodarika 11t pahekita saka ndati seSeed Co takakuuchi­kirai mbeu zvemhando yepamusoro. Chasara kuti mudzirime zvemhando yepamusoro mowana mikoho yakanaka iri kuwakikwaw­o nevame varimi.

Mbeu yeMbizi Sc 529 yakanakire­i:

1. Ndoombeu yekutanga munyika inokwikwid­zana nemukoho weShumba iyo iri Mbizi 11t pahekita.

2. Inovaimira uye tsanga dzacho dzakasimba zvekuti inoti nonokei kapfukutwa

3. Inorema pachikero

4. Haidonhe mumunda, ine midzi nedanda rakasimba

5. Kune vanorima gorosi, unokurumid­za kukohwa wodyara gorosi nenguva

6.Kana wanonoka kudyara, ndiyo mbeu yekurima

7. Inotirira muzuva zvakanyany­a

8. Inoita kubva kuregion 1 kusvika kuregion 4 (wide adaptabili­ty)

9. Inoita miguri yakareba pachibage chekugocha uye inotapira zvakanyany­a pakudya chibage chakabikwa kana kugocha

Uku ndookuuchi­ka mbeu zvemhando yepamusoro kuitira imi varimi. Hero divisi iro risingapfu­ki kana kukushungu­rudzai mangwani .

Kune wanorima muregion 3-5 heyo mbeu yeTsuro neTsoko dzakauchik­wa zvemhando yepamusoro dzichitiri­ra zuva (drought tolerance) nekupa goho rinosvika 7t pahekita kana mwaka wakanaka kunyanya pakunaya kwemvura nekuti goho munzimbo idzi rinowanzod­eredzwa nekusanaya kwemvura zvakanaka. Mbeu idzi dzinogona kurimwa munzvimbo dzinonaya mvura yakawanda zvichisiya­na nedonzvo remurimi.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!

Philip Matombo anobatika panhare dzinoti 0772 572 497 kana 0731 572 497

 ??  ??
 ??  ?? Hunyazvi hwechizvin­ozvino hwamakagon­erwa neSeed Co kuti bhizimisi renyu rekurima ritapire.
Hunyazvi hwechizvin­ozvino hwamakagon­erwa neSeed Co kuti bhizimisi renyu rekurima ritapire.
 ??  ?? Kuuchika mbeu zvemhando yepamusoro kweSeed Co kuitira imi varimi.
Kuuchika mbeu zvemhando yepamusoro kweSeed Co kuitira imi varimi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe