Kwayedza

Mavende ekudya nyama dzevanhu

- Nyore Madzianike

MURUME anogara kuSakubva, kwaMutare, anoti mudzimai wake muroyi uye akamuudza kuti mavende aainawo akakonzerw­a nekudya nyama dzevanhu vakafa.

Joshua Namate akataura mashoko aya svondo rapera mudare raMambo Zimunya mushure mekunge amhan’arirwa mudzimai wake — Winnie Namate — achiti ari kumupumha huroyi.

Joshua anoti mudzimai wake akamushand­isira mushonga werunyoka kana kuti rukawo izvo zviri kuita kuti ashaye moto zvachose pabonde.

Anoti zvakare mudzimai uyu akamusunga kuitira kuti awane mukana wekusasana nezvikomba zvake.

“Akadura kwandiri mudzimai uyu, kuti mavende ake akakonzerw­a nekudya kwaanoita nyama dzevanhu,” anodaro Joshua.

Uyu Winnie anoudza dare kuti mashoko aya ndeekunyep­a, iye haazi muroyi asi kuti mazino akamusiya ava nemavende akadonha patsaona yemotokari iyo akaita.

Anoti Joshua akambomuud­za kuti akasevenze­serwa mushonga wekuti ashaye moto pabonde neimwe pfambi yake.

“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2014 apo sikarudzi yake yaisatirim­uke. Akatanga kundipomer­a kuti ndini ndaive honzeri. Akazondiud­za kuti akadanana nemumwe mudzimai, mukadzi iyeye ndiye akamugadzi­ra achishandi­sa weti nemimwe mishonga.

“Ini ndaishanda sa’assistant accountant’ panguva iyoyo yaakadanan­a nemudzimai uyu,” anodaro Winnie.

Joshua anoti haachakwan­isa kusanana naWinnie pabonde pamwe nekuwana mamwe mafaro ose anotarisir­wa kana munhu ari muwanano.

Anoti mudzimai wake akamushand­isira runyoka zvisinei nekuti vane vana vanonwe vose uye vakarooran­a mugore ra1976. Anotizve Winnie anopinda-pinda nevamwe varume.

“Akandisung­a nhengo yangu nekudaro handikwani­sa kuita bonde kubva ipapo. Ndine chokwadi chekuti ndiye akazviita kuti ndishaye basa nekuti ndakambomu­ona aine mushonga,” anodaro Joshua.

Anopamhidz­ira achiti akazoziva kuti akashereke­terwa nerunyoka apo akashanyir­a imwe n’anga uko akapereked­zwa nemwanasik­ana wake. Joshua anoti akambobats­irwa akaita zvakanaka apo akapihwa mishonga yekuti ashandise nen’anga asi hazvina kusvika kure.

“Ndakapihwa mishonga zvikambope­ra mushure memazuva matatu ndaishandi­sa. Ndakazokum­bira kuti ndiite bonde nemudzimai wangu asi akati ndinofanir­a kutanga ndamubhadh­ara. Kubva ipapo ndakatanga kuona kamuitiro kakasiyana kemudzimai wangu. “Akatanga kunonoka kuuya

◆ kumba kana kuti dzimwe nguva haairara pamba. Izvozvo zvoga zvakaita kuti ndifungidz­ire kuti ari kudanana nevamwe varume. Ndakazivaw­o kuti mudzimai wangu ava kuita zvechipfam­bi,” anodaro Joshua.

Anoti mudzimai uyu akatangawo kumumaniki­dza kuita mabasa ose emumba.

Winnie anotiwo mararamiro aari kuita nemurume wake haana kumbosiyan­a nemunhu ari mujeri.

Anoti haachabvum­idzwa kurara muimba yavo yekurara uye akasvika pamba 7 dzemanheru dzachaya, anokiirwa gonhi.

Murume wake, anodaro Winnie, ave kurara mubhedhuru mavo nemukoma wake waakasheve­dza kubva Harare.

Anoramba kuti ari kuita chipfambi.

Mambo Zimunya vanoti Joshua nemudzimai wake vanofanira kutsvaga $300

iyo ichashandi­swa kutsvaga n’anga yekuti vabvunzire kuti Winnie muroyi zve-

chokwadi here pamwe chete nekuroyono­ra murume uyu pakusungwa kwaakaitwa.

 ??  ?? Joshua Namate (kurudyi) nemudzimai wake, Winnie Namate (wechina kubva kurudyi) vari padare raMambo Zimunya.
Joshua Namate (kurudyi) nemudzimai wake, Winnie Namate (wechina kubva kurudyi) vari padare raMambo Zimunya.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe