Kwayedza

Vonangana huroyi, humbavha

- Gamuchirai Muzanenham­u

VARUME vaviri vaimboshan­da vose vakazonets­ana zvekusvika pakuendesa­na kudare redzimhosv­a vachipumha­na huroyi pamwe nehumbavha.

Thulani Mazarura akamhan’arira Givemore Mutsigiri kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kutaura mashoko asina kufanira uye kumutyisid­zira.

“Ari kufamba achitaura mashoko anorwadza pamusoro pangu achiti ndiri muroyi, ndakauraya mukadzi weshamwari yangu uye anokwanisa kundirova ndikafa. Saka ndava kutotya kana kufamba husiku nekuti anoziva nzira dzandinosh­andisa zvose nekumba kwangu,” anodaro Mazarura. Anoenderer­a mberi achiti Mutsigiri ari kutadzisa vana vake kushanda basa ravo rekutenges­a.

“Ari kutadzisa vana kutengesa nekuda kwehunhu hwake hwekutyisi­dzira nekuda kuvarova,” anodaro Mazarura. Mutsigiri anoti zvose zvinorehwa manyepo asi chiripo ndechekuti Mazarura ava neshanje nekuda kwekubudir­ira kwaari kuita mumabhinda­uko ake.

“Zvose zvaari kutaura manyepo, nyaya iripo ndeyekuti taitengesa mbudzi tose iye achibva andibira ndikashaya mari yekutenga dzimwe. Saka ndakazosha­ndazve ndikakwani­sa kusimudzir­a pandainge ndambomiri­ra. Izvi ndizvo zviri kumurwadza, aida kuti ndirambe ndisina mari,” anodaro.

Anoti kana zviri zvekuendes­ana kumapurisa iye ndiye aifanirwa kusungisa Mazarura nekuti akamubira.

“Ini ndini ndaifanirw­a kumusungis­a nekuti ndiye akatondibi­ra, zviri kundishami­sa kuti ndiye ada kuita zvekumatar­e,” anodaro Mutsigiri.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mazarura gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe