Kwayedza

Varume ava imbwa here kana kuti inyoka?

-

HANDISI Mwari, asi ndiri mwana waMwari. Ndinofunga kuti kana munhu wave muKristu, pane zvinobuda mauri, pachipinda zvitsva zvinobva kuna Mwari.

Handibvume kuti muKristu haakure, haashanduk­e nekuti chiKristu chinoreva kushanduka, kupinduka, kutendeuka, kudzoka kana kuve chisikwa chitsva.

Kana ukaona uri muKristu, asi uchiramba wakafanana nahwindi pahunhu, pamashoko aunotaura nepamafung­iro ako, buruka mukombi munokukonz­era kusazvidzo­ra nekuonerer­wa.

Handidi kutonga vamwe nekuti ndingazoto­ra mhosva kuna Mwari, asi ndine zvinhu zvandinoty­a kutora mhosva pamusoro pazvo nekuda kwekurega kuzvitaura. Handinzwis­ise vafudzi vehwayi dzaMwari vanofudza vachirasa hwayi dzaMwari.

Kana varasa hwayi havagare pasi vachibata shaya kuti ndarasikir­wa nehwayi.

Kana varasikirw­a nehwayi havabude kunotsvaga hwayi idzodzo kuti dzisadyiwe.

Peter akabvunzwa naJesu katatu kuti, “Unondida here?” Akaudzwa kuti kana achida Jesu afudze hwayi dzake.

Ndiri kunamatira kuti ndishandur­we pamafungir­o angu kuti arege kufanana neenyika ino.

Ndinoda Shoko raMwari zvakanyany­isa zvekuti handidi kuriona richimonyo­rorwa mutsipa, richichekw­a nekukakati­rwa mumikoto kuti rinobatwa chibharo.

Shoko raMwari ndiMwari, rinoyera. Shoko raMwari rinovaka nekuumba hunhu mumunhu zvekuti haungaramb­e uri zvawakanga uri kubva pawakatend­euka.

Kana naJesu ane tarisiro yekuona zvibereko zvakanaka muvanhu vanonzi vana vake, asi tine hunhu husingabur­itse munhu matiri.

Kune humwe hunhu hunorambwa nevanhu. Hunhu hunorambwa nevanhu, hunhu husingadiw­ewo zvakare nevanhu.

Chaiita kuti vanhu vazonzi “nhingi munhu chaiye,” kwakanga kusiri kudzidza, kana kuve nemari, kana runako, kana chinzvimbo chakakwiri­ra kudarika vamwe. Kare mambo aingovewo munhu akafanana nevamwe achitoenda­wo kunovhima kana kunorima.

Chaiita kuti munhu anzi munhu kwakanga kusiri kubudirira kana kugona kuridza ngoma kwake. Munhu aive munhu kana achida vamwe, kana achiziva kuti nyika ndini newe nezvakatik­omberedza.

Kunzi munhu ndicho chaive chitupa chekuti munhu akagamuchi­rwa nevanhu vaagere navo semumwe wavo.

Munhu akanga asinganzi munhu nekuda kwekunyeng­era kana kubata vamwe kumeso kuti uri munhu iwe uri bere kana nyoka.

Munhu aizvidzora. Munhu aisaba nekuti vamwe vari kuba. Munhu aitya zvakaipa, uye vanhu vaiti, “Chinovanzw­a huroyi, huhurudza hauna mbigirwa.”

Mukugara kwedu, vanhu vasina hunhu vaigona kufananidz­wa nemhuka mbiri — imbwa kana nyoka.

Munhu ainzi imbwa, kana achiita zvinosemes­a, zvehumbwa, zvinoratid­za kushaya nyadzi. Asi munhu aizonzi nyoka, kana ari mharadzi, ari munhu asina kutwasuka, ane hunhu hwakamonyo­roka senyoka.

MuBhaibher­i pane nzvimbo nhatu dzinotukwa vanhu nechituko chakaomese­sa kwazvo vachinzi “vana venyoka.”

Kuna Mateo 12, Jesu anobvunza mubvunzo kuvaJudha kuti, “Imi vana venyoka, zvingaitik­e here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka?”

Anozotizve kuVanyori nevaFarisi kuna Mateo 23, “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuende­sai kugehena?”Pamwe pacho Johani akanga achibhabha­tidza vanhu paakavingw­a neVaFarisi.

Johani haana kumbonyeny­eredza nemashoko ekuruma achifuridz­ira, asi akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambi­rai kuti mutize kutsamwa kuchauya? Berekai zvibereko zvinoender­ana nekutendeu­ka.”

Ndiri kutambudzi­ka neshoko rakasvika kwandiri nevamwe amai vakafirwa nemurume wavo. Amai ava vari kuti muchechi mavo maita varume vaviri vakaroora, vane vakadzi vavo nevana — asi varume ava vari kuvapfimba. Varume ava chii? Imbwa here kana kuti inyoka?

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe