Kwayedza

Tashandura mashandiro: ZRP

- Malven Mugadzikwa naKumbirai Bakuri

VANHU vemunharau­nda vonokurudz­irwa kushanda pamwe chete nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) nedonzvo rekuderedz­a kuparwa kwemhosva.

Mukuru wemapurisa mudunhu reMashonal­and West Province, Senior Assistant Commission­er Felly Chikowero-Mjanga, vakapa kurudziro iyi svondo rapera apo vaiparura zvakare chirongwa chemashand­iro emapurisa pakuisa michiso pamombe uye kutanga kwechikamu chinodzivi­rira kuparwa kwemhosva paNyamweda Business Centre, kuMhondoro.

“Semapurisa ZRP, tinoda kuti veruzhinji vazive kuti kushanda kwedu hakuna chimiro kana pasina kubatana navo.

“Izvi zvinotsigi­rwa nezviri mubumbiro remutemo wenyika rinotipa masimba ekuona, kuferefeta, kudzivirir­a mhosva, kuchengete­dza runyararo munyika, kuchengete­dza upenyu neupfumi hweveruzhi­nji pamwe nekuchenge­tedza mutemo nerunyarar­o munyika nezvimwe.

“Isu seZRP, tiri pashanduko­wo pamashandi­ro edu kubva pane mashandiro ataiita kare. Shanduko iyi inoda kuti tiwedzere kushanda uye kuva munharaund­a zvakanyany­a senzira yekuderedz­a kuparwa kwemhosva,” vanodaro Snr Asst Com Chikowero-Mjanga.

Vanoti senzira yekuderedz­a kuparwa kwemhosva, mapurisa achange achiwanikw­a achitender­era munzvimbo dzakasiyan­a uye veruzhinji vakasunung­uka kushanda nawo.

“Donzvo redu nderekudzi­virira mhosva dzisati dzaparwa naizvozvo tinotuma mapurisa kuti vapote vachifamba netsoka, nemabhasik­oro, nemabhiza, nemotokari kana neimbwa dzechipuri­sa. Mabhiza ari kuuya muMashonal­and West nenguva pfupi iri kutevera.

“Mukuita basa ravo, mapurisa tinovakuru­dzira kuti vataure nevanhu vachinzwa zvichemo zvavo neveruzhin­jiwo tinovakuru­dzira kusununguk­a kutaura nemapurisa kwete kuvatya,” vanodaro.

Snr Asst Com Chikowero-Mjanga vanoti veruzhinji vakasunung­uka kuenda kumakamba emapurisa ari pedyo navo kuti vataure kana kumhan’ara nyaya dzinenge dzaitika munharaund­a.

“Madzimambo, masabhuku, maMP nemakanzur­a ndimi munochenge­tedza hunhu, mitemo netsika dzedu.

“Nyaya dzekubatwa chibharo, kunyanya kwevana vadiki, ndidzo dzatishung­urudza zvakanyany­a mudunhu muno. Chinonyany­a kurwadza ndechekuti vanhu vehukama vakaita savanaseku­ru, vanababa, hanzvadzi nevavakidz­ani ndivo vari kupara mhosva idzi kunyanya.

“Vana ndivo vatungamir­iri vamangwana saka kuvakangan­isa kukanganis­a ramangwana ravo zvose nenyika.”

Snr Asst Com Mukowero-Mjanga vanokurudz­irawo veruzhinji kuti vasape mapurisa chioko muhomwe.

Vanotizve huwori hunodzoser­a budiriro kumashure uye veruzhinji vakasunung­uka kumhan’ara kumakamba ari pedyo navo kana paine mapurisa anenge achida mari kana kubhadharw­a kuti vaite basa.

Vanokurudz­irawo veruzhinji kuti vasapinde mune zvekubiwa kwezvipfuy­o vachiti varimi vanofanira kuisa mombe dzavo michiso kuti dzizivikan­we nekukasira.

 ??  ?? Snr Asst Comm Felly Chikowero-Mjanga
Snr Asst Comm Felly Chikowero-Mjanga
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe