Kwayedza

TSUMO NENGANO NAMUKANYA

-

Mhinduro yesvondo rapera: Tipe tsumo inoenderan­a nekarungan­o aka:

GUDO airova mukadzi wake zvisina mukare akamboona. Mukadzi waGudo aigara achitya nekuti Gudo akanga amuudza kuti kana akangomhan’ara chete, aibva amuuraya. Rimwe zuva Tsuro akawana mukadzi waGudo achichema.

Paakangoon­a Tsuro chete, mukadzi waGudo akabva akurumidza kupukuta misodzi akavanza kukuvara kwaakanga aita. Asi Tsuro akazviona akanotauri­ra mapurisa.

Pakauya mapurisa, mukadzi waGudo akamboda kuramba, asi mavanga ake ekurohwa aive akawanda zvekuti Gudo akazosungw­a. Mapurisa akaudza mukadzi waGudo kuti anofanirwa kupota achichema uye kutaura zvinenge zvaitika kwaari pane kungokuvar­ira mukati. Zvakaipa zvinofanir­a kukurumidz­a kumhan’arwa nekuti munhu anogona kutourayiw­a.

. Tsumo yacho: Mwana asingachem­e anofira mumbereko.

*** Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderan­a nekarungan­o aka:

GUDO akashevedz­wa kuti apinde basa rechigadhi. Gudo akasvika pakambani yaida munhu webasa akawana pakazara vanhu vaidawo basa rimwechete iroro.

Vamwe vaitaura chirungu, vamwe vachitaura kuti vakambosha­nda basa iri mhiri kwemakungw­a chaiko. Gudo akamboda kutiza, asi akazoti, “Zvimwe zvinhu zvinoda kumboedzwa, rega ndingoedza­wo.” Gudo paakapinda, akabvunzwa mubvunzo mumwechete wekuti, “Gudo, wakamboba here?” Gudo akati, “Hongu.” Akabva atonzi awana basa.

*** Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe