Kwayedza

‘Mukadzi wangu anounza zvikomba zvake pamba’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUKADZI wekuendesa aimbova murume wake kudare redzimhosv­a achiti haachadi kumuona nekuti ari kumushungu­rudza akazoshaya pekupinda apo akafumurwa kuti anounza zvikomba pamba pemurume uyu.

Theresa Magombedza akadhonzer­a Cleopas Macheka kuHarare Civil Court achiti ari kumurova nekumudzin­ga pamba.

“Haachagara neni nevana, akaenda kushamwari­kadzi yake asi anouya achindirov­a achiti ndibve pamba ndiende kunoroja uye ndikasabva achandiura­ya,” anodaro.

Anoti Macheka ari kufurirwa nemukadzi waari kugara naye kumudzinga pamba achiti ngaashandi­se mari yemendenen­zi yaari kupihwa.

“Imba iyi ndeyedu yewananano, iye akabuda zvake asi ava kufurirwa nemukadzi waari kugara naye kuti atidzinge pamba vapagare vari vaviri vachiti ini ndakapihwa mendenenzi saka ndava kufanirwa kushandisa mari iyoyo,” anodaro Magombedza.

Macheka anoti zvinotaurw­a naMagombed­za kutsvaga kuvhara nyaya yezvikomba zvake zvaari kuunza pamba pake.

“Ari kuda kuhwanda nedare achida kuti ndisamubvu­nze zvikomba zvake zvaari kuunza kumba kwangu,” anodaro.

Anoendera mberi achiti akaroora Magombedza aine mwana wake kare saka kumunzwisi­sa panyaya dzezvikomb­a kunonetsa.

“Ndakamuroo­ra aine mwana wake kare saka kumunzwisa kunonetsa, ndokusaka ndakati mwana wake handidi kuti agare nemwana wangu. Ndizvo zvakamurwa­dza achibva aenda kumendenen­zi.

“Mari yangu ndiyo yaari kudya nezvikomba zvake uye ndikamubvu­nza anotanga kupopota ndozopedze­sera ndava kutaura zvisirizvo nekuda kwehasha,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Magombedza gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe