Kwayedza

Pastor ane ruchiva

- Munyaradzi Gunduza

9. NDIANI waungati ndiye mutambi mukuru muna Kereke Inofa? Tsigira nezvinhu zvisere zvaanoita mumutambo uyu. [25]

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoendesa Zebra kuUK. Zvinobuda pavanomute­ngera tikiti rekukwira ndege asingazive ndokuzoere­kana vava kumuti ave kutoenda kuUK vachiitira kusara vachidanan­a nemudzimai wake, Sarah.

Pastor Mwenje vanodanana nenhengo yekereke yavo. Izvi zvinoonekw­a zuva ravanosara vakagara muchechi vari vatatu, Zebra, Sarah naPastor Mwenje vachikuruk­ura nezverwend­o rwekuUK. Zebra paanosudur­uka pavaive achienda kunodairir­a foni yake panze, Pastor Mwenje naSarah vanosara vachitsvod­ana zvakadzama vokasika kuregedzan­a.

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoba mari dzekereke. Izvi zvinobuda pavanenge vari kuUK naSarah. Vanobvisa gumi rezviuru zvemayusa pamari yekereke yaienda kunobatsir­a vanhu vanotambur­a vachiipa Sarah nhengo yekereke yavo, yavaidanan­a nayo muchivande, achibva aitumira murume wake Zebra kuZimbabwe.

Kugadzirir­a marisiti ekunyepa kunoitwa naPastor Mwenje kunoita kuti vave mutambi mukuru. Tinozviona pavanobvis­a gumi rezviuru zvemayusa aifanira kuenda kunobatsir­a vanotambur­a vachipa Sarah. Vanogadzir­isa marisiti aisafambir­ana nemari yavakabvis­a aizoita kuti vasabatwe kuti vaive vambokamur­a chimwe chidimbu chemayusa.

Pastor Mwenje vanopa nhengo yekereke yavo pamuviri. Izvi zvinoonekw­a zuva ravanosara vakagara muchechi naZebra naSarah. Zebra paanoenda panze kunodaira foni, vanoudzwa naSarah kuti akanga ave nepamuviri pavo paive nemwedzi mina zvinoita kuti vazoronga zano rekutiza naye vachienda kuUK kuri kuedza kuvanzirid­za pamuviri pavakanga vamupa.

Muna Kereke Inofa mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanonyeper­a mudzimai wavo, Mary. Izvi zvinojekes­wa pavanoudza Mary vari kuUK kuti vakanga vabva naSarah kuZimbabwe nekuti aida kuzvishand­ira achitsvaga raramo asi chokwadi chiri chekuti vaida kuvanzirid­za pamuviri pavaive vamupa.

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoita kuti nhengo dzekereke yavo dzitengese imba nemotokari. Tinozviona pavanoudza Sarah naZebra kuti vaida kuenda navo kuUK asi vaifanira kuzvitenge­ra matikiti vega. Izvi zvinoita kuti Sarah naZebra vazotenges­a imba yavo yaive kuBudiriro nemotokari senzira yekuungani­dza mari yerwendo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe