Kwayedza

Kurima Fine Bean nePrime Seed Co

- Elizabeth Benjamin

PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyan­a-siyana pamwe chete nembeu dzemafuro ezvipfuyo. Prime Seed Co inozivikan­wa nekutenges­a mbeu dzakauchik­wa zvemhando yepamusoro, aya anodaidzwa kuti ma “hybrids”.

Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye riri remhando inoyevedza (good quality) zvokuti mutengi pamusika anotomhany­ira iwo mahybrids.

Goho rinobva pambeu yemahybrid­s rinogara nguva yakareba risati rakanganis­ika. Izvi zvakanakir­a murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandis­a pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa zvichizomu­pa mukana wekutenges­a kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzi­ra varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezvehybri­d yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dziine mutengo uri pasi kudarika mahybrids.

Aiwa varimi, akupanga zano ndewako. Zvakachipa zvinogona kuzokudhur­ira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaper­i.

Vhiki rino tichakuruk­ura nezvembeu ye “fine bean” (vamwe vanoiti green beans). Fine bean imhando yemuriwo iyo inodyiwa mapods achiri green uye asati ava nemhodzi mukati.

Prime Seed Co inonzwa manyukunyu­ku nokuda kwembeu yefine bean yavanoteng­esa. Fine bean chirimwa chiri nyore kurima uye chinokasik­a kuibva zvokuti mushure memwedzi miviri murimi anenge ava kutotenges­a. Fine bean chirimwa chinokwani­sa kurimwa gore rese kunzvimbo dzisingany­anyi kurova chando.

Prime Seed Co ine mhando mbiri dzembeu yefine bean yavanoteng­esa dzinoti Salima neVolta. Varimi vazhinji vajaira Volta asi zvakakosha­wo kuti vaedze zvitsva.

Fine bean Salima:

Salima imhando yefine bean yakatanga kutengeswa nePrime Seed Co mugore ra2017. Inopa mapods ane ruvara rwegirini rwakasvibi­ra uye ichipenya. Izvi zvinoyeved­za pamusika. Mapods acho anokura akatambanu­ka (straight) asina kugonya akareba zvekuita 12-14cm uye akateteper­a zvekuita 6-8mm.

Salima inoibva mushure memazuva makumi matanhatu (60 days). Chakanyany­a kunaka paSalima ndechekuti inononoka kuita mbeu mumapods. Izvi ndizvo zvinodiwa pafine bean nokuti kana dzikangoit­a mbeu mukati, dzinenge dzisingach­atofarirwi pamusika nokuti dzinenge dzakurisa.

Salima inochenget­eka zvakanaka chaizvo mumafiriji mune chando chinoomesa. Izvi zvinoita kuti fine bean idzi dzizokwani­sa kudyiwa chero nguva ipi zvayo uye dzichiramb­a dzine kunaka kwadzo.

Fine bean Salima inoshingir­ira pakubatwa nezvirwere zvakaita seRust neBean Common Mosaic Virus pamwe chete nechirwere cheAngular leaf spot. Nokudaro kana warima Salima, dambudziko rekufirita rinoderera.

Fine bean Volta:

Volta imbeu yefine bean yava nemakore mazhinji ichitenges­wa. Volta inofarirwa nevazhinji nokuda kwegoho guru rainopa uye inoenderer­a mberi ichingofad­za varimi. Kana wairima zvakanaka, Volta inogona kupa murimi goho ringasvika 12-14 tons/ ha. Volta inopa bhinzi dzine mapods akareba zvinoyeved­za uye asina kugonya achisvika 13-14cm uye akateteper­a zve8mm.

Bhinzi dzeVolta dzine ruvara rwegirini rwakasvibi­ra uye dzinopenye­rera. Volta inokasika kuibva zvokuti mushure memazuva angaita makumi mashanu kusvika pamakumi matanhatu (55-60days) murimi anenge ava kutotenges­a. Volta inoshingir­ira pazvirwere zvakaita seRust neBean Common Mosaic Virus.

Bhinzi dzeSalima pamwe chete neVolta dzinoita zvakare kutengeser­a kunze kwenyika. Kare nyika yeZimbabwe yairima fine beans chaizvo, zhinji dzacho dzichiteng­eserwa kunze kwakaita sekuEurope.

Marimirwo eFine beans:

Fine beans dzinokwani­sa kurimwa gore rese kunzvimbo dziya dzisingaro­vi chando. Kunzvimbo dzino- rova chando, fine bean dzinoda kurimwa mwaka wakunenge kusina chando. Nokudaro, fine bean inokura uye kupa goho rakanaka kana kunze kuchidziya zvekuita 15-280C.

Kana kunze kukatonhor­a zvekuita pasi pe4 degrees Celsius kana kupisa zvekudarik­a 35 degrees Celsius, kubereka kwevana kunokangan­isika. Fine beans dzeSalima neVolta dzinokura zvakanaka mumunda wakarimwa zvakanaka uye muvhu rinorasa mvura zvakafanir­a.

Kuvava kana kutapira kwevhu kunofanira kuva pakati pe5.5 kusvika 6.5. Kana varimi vasina idzi nezviri muvhu ravo, zvakakosha kuti variendese kunovhenek­wa kuti vagorigadz­irisa.

Fetireza yepasi tinokurudz­ira Compound High C ine huwandu hwe400-500kg/ha zvichiende­rana nevhu. Fetireza yepamusoro inofanira kuiswa Ammonium Nitrate ingaita 200kg/ha kubva pavhiki yechipiri kusvika pavhiki rechina kubva padzinomer­a. Kureva kuti fetereza iyo inoiswa muzvidimbu zviviri kana kupfuura.

Varimi vanozoisa zvakare Muriate of Potash (MOP) kana kuti Sulphate of Potash (SOP) ingasvika 200kg/ha kubva panotanga maruva kusvika panotanga kuonekwa vana. Fine beans dzeVolta neSalima dzinodaira zvakanaka kana dzikaiswaw­o mafetireza ekufirita.

Fine beans dzeSalima neVolta dzinodyarw­a dzichitodo­nhedzwa mbeu mumunda. Hadzizoiti seimwe miriwo iyo inoda kuti mbeu imbotanga yakura iripa nesi. Vasati vadyara, varimi vanokurudz­irwa kuti vatange vadiridza minda yavo kuitira kuti mbeu igomera nekukura yakaenzana. Pahekita imwe chete, panoda mbeu ingasvika 60kg.

Pakukura kwadzo, mbeu dzeSalima neVolta dzinoda kudiridzir­wa zvakafanir­a. Kana mvura ikawandisa kana kuita shoma maruva anogona kudonha zvoita kuti goho riderere.

Udyi nezvirwere zvinobata fine bean:

Fine beans dzinonyany­a kudhererwa netupemben­ene tunonzi bean stem maggot. Varimi vanokurudz­irwa kusanganis­a mbeu yavo nemushonga weApron star vasati vadyara kana kuzofirita nemushonga weDiazinon kana dzamera. Makonye ecutworm anova dambudziko bhinzi dzichangom­era. Mared spider mites, inda pamwe chete nemamwe makonye anoruma mashizha zvinoda kungwarirw­a.

Chirwere chinonyany­a kubata bhinzi iRust. Kana murimi achinge arima Salima kana Volta haanyanyi kubatikana nacho nokuti mbeu idzi dzinoshing­irira kuchirwere ichi. Zvimwe zvirwere ndozviya zvakaita seAnthracn­ose nezvimwe zvinoitisa mavara matema pamashizha. Zvakakosha kuti murimi agare ari muhurongwa hwekufirit­a nemishonga yakaita seCopper oxychlorid­e, Bravo neDithane kuitira kudzivirir­a.

Kana chirwere chatopinda kuchirima kunenge kwava kuda mishonga inorapa yakaita seFolio Gold, Ridomil Gold neAmistar Top.

Kuti varimi vazive zvakawanda pamusoro pefine bean Salima neVolta kana dzimwe mbeu dzinotenge­swa kuPrime Seed Co, batai madhumeni edu ayo ari kumatunhu ose enyika.

Nembeu dze Prime Seed Co unoita mari!

Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co

 ??  ?? Bhinzi reFine Bean rinokwanis­a kupundutsa varimi.
Bhinzi reFine Bean rinokwanis­a kupundutsa varimi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe