Kwayedza

‘Bhuru’ remusha rakazoiswa kii

- Kingstone Mapupu

MURUME anogara mubhuku raRubatika, kwaSeke, kudunhu reMashonal­and East, ane dambudziko rinoshamis­a — sikarudzi yake inotsakati­ka zvekusara angova “ruware” pose paanoda kusangana nemudzimai wake muimba huru.

Pamusoro peizvi, murume uyu anoti sikarudzi yake inombozvim­ba ichirwadza zvikuru izvo zvinomuita kuti atadze kuita tsvina kana weti zvakanaka.

Themba Zimhondi (38) anotaura dambudziko rake kuKwayedza pasina kana kunyara achiti ari kutsvaga vangamubat­sira.

Zimhondi — uyo ava nemakore maviri aroorana nemudzimai wake Vimbiso Kaseke (21) — anofungidz­irwa kuti anogona kunge akaenda pabonde nemudzimai wemuridzi zvikazoita kuti abatwe nerunyoka kana kuti rukawo.

“Ndatambura nenyaya iyi, handizive kuti ndinobatsi­rwa nani — n’anga kana kumaporofi­ta. Ndapedza mari asi pasina chinofamba.

“Pandinongo­tanga kuda mudzimai wangu, nhengo yangu inobva yashaika zvekuny’ura mudumbu kana kudupika semuchisi. Nekudaro mumba mangu nemudzimai hamuna chiri kuitika, tongoti imba huru yakafa,” anodaro Zimhondi.

Anoti akaroora mudzimai wake aine mwana wake kare nemumwe murume uye anonzwira mukadzi wake tsitsi nekuti ari kumugarisa semunhu asina murume.

“Kwandinofa­mba, ndinonzi ndinogona kunge ndakashinh­a nemudzimai wemuridzi ndikabatwa nerunyoka rwunony’udza nhengo mukati. Asi ini handina mudzimai wemunhu wandinoyeu­ka,” anodaro Zimondi.

Zimhondi anoti paakatoran­a nemudzimai wake uyu, dambudziko iri raiva ratanga kare asi zvaiva nani pane zvazvave.

“Pane mashoko anotaurwa nevanhu muno kunzi ndakashere­keta nemudzimai wemumwe murume ari mumusha muno. Asi handizvo uye handizive matangiro azvo, ndakangoer­ekana zvave kuitika. Kana zvatanga mudumbu mangu munorwadza zvekuti ndinotadza kana kufamba,” anodaro.

Zimhondi anoti ane fungidziro yekuti zvichida akagadzirw­a nevasikana kana pfambi idzo aimbodanan­a nadzo kare.

“Kutaura chokwadi ndakatamba nevasikana nemadzimai akawanda – kana pfambi asi vose vasina varume. Hamheno kana ipapa ndakasanga­na nemukadzi akaroorwa ndisingazi­ve.

“Chokwadi ndechekuti ndakasasan­a nevakadzi vakawanda kwazvo, handingago­ne kuvaziva huwandu hwavo. Ndaiva bhuru chairo.”

Zimhondi anoti panguva iyo akanga asati aroora, aikecha pfambi zuva roga-roga.

“Handina mhando yemukadzi yandisina kusangana nayo, asi zvino ndava kuda kununurwa. Handichazi­va kuri kubva dambudziko rangu,” anodaro.

Dambudziko iri anoti radarika makore maviri ainaro.

Zimhondi anoti baba vake, VaEmmanuel Zimhondi zvose naamai vake, Mai Maria Jani, vapenyu uyu vanomukuru­dzira kuti afambe abatsirwe padambudzi­ko rake.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevabereki vemurume uyu. Zimhondi anoti ari kuronga zvekumboen­da kumusha kwavo kwaSadza, kuNjanja, kuti anotsvaga rubatsiro kudzimwe hama dzake dziriko.

Mudzimai wake – Kaseke –

anotsinhir­a dambudziko rine murume wake achiti zvavashais­a mufaro mumba mavo.

“Tine dambudziko mumba medu, ndingade murume asi hapasisina zvababa apa. Ndikamubvu­nza anonditi haazive kuti zvakatanga sei,” anodaro Kaseke.

Anoti panguva yavakatora­na, zvaiva nani.

“Ndiri mukadzi wechidiki anodawo murume sevamwe vakadzi asi hakuna kwandichaz­viwana nekuti baba vava nedambudzi­ko guru iri. Ndinongozv­itambira, handina chekuita nekuti murume wangu ndinomuda. Rimwewo gore achasunung­urwa,” anodaro.

Vaviri ava vanogara pamba peimwe mhuri apo vanochenge­ta.

Sabhuku Rubatika, VaDereck Rubatika (51) avo vanove zvakare sekuru vemudzimai waZimhondi, vanotsinhi­ra dambudziko rakatarisa­na nevazukuru vavo.

“Ichokwadi ane dambudziko rekuita ruware. Mukadzi wacho akatouya kwatiri semadzisek­uru achiti murume wake anotsakati­ka sikarudzi panguva yavanoda kusasana,” vanodaro.

Vanoti pane nyaya yekunzi Zimhondi akadanana nemudzimai wemunhu mumusha umu uko akagadzirw­a.

“Nyaya yekunzi Themba akashereke­ta nemukadzi wemuridzi akagadzirw­a yakasvika kwandiri sasabhuku ndikamubvu­nza Themba asi akazviramb­a. Mukadzi anotaurwa kunzi akashinha naThemba tinaye muno zvose nemurume wacho, asi hatigone kunovabvun­za kana iye Themba achizviram­ba.

“Zvaitoda kuti aripe murume ane mukadzi waakashere­keta naye, kana pasina izvozvo kana kuri iko kwakabva dambudziko rake hatina zvatinokwa­nisa kuita,” vanodaro.

Sabhuku Rubatika vanoti vave kutyira kuti mudzimai waZimhondi achazogumi­sira akundwa nemiyedzo akatsvaga vamwe varume vekumuguts­a sezvo achiti mumba make hamuna chiri kuitika.

Votaura nezvenyaya iri kuitika kumurume uyu, Mbuya Marita Ried (54) vekuChitun­gwiza, vanoti Zimhondi anorapika, ndokukurud­zira kuti abude pachena kumuridzi wemudzimai waanonzi akashinha naye. “Murume uyu ngaasanyar­a kana achida kubatsirwa, ngaabude pachena, otuma vakuru kunopotera kumuridzi wemudzimai waanonzi akashereke­ta naye,” vanodaro Mbuya Ried.

 ??  ?? Pamusha panochenge­twa naThemba Zimhondi.
Pamusha panochenge­twa naThemba Zimhondi.
 ??  ?? Themba Zimhondi
Themba Zimhondi
 ??  ?? Vimbiso Kaseke
Vimbiso Kaseke
 ??  ?? Mbuya Marita Ried
Mbuya Marita Ried
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe