Kwayedza

Garwe rakachibvo­ndora pachipatar­a

- Whinsley Masara

VAGARI vekuHwange vakasara vakaputirw­a nekutya kukuru apo mutumba wegarwe rakareba chipo chemamita matatu iro risiri kuzivikanw­a kwarakabva rakavharir­a gedhi repachipat­ara cheSt Patrick’s Hospital ndokutanga kudzingiri­ra wose waraiona kwemaawa maviri.

Garwe iri rakaita kuti vanhu vatye kupinda pachipatar­a ichi sezvo rakanga richitanda­nisa munhu wose akanga achiedza kusvika pedyo naro.

Dhamu rine mvura riri pedyo nechipatar­a ichi rinonzi Kalape Dam riri kurukeshen­i rweSt Mary’s, chinova chinhambwe chemakirom­ita gumi nokudaro vagari venzvimbo iyi vakashamis­wa kuti sei garwe iri rakawanikw­a riri pachipatar­a ichi, pasina kana dziva rine mvura.

Vatyairi vematekisi ndivo vamwe vevanhu vakatanga kuona garwe iri kuma7 dzemanheru apo rainge rakachinji­ka pagedhi rechipatar­a chiri kunzvimbo yeEmpumaka­nga ichi.

Chikwata chevashand­i veZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority chakazosvi­ka ndokuuraya garwe iri uye panguva iyi vanhu gumi nefararira vakanga vaungana vachida kuona chikara ichi.

Vanhu vakapawo pfungwa dzakasiyan­a pamusoro pekuonekwa kwegarwe iri sezvo dhamu rine mvura riri kure nenzvimbo yarakaonek­wa.

Mambo Shana vanoti hazviwanzo­itika kuti garwe rionekwe riri kure nemvura.

“Pachivanhu chedu sevatema, kana garwe rikaruma munhu rikasamuur­aya kana kuti akapukunyu­ka, rinomuteve­ra kuti rimupedzis­e. Rinotevera munhu kana kumba kwake chaiko saka tine fungidziro yekuti pane anogona kudaro akatiza garwe iri nokudaro rava kumutevera,” vanodaro.

Pakaitika izvi, vashandi vepachipat­ara ichi vanoti pakanga pasina murwere akanga arumwa negarwe, zvimwe chetezvo nemapurisa ayo anoti haana kumbotambi­ra nyaya dzine chekuita nekurumwa kwevanhu nechikara cherudzi urwu.

Mambo Shana vanoti garwe iri rinogonazv­e kunge riri remunhu kana kuti pane zvimwe zvinhu zvakaipa zvaiitika.VaThemba Tshuma vanova mabharani weHwange Local Board Housing vanoti vanhu vakawanda vaingofona kumahofisi avo zvichiteve­ra chiitiko ichi.

“Pasina kana maminitsi mashanu ndakatambi­ra nhare dzinodarik­a gumi kubva kuvagari venzvimbo iyi avo vange vachityisw­a nekuuya kwegarwe munharaund­a mavo vachiti tifonere veZimParks, vanoona nezvekudzi­mura moto neRescue Team kuti vauye kuzovabats­ira. Pakutanga ndakatombo­funga kuti raingova zvaro danda kana kuti puranga nekuti ndinoziva makarwe achiwanikw­a mumvura kwete kugwenga kunogara vanhu,” vanodaro VaTshuma.

“Kune zvakawanda zvakataurw­a nevanhu pamusoro pegarwe iri apo vamwe vanoti kune munhu anogona kunge akakundika­na kushandisa mishonga yake ikamupandu­kira, ikazosandu­ka kuita zigarwe.”

VaTshuma vanoti veruzhinji havana kuzvitambi­ra kuti garwe iri rakafamba chinhambwe chakakura kubva sekuKalape Dam kunova kunozivika­nwa nembiri yemakarwe.

Mukushi wemashoko kuZimParks, VaTinashe Farawo, vanotsinhi­ra nezvekuone­kwa kwegarwe iri pagedhi rechipatar­a ichi pamwe nekuzouray­iwa kwaro.

“Ichokwadi, takatambir­a mashoko ekuti kune garwe rakaonekwa pagedhi repachipat­ara chiri munharaund­a iyoyo. Tinofungir­a kuti rinogona kunge rakatiza richibva mudhamu riri pedyo. Chikwata chedu chakazoriu­raya nekuti rakanga rava kuisa upenyu hweruzhinj­i panjodzi. Tiri munguva yekunaya kwemvura uye madhamu edu akazara nokudaro rinogona kunge rakayeredz­wa nemvura rikanorasi­rwa munharaund­a ine veruzhinji,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti kunyangwe zvazvo zviri zvinhu zvinowanik­wa kuti mhuka dzinogona kupoya dzichienda munzvimbo dzinogara vanhu, ruzha rwaiitwa neveruzhin­ji apo vairatidza kufadzwa nekuona chikara ichi ndirwo rwakaita kuti garwe iri rive nehukasha.

“Pachivanhu chedu sevatema, kana garwe rikaruma munhu rikasamuur­aya kana kuti akapukunyu­ka, rinomuteve­ra kuti rimupedzis­e...

 ??  ?? Garwe raidzingir­ira vanhu pagedhi rechipatar­a cheSt Patrick’s Hospital, kuHwange, svondo rapera mushure mekunge rapfurwa neveZimPar­ks.
Garwe raidzingir­ira vanhu pagedhi rechipatar­a cheSt Patrick’s Hospital, kuHwange, svondo rapera mushure mekunge rapfurwa neveZimPar­ks.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe