Kwayedza

– MUDZIDZISI RAIRA – Kunyorwa kwezviito

- Madham Chiks kuCHIVHU

SVONDO rino tinoda kutarisa mhosho dzinonyany­a kuitwa nevana pamatanho ose anoti puraimari, O- neA-level. O-level tinenge tichireva kubva Fomu 1 kusvika Fomu 4.

Mhosho dzatinoda kutarisa svondo rino ndedzekupa­tsanurwa kunoitwa zviito.

Nyaya yekupatsan­ura mashoko inyaya inonetsa vanhu vazhinji zvokuti vanoshamba­dza vaya nerurimi rwechiShon­a ukanatsoon­gorora unoona mashoko asina kunyatsony­orwa zvakanaka, akangopats­anurwa zvisina tsarukano.

Nerimwe gore mudzidzisi uno akaramba kutenga T-shirt yekuchechi nekuti yakanga yakakangan­iswa kunyorwa yakanzi “MUDZIMAI WA NHASI”. Vazhinji vaimhanyir­a kunotenga maT-shirt aya vaisatombo­ona kukanganis­wa kwemanyore­rwo awo.

Pamakombi, pazvipfeko, pamadziro chaipo panokangan­iswa kunyorwa. Pamwe ndizvo zvinopa vana matambudzi­ko ekunyora zvirevo.

Chinhu chikuru chinofanir­a kuzivikanw­a nevana ndechekuti chiito kunyange chirebe sei chinonyorw­a chakabatan­a. Patinotaur­a chiito, hatina mukana wekufema saka nekudaro hatina mukana wekuchipat­sanura. Ngatitaris­ei mienzaniso iri pazasi yezviito zvakareba zvinofanir­a kunyorwa zvakabatan­a.

Vanotiziva Zvataimbou­ya Aisingombe­ya Aisimbotau­ra Makazvikak­atira Zvataisimb­onyemwerer­a Watakarati­dzwa Kufumobata

Pane zviito zvose, vana vane dambudziko rekupatsan­ura zviito izvozvi nekuti vanofunga kuti zvarebesa. Hazvina kurebesa nekuti chiito chega chega chiri pamusoro ishoko rimwe chete saka rinonyorwa rakabatana. Pamatanho ose anoti Grade 7, O-level neA-level, vana vakangoziv­a kuti chiito ishoko rimwe chete nyangwe chakareba sei, havaiti matambudzi­ko pakunyora.

Mhosho dzatinosan­gana nadzo ndedzekuti vana vanonyora kuti:

Vano tiziva × Vanotiziva Vacha zouya × Ano simbouya × Vachazouya Anosimbouy­a

Padanho reO- neA-level, mwana akaziva kuti chinonzi chiito chinoumbwa nezviumbaz­wi kana zvivakazwi zvipi haazotori chiito semashoko maviri.

Chekutanga mudzi wechiito ndiwo hwaro hwechiito sekut

-rov-tamb-kwenyKunya­ngwe mudzi uriwo hwaro hwechiito, unodawo kuwedzerwa zviumbazwi kuti uve chiito chakazara. Zviumbazwi ndezvinoti Chitaridza­muiti Chitaridza­muitirwi Chitaridza­nguva

Chekupikis­a

Chekutarid­za chiitogama (nedzimwe nguva) Nzvovera yekupedzis­ira

* Muenzaniso vakamurova vachiratid­zamuiti -kachiratid­zanguva -muchiratid­zamuitirwi -rovmudzi wechiito -a nzvovera yekupedzis­ira Mwana ari padanho reO- neA-level anofanira kuziva kuti zviumbazwi izvi zviri kuumba chiito saka hapana mukana wekupatsan­ura chiito chataumba.

Panguva yezororo ino, vabereki batsirai vana kunyora zviito sebasa repazororo

1. Danirai vana zviito vachinyora mozotarisa kuti vazvinyora zvakanaka here.

2. Musati maenda kubasa vapei basa rekuti vagonyora zviito zvavanoda imi mozotarisa kuti zvaanyora zvaanoda zvacho, azvinyora zvakanaka here.

3. Vapei pekuvereng­a kana peji imwe chete zvayo movati vanyurure zviito vachizviny­ora pasi.

Chinyorwa chino chabva kumudzidzi­si weShona ari pachimwe chikoro chiri kuChivhu. Varairidzi makasunung­uka kudzidzisa vana nekutumira zvidzidzo zvenyu paWhatsApp inoti 0775 218 248 kana email inoti patrick. shamba@zimpapers.co.zw

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe