Kwayedza

‘Muteuro weraki’ wauraya mwana

- Whinsley Masara

MUNYAYA yasiya miviri yevazhinji yopindwa nechando nekutya, murume wekuLupane anonzi akafa mushure mekunge anwa mvura “yemuteuro” yaakapihwa naamai vake.

Thembelani Sibanda (48) wekuNdamul­eni, kwaShe Mabhikwa, anonzi akapihwa mvura naamai vake, Eddy Ndlovu (69), nemusi weMuvhuro wadarika iyo akanwa achibva azoshaya muzuva rakatevera racho.

Amai ava vanoti vainge vapihwa “muteuro” uyu nemumwe muporofita achiti kana akaunwa, zvaita kuti mushakabvu aite rombo rekuwana basa.

Mapurisa vanofungid­zira kuti Sibanda akafa nekuda kwemuchetu­ra.

Imwe hama yepedyo inoti: “Mushure mekunwa mvura iyi, Sibanda akatanga kurwadziwa nemudumbu achibva atanga kurutsa. Pasina nguva, akatanga kuzvimba huro. Vehukama vakabva vamuendesa kuSt Luke’s Mission Hospital uko akanopfuud­zwa kuMpilo Central Hospital, Bulawayo.

“Mushure mekurapwa kuMpilo, akazofa vava munzira paMbembesi Bridge mumugwagwa unobva

kuBulawayo uchienda kuVictoria Falls. Mutumbi wake wazoendesw­a kumochari yeSt Luke Mission Hospital kuti unovhenekw­a.”

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMatabele­land North, Inspector Sipiwe Makonese, vanotsinhi­ra nezvenyaya iyi vachiti ongororo

ichiri kuitwa.

“Tiri kuita ongororo yenyaya yemurume akafa mushure mekunwa ‘mvura yemuteuro’ yaakapihwa naamai

vake.

‘‘Murume uyu akatanga kurwadziwa nemudumbu achibva azozvimba huro ndokuzofa muzuva rakatevera,”

vanodaro.

Vanoti vakamirira ongororo ichaitwa pamutumbi kuti vazive chakakonze­ra rufu urwu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe