Kwayedza

Mabhinya: ‘Hapana zvinobatik­a zviripo’

- Malven Mugadzikwa naKumbirai Bakuri

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti haasati awana chokwadi chaicho chiri pamusoro pemashoko ari kutenderer­a — kunyanya padandemut­ande – achiti kune mabhinya ari kubata nekucheker­esa vanhu kune dzimwe nzvimbo dzenyika.

Izvi zvinotever­a mashoko ari kutenderer­a achiti kune mabhinya arura nekubata nekuuraya vanhu kune mamwe matunhu eZimbabwe. Muhurukuro neKwayedza, mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West Province, Inspector Clemence Mabgweazar­a, vanoti nyaya yemabhinya vari kungoinzwa ichitaurwa asi hapana zvinobatik­a zvavati vave nazvo.

“Nyaya iyi tiri kuinzwa ichingotau­rika asi hapana patakambob­ata mabhinya aya kana nyaya yatinayo inobatika maererano nezvemabhi­nya. Semapurisa, hatisi kuramba kuti hakuna mabhinya kana kubvuma kuti ariko, asi tiri kuti veruzhinji vagare vakangwari­ra uye kutaura kumapurisa kana paine kwavanzwa kuri kuwanikwa mabhinya.

“Tine vamwe vakambouya vachiti vakanga vaona mabhinya kurwizi Mupfure asi mapurisa edu paakaenda ikoko – nemotokari vamwe netsoka – vachiongor­ora, vakaona painzi mabhinya anga ari iri nzvimbo yanga yakagarwa nemakoroko­za vanochera goridhe. Izvi vakazviona kuburikidz­a nezvavakas­iya izvo zvavaishan­disa kucheresa nezvimwe zvinoshand­iswa pakuchera goridhe,” vanodaro Insp Mabgweazar­a.

Zvichakada­i, Mambo Nyamweda vekuMhondo­ro, VaClaudiou­s Mandaza, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vaone kuti vana vakachenge­tedzeka pose pavari zvichiteve­ra mashoko ekuti kune mabhinya ari kufamba.

“Mwana wose anoda kuchengete­dzwa. Kune shoko ratekesher­a nenyika yose rekuti mabhinya ari kufamba achiuraya vanhu. Iyi ichenjedzo kune vanhu vane vana uye vane vana vari kuenda kuzvikoro. Ibasa rako semubereki, kuona kuti mwana akachenget­edzeka here pakuenda nekudzoka kuchikoro.

“Pamusoro pezvo, onaiwo kuti pavari kutamba havasi kuenda kunzvimbo dzekuti vangazobat­wa nemabhinya here ari kungotaurw­a aya,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Pari zvino hatina kwatakanzw­a kuti kune munhu akabatwa kana kuuraiwa munzvimbo yedu. Tiri kungopa veruzhinji chenjedzo yekuti kana vakaona vanhu vavasingan­zwisise mafambiro avo munzvimbo dzavagere, vakasire kuzivisa mapurisa kana kubvunzuru­dza kuti vakamira sei.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe