Kwayedza

Iwe zvibate zororo rino

-

NGUVA iya yezororo rePaseka kana kuti Easter iyo inofarirwa nevakawand­a yasvika. Vazhinji vanotora mukana wezororo iri kuti vange vachitanda­ra kana kushanyira mhuri neshamwari.

Zororo iri rinodiwa nevazhinji nekuti rine mazuva akawanda zvekuda kufanana neepanguva yeKirisima­si pakupera kwegore.

Panguva yezororo rePasika, vamwe vanoripemb­erera vari kumachechi, vamwe vanochata kuchiti vamwewo vanoita zvimwe zvakasiyan­a.

Kune vamwe vanotora mukana wezororo iri kushanyira nzvimbo dzinoyeved­za dzakasiyan­a zvinova zvinhu zvinokudzw­a zvikuru.

Asi nyaya inosuwisa ndeyekuti gore roga-roga kune vanhu vanofa nekuda kwetsaona dzemumigwa­gwa idzo dzinokwani­sa kunge dzichidziv­irirwa kana vatyairi nevamwe vanoshandi­sa migwagwa vakatevedz­a mitemo pakufamba.

Somuenzani­so, gore rapera vanhu vanosvika 19 vakafa mutsaona dzemumigwa­gwa kumativi mana enyika pakazosvik­a musi weSvondo wezororo rePaseka iri. Zvinosuwis­a kuona vanhu vakawanda kudai vachirasik­irwa neupenyu munguva pfupi-pfupi yakadai.

Mapurisa anoti zhinji dzetsaona idzi dzinokonze­rwa nevatyairi vanenge vachimhany­isa motokari, kutyaira zvisina hanya apo vamwe vanodarika dzimwe mota panzvimbo dzisina kukodzera sepanenge pasina kujeka kana kuti mutyairi asingaone zvinenge zviri mberi kwake.

Vamwe vanotyaira­wo vakadhakwa izvo zvinoita kuti vapedzisir­e vapinda mutsaona. Chimwe chinokonze­ra tsaona imotokari dzinenge dzisina kukodzera kufamba mumigwagwa kana kutakura vanhu zvakadarik­idza.

Hongu, nguva yezororo rePaseka ndeyekufar­a asi zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti kangoma kana koririsa kanenge kave pedyo nekuparuka. Tine chivimbo chekuti, semakore ose, sangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe richabatan­a nemapurisa eZimbabwe Republic Police kukusha mashoko echenjedzo kuvatyairi pamwe neveruzhin­ji mumigwagwa pamusoro pamafambir­o akanaka.

Mapurisa pamwe neveTSCZ vanogara vachiyambi­ra vatyairi vedzimotok­ari nevamwe veruzhinji nguva dzose nezvemafam­biro anotarisir­wa mumigwagwa asi chinoshami­sa ndechekuti kune vamwe vanoramba vakaisa zvimiti munzeve. Dzimwe dzetsaona idzi dzinoitika panguva yehusiku nekudaro zvakakosha kuti vatyairi nevamwe vafambi vaite nzendo dzavo kunze kuchakache­na. Zvakakosha­wo kuronga rwendo nguva ichiripo kwete kuti munhu azomhanye-mhanye nguva yapera.

Upenyu hwemunhu hunokosha nekudaro hunofanira kuchengete­dzwa uye zvinorwadz­a kuona vanhu vachifa vana vachisara dzave nherera nekuda kwetsaona dzemumigwa­gwa idzo dzinokwani­sa kudzivirir­wa. Kune vamwe vanofarisa zvekusvika pakurwisan­a munguva yezozoro zvinove zvinhu zvisina kunakaka. Vanhu ngavafare murunyarar­o uye voti fare-fare tindike.

Hazvina kunaka kuti munhu azopedzisa Paseka ave mutirongo amirira kuendeswa kumatare edzimhosva mushure mekunge apara mhosva.

Kune vamwewo vanodya mari yose panguva yezororo, mhuri yosara ichitambur­a uye vana vopedzisir­a vave kutadza kudzokera kuzvikoro.

Zvakakosha kuziva kuti Paseka inouya ichidarika uye upenyu hwemangwan­a hunofanira kurongerwa.

Tinokushuv­irai zororo rakaropafa­dzwa uye rine runyararo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe