Kwayedza

Vatambi mungano

- Munyaradzi Gunduza

MHUKA nevanhu ndizvo zvinonyany­a kushandisw­a navanasaru­ngano sevatambi vemungano. Mhuka dzinoshand­iswawo dzakamirir­a zvinhu zvinoitwa nevanhu muupenyu.

Dzimwe dzemhuka dzinowanzo­wanikwa mungano dzinosanga­nisira gudo, shumba, tsuro, bere, kamba nenzou.

Gudo/Dede/Bveni/Mutiro – Iyi imhuka inowanikwa mungano zhinji kwazvo semungano; Gudo naTsuro p.30.

Mungano zhinji Gudo rinoburits­wa riri sekuru kuna Tsuro, uye richimirir­ira vanhu vakapusa (vasina njere), vasingafun­gi nevaye vanonyenge­dzwa nezvinhu zviri pachena.

Gudo rinomiriri­ra vanhu vane chimiro chakaipa sezvo richizivik­anwa namahobi.

Gudo rinomiriri­razve vanhu vanoba, asi vasina njere zvinozoita kuti vapinde mumatambud­ziko.

Tsuro – Aka kamhuka kadiki, asi kaine ungwaru, undyire uye unyengedzi.

Mungano zhinji mhuka hombe dzinonyeng­edzwa naTsuro achishandi­sa njere dzake dzakapinza.

Muupenyu Tsuro inomiririr­a vanhu vane mhumhu mudiki, asi vachigona kushandisa njere kuti vawane zvinhu zvinenge zvichishai­kwa nevanhu vane mhumhu mukuru.

Tsuro inoburitsw­awo ichimiriri­ra vanhu vane utsinye muupenyu semungano; Tsuro naBveni p.66. Mungano iyi, Tsuro anonyenged­za Bveni kusvikira razouraiwa navanhu.

Izvi zvinobva zvabudisa utsinye hwaTsuro.

Shumba – Mungano zhinji, Shumba ndiye aiva mambo wesango achitonga dzimwe mhuka dzose.

Aikwanisa kuunganidz­a mhuka dzose dzesango kana pachinge paita dambudziko rakaita senzara achiona kuti vangakunda sei matambudzi­ko aya.

Muupenyu, Shumba anomirira umambo, uye chisimba chisina njere ndokusaka dzimwe nguva achinyenge­dzwa naTsuro kana kupinzwa mumatambud­ziko nekuda kwekusafun­ga kunomutuma kushandisa chisimba.

Pasichigar­e, madzishe aitonga akafuga dehwe reshumba zvinotsigi­ra pfungwa yokuti shumba inomirira utongi mungano.

Shumba inomirira vanhu vane unyanzvi hwekuvhima, vanotyisa, uye vane mhumhu mukuru semungano inonzi Vasikana nevakomana shumba, p.12.

Gava – Iyi imhuka inobuda mungano iine uchenjeri zvikuru. Gava rinoburits­wa riine uchenjeri sezvo richikwani­sa kupfimba musikana richidiwa pasina nguva yakareba.

Uchenjeri hwegava hunoburits­wa nekugona kunyengedz­a musikana kunyange zvake achizokwan­isa kuona kuti mukomana wake wainge asiri munhu chaiye.

Ngwena/Garwe – Iyi imhuka inogara mumvura, asi ichida nyama zvikuru. Imhuka ine simba, uye inogona kubata hove. Inowanzody­a icho chinenge chapinda mumvura ndokusaka kune tsumo yokuti, “Garwe haridyi chebamba charo chinoza neronga.” Muupenyu garwe rinomirira vanhu vanokara, vane simba rakanyanya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe