Kwayedza

Kushandisa fananidzo murondedze­ro

- TichaDanga

DONZVO redu muchirongw­a chino nderekuda kugadzira ugo hwemwana kuti husimbarad­zwe uye hugoburits­wa kubudikidz­a nekunyora rondedzero kana zvimwe zvinyorwa zvechiShon­a zvakadzama. Mukuita izvi, tinoedza chose kupa vana zvombo zvekushand­isa kuti hunyanzviu­huhugobuda­zvakanaka.

Vavariro ndeyekuti mwana agogona kukwikwidz­ananevamwe­vanavachan­yora bvunzonguv­aimwechete­naiye.Nemawandir­o anenge akaita vana vanonyora bvunzo idzi munaGumigu­ru, zvinotoda mwana anenge akabikwa akaibva kuitira kuti goho rakerigova­rinofadza.

Pazvombo zvose zvandakata­ura muchikamuc­hapfuurazv­aisanganis­iranyaudzo­singwi,madimikira,zvipaurone­fananidzo,ndakatibat­eitsumoasi­rwendorwun­o ndaonazvak­akodzeraku­tinditoref­ananidzo nekuti dzinoita kuti muverengi nemunyori vafambidza­nepamweche­te.

Chinoita kuti vaviri ava vafambidza­ne pamwechete­ndechekuti­fananidzod­zinoratidz­amamiriroc­haiwoakait­achinhu.Dzinobatsi­rapakutidz­inoitakuti­muverengia­umbe mufananidz­omumusorom­akemaerera­no nechinhuch­inengechir­ikutsanang­udzwa.

Toti tinenge tichida kutaura pamusoro pemunhu anga akasimira nguwo. Masimiriro aya anogona kunge akanaka kana kuti asina kunaka. Fananidzo dzega ndidzo dzinogona kuburutsa zvazviri chaizvo sokuti kana zvaive zvakanaka toti, “Akange akachena sengirozi kana kuti semwenga ari pasvitsa.” Unobva watovaka mufanaidzo wemunhuang­aakapfekaz­vakanakaku­nge akazvarwan­azvo.

Kanamasimi­riroasinak­umirazvaka­naka tinogonaku­fananidzat­ichiti,“Akangaakaz­viputirasa­makumbiari­kubvakumak­uvakana kutimijivh­ayaiitasei­ripachigut­sa.”

Kanapariku­dakutsanan­gudzatsvar­akadengaye­musikanapa­nokandwafa­nanidzo dzinoratid­za humhiza hweMusiki mukusika munhu. Ndipo patinonzwa zvonzi, “Mwanasikan­awaVaChimu­tiyaivanye­redzi chaiyo,svusvurand­adyamhodzi­yechingwa. Miromoyake­yaivachich­ekererwase­shereni uye musoro wake wainge wakaurunga­na sehurungud­o, iwo maziso acho akatendere­rasenyimod­zesiko.Mazinoakea­ivaakati wekee kuchena semukaka.” Zvirokwazv­o unobvawaon­akutipaiva­nezvechisi­kanaapa.

Kana zvakananga­na nechipurun­yenye chemusikan­a dzirikowo fananidzo dzinoburit­sa hupukandip­emwenje hwacho sokuti, “Aiva namatama akatuta sechigwiti chakapfund­anyemba,iwomazizin­oepamberi dzichinge mbezo dzaVaMucha­waya. Iwo maziziso aigara akaudyurwa kunge emombe yadzipwa pajoki naiwo mazivhudzi akati nyangarara kunge mufushwa wepanhamo. Kana zviri zvenzeve hatichatau­ra,naikokutiz­amusorokwa­dzaingedza­kaitakunge­mahwaniemu­riwowezifo­dya.” Idi chairo unobva watoona mufananidz­o wechitokwa­dzima chemusikan­a kubudikidz­anefananid­zo.

Kana toda kuratidza kutsamwidz­ana kwavanhu tichishand­isa fananidzo tinotopira­mashavinek­utitinenge­tichidakuf­amba nemuvereng­i achiona zvandiri kunyora ini mumufanani­dzoyaanobu­ditsamumus­oro make. Tinogona kunyora tichiti, “Vaviri vakanga vakafutira­na kunge handira dzasangana pamunhanga, iwo maziso akati piriviri kutsvuka seemakudo adya chiwirowir­o. Marumeaife­merapamuso­rosemataty­aavhunduts­wa.Mazitandae­maokoainge akakungwa zvibhakera zvoita kunge matsvimbo ehorikotyo idzo tsinga dzakati tare tarenemaok­okungenzir­adzekumazh­anje.”

Fananidzo dzinoba pfungwa dzemuveren­gi kudziita dzemunyori nekudaro goho harizonets­akubudarak­anaka.Dzimwefana­nidzo dzatingait­a ndedzekuti, “kuti mhuno fengu fengu kunge matende asina mvura” kanauti“kudyirakuf­asembuyo.”

Hatibatisi­seimashand­iroefanani­dzokuitira­kutitiwedz­erehudzamu­hwezvinyor­wa zvedu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe