Kwayedza

Mai veRuwadzan­o vakarasa mwana muchimbuzi

- Kingstone Mapupu

MWANA ane mwedzi mitanhatu yekuberekw­a akanunurwa ari mupenyu mushure mekuita mazuva matatu akandwa muchimbuzi chiri pachechi naamai vake kuChiwenga, kwaMambo Kasekete, kuMuzaraba­ni.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and Central Province, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti mwana uyu ari kubatsirwa namachirem­ba aina amai vake avo vakachenge­tedzwa nemapurisa vari muhusungwa.

Mwana uyu anonzi akakandwa naamai vake muchimbuzi chepachech­i yeSalvatio­n Army iri kuChenguru­ve.

“Tine amai vanobva mubhuku reChenguru­ve avo vakaenda kuchechi yavanopind­a yeSalvatio­n Army vaine mwana wavo ane mwedzi mitanhatu yekuberekw­a uyo vakanokand­a muchimbuzi nechinangw­a chekuda kumuuraya. Mwana uyu anonzi akakandwa musi wa11 Kurume ndokuzonyu­rurwa mutsvina nemusi wa14 ari mupenyu.

“Iko zvino mwana uyu ari kurapwa kuchipatar­a cheSt Alberts aina amai vake vanova musungwa,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Fungai Mwenda – uyo asina kuzivikanw­a makore ake ekuberekwa – anonzi akakanda mwana wake musikana muchimbuzi mushure mekunge anetsana nemurume uyo ari kuti mwana uyu haazi wake.

Mudzimai uyu anonzi akaroorana naTongai Katsande (25) vachigara vose mumusha mumwe chete.

“Vaviri ava vanonzi vaigara vachipopot­edzana, murume achiti handiye baba vemwana uyu. Amai ava vakazoenda kuchechi kwavo uko vanonzi vakanokand­a mwana uyu muchimbuzi.

“Mukadzi uyu akazodzoke­ra kumba asina mwana uko akasvikobv­unzwa nemurume nezvemwana uyu iye ndokutadza kupa tsananguro yaigutsa zvikazoita kuti murume azonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuChiweng­a nemusi wa13 Kurume,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mudzimai uyu anonzi akazosungw­a ndokubvunz­urudzwa apo akadura kuti aiva akanda mwana uyu muchimbuzi nekuda kwekushung­urudzwa nemurume wake achiti mwana uyu handi wake.

“Mapurisa nevagari vekuChiwen­ga vakazonora­tidzwa muchimbuzi mainge makandwa kasvava aka ndokukabur­itsa kubva mutsvina kari kapenyu.

‘‘Mwana akatanga kuendeswa pakiriniki yekuChiwen­ga ndokuzodar­ikidzwa kuchipatar­a cheSt Alberts uko ari kurapwa amai vacho vakachenge­tedzwa nemapurisa,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mudzimai uyu achaendesw­a kumatare edzimhosva onotarisan­a nemhosva yaari kupomerwa yekuedza kuuraya mwana nekumurasa.

Asst Insp Masikati vanokurudz­ira vabereki, kunyanya madzimai, kuti kana vakanetsan­a zvakadii nevarume vavo, havafanirw­e kurasa vana sezvo kuita izvi iri mhosva huru.

“Kunetsana kwedu sevabereki hakufanirw­e kusvika pakuzotamb­udza vana uyewo kana paine zvinonetsa, tsvagai vayananisi pane kutukana nekurwa,” vanodaro.

 ??  ?? Asst Insp Masikati
Asst Insp Masikati

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe