Kwayedza

Musaroodze vana: MP

‘. . . vapei mukana wekudzidza’

- Lizzy Mushoriwa

MUMIRIRI weZvimba East mudare reNational Assembly, Cde Francis Mukwangwar­iwa, vanoti zvakakosha kuti vanasikana vapihwe mikana yekudzidza kwete kuvaroodza vachiri ndumurwa.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pachikoro cheNyavira Secondary School, kuNyabira, apo vakapa zvidhina 40 000 zvekuvakis­a dzimba dzekudzidz­ira.

“Ndauya kuzogovera zvidhinha zvekuvaka izvi pano paNyavira Secondary School mushure mekunzwa chichemo chenyu chekuti hamuna pekudzidzi­ra pakanaka. Saka zvidhinha zvandauya nazvo i40 000 uye ndezvekuva­kisa kirasi yema- Form 5 ayo anotanga gore rinouya. Ndinovimba kuti kusvika gore rinouya kirasi iyi inenge yapera kuvakwa,” vanodaro.

“Hatidi kuti vana vadzidzire panze kana pasi pemuti, tinoda vapinde mumakirasi mavanodzid­za vakasunung­uka uyewo vana vakadzidzi­ra pakasunung­uka zvinovaita kuti vagone muchikoro.

“Tiri kuona vanasikana vakawanda vasingauye kuchikoro inyaya yekuti vamwe vabereki vari kuvaroodza vari vadiki. Vabereki siyai vana vadzidze, musavarood­za vachiri zvanana ndapota nekuti ndivo vachazova madhokoter­era namaticha amangwana.”

Cde Mukwangwar­iwa vanoti vanofara zvikuru nekubatsir­a kuri kuita vabereki mukusimudz­ira chikoro ichi.

“Vabereki ndinokuten­dai nekubatsir­a kwamuri kuita chikoro chenyu, ngazviramb­e zvakadaro. Tinoda kuvaka zvakare dzimba dzematicha uye Computer Lab pano kuti vana vedu vadzidze zvakanaka. Nokudaro svondo rinouya pano pachauya 150 masaga esimende uye zvidhinha izvi zvakaita mari inosvika $7 600,” vanodaro.

Mukuru weNyavira Secondary School, VaTerrence Sichori, vanofara nerubatsir­o rwavakapih­wa naCde Mukwangwar­iwa.

“Ndinofara chaizvo uye ndinopa kutenda kukuru nezvataiti­rwa nhasi. Zvechokwad­i tanga tisina

 ??  ?? Cde Francis Mukwangwar­iwa (vechina kubva kuruboshwe) vaine vabereki vane vana vanodzidza pachikoro cheNyavira Secondary School apo vaiva pamberi pezvidhina zvavakapa kuchikoro ichi.
Cde Francis Mukwangwar­iwa (vechina kubva kuruboshwe) vaine vabereki vane vana vanodzidza pachikoro cheNyavira Secondary School apo vaiva pamberi pezvidhina zvavakapa kuchikoro ichi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe