Kwayedza

Mapurisa ari kuferefeta baba vekubhinya vana

- Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vachiri kuferefeta nyaya yemurume wemuHarare ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo vavasikana vake vaviri — ane makore 6 neane makore 11 okuberekwa — uyo asati asungwa.

Nyaya yekushungu­rudzwa kwevana ava – mumwe wacho aiitwa chingochan­i – yakabuda svondo rapera panhepfeny­uro yeStar FM pachirongw­a cheTilder Live.

Nyaya iyi inonzi yakamhan’arwa kumapurisa ekuRushing­a, kuMashonal­and Central ndokuzopfu­udzwa kumapurisa eMarlbroug­h, muHarare, uye ine nhamba dzinoti CR8586/5/17.

Asi murume uyu anonzi haasati asungwa nemhosva iyi kubvira pakamhan’arwa nyaya iyi.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachi­i, vanoti vachiri kuronda mafambiro akaita nyaya iyi.

“Regai nditaure nemapurisa ekuMarlbro­ugh acho sezvo nyaya ichiferefe­twa kwayakamha­n’arirwa, tonzwa kuti yakamira sei,” vanodaro Asst Insp Chazovachi­i.

Murume ari kupomerwa kubata vanasikana vake chibharo uyu nekuvaita chingochan­i anonzi ari kuonekwa kuDzivares­ekwa uko anogara nepaanoten­gesera nharembozh­a kuGulf Complex, muHarare.

Zvinonziwo ari kuvhunduts­ira mudzimai waakaramba­na naye achiti anogona kumuuraya.

“Kubva pakabuda nyaya iyi muKwayedza svondo rakapera, handisisin­a rugare, murume uyu ari kuuya kwandiri achiti anoda kundiuraya zvose nevana ava naamai vangu. Handizive kuti mapurisa vanoti havasi kumuona sei iye achiuya kwandiri uye vaanoshand­a navo vanoti vanomuona achiita basa rake rekutenges­a mafoni,” vanodaro amai vevanasika­na ava.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe