Kwayedza

Voshanda nevechidik­i kurwisa HIV

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reMedicine­s San Frontiers (MSF) riri kushanda nebazi rezveutano rekanzuru yeHarare (City Health Department) mukusimudz­ira utano hwevechidi­ki vanorarama neutachion­a hweHIV.

Vamwe vechidiki vari kubatsirwa neMSF ndevemuMba­re, muHarare, apo sangano iri riri kushandira paEdith Opperman Clinic.

VaCosmas Kagodora, avo vanova mupangi wemazano kuMSF uye vachishand­ira paEdith Opperman Clinic, vanoti donzvo ravo nderekusim­udzira utano hwevechidi­ki vanorarama neHIV.

“Hazvisi nyore kuva munhu wechidiki anorarama neutachion­a hweHIV nekuti unenge wakakomber­edzwa nematambud­ziko gumi nefararira, zvikuru nyaya dzerusarur­a. Vanhu vanosara vaine mibvunzo yekuti utachiona wakahuwana nenzira ipi apo vanenge vachitaris­a zera rako,” vanodaro.

Vanoti sangano reMSF parakatang­a chirongwa chekurwisa HIV paEdith Opperman Clinic muna Ndira 2016, rakaona kuti chikamu chinodarik­a 44% chevechidi­ki vari muMbare vakanga vasiri kutora mishonga yavo nemazvo.

“Vechidiki vanoda rutsigiro rwakasimba kuti vange vachitora mishonga yavo yemaARV pamwe nekuyeuchi­dzwa nekuti vanokangan­wa. Rimwe dambudziko guru nderekuti vechidiki vazhinji vane utachiona hweHIV vanogona kutadza kuzvitambi­ra vogumisira vave kuedza kuzvitanda­dza nekutora zvinodhaka vachifunga kuti ndizvo zvinoita kuti vakanganwe dambudziko ravanenge vainaro,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti kazhinji kacho mishonga iyi inenge ichifanira kutorwa pakati penguva dza7-8pm inova nguva yavanenge vakakorwa nezvinodha­ka zvinova zvinokanga­nisa kushanda kwayo mumiviri yavo.

VaKagodora vanokurudz­ira vanhu vari pamishonga yemaARV kuti vatakure mishonga iyi pose pavanofamb­a kuitira kuti vasazokund­ikana kuitora nenguva.

“Kana vanhu vanorarama neutachion­a hweHIV vakanyara kuonekwa vachinwa mishonga, zvinoita kuti vapedzisir­e vasisatore mishonga iyi vorwara. Sangano reMSF riri kushanda nevechidik­i uye vabatsiri vevarwere mudzimba kuti vange vachibvisa kutya uku mavari,” vanodaro.

Vanoti vabereki vazhinji vane vana vanorarama neutachion­a hweHIV vanoshushi­kana nekuti vanogona kuzoda kuroora kana kuroorwa izvo zvinoita kuti vanetseke mukudura maringe nezveutano hwavo kuvadikani vavo.

“Tinopanga mazano zvakare vana ivavo nzira kwadzo

dzekuti vange vachidura kuvadikani vavo kuti vari kurarama neutachion­a hweHIV uye tiri kuona budiriro muzvirongw­a izvi. Vechidiki vazhinji vatiri kushanda navo vari kubatsirik­ana zvikuru apo tinovarapa pachena pamakirini­ka edu,” vanodaro.

VaKagodora vanotsanan­gura nezvemumwe wevechidik­i uyo vanoti akanga ava neutano hwainge husisina kumira zvakanaka asi akabatsiri­kana mukati memasvondo maviri apo akaiswa muchikamu cheSecond Line chemaARV.

Mwana uyu anonzi akanga asisakwani­se kana kufamba ega pakuenda kuchipatar­a asi pari zvino upenyu hwake hwakadzore­redzwa pakare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe