Kwayedza

Kohwai mbesa diki dzaibva: ZFU

- Kingstone Mapupu

VARIMI vembesa diki dzinosanga­nisira nzungu nenyimo vokurudzir­wa kushandisa mukana wemvura iri kunaya nehunyoro huripo pakudzura zvirimwa zvavo kuitira kuti zvisazosar­ira muvhu raoma apo mvura inenge isisanaye pamwe nekumera nekuda kwehunyoro zvakare.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaPaul Zakariya vanove Zimbabwe Farmers Union (ZFU) executive director vachiti kana zvirimwa zvikaramba zviri muvhu zvaibva zvinogona kusvika pakumera kana kuwora.

“Tine varimi vakuru nevadiki munyika muno vanorima nzungu nenyimo nezvimwewo zvirimwa zvinoguma zvamera zvika- ramba zvichinaiw­a nemvura kana zvasvika, nekudaro tinoti ngatishand­isei mvura iri kunaya pakudzura nzungu dzedu nenyimo nezvimwewo,” vanodaro.

Vanoti nzungu kana nyimo dzikamera dzisati dzakohwewa zvinoreva kurasikirw­a kukuru kwevarimi.

“Mbeu diki dzakaita senzungu nenyimo ndidzo dzatinotan­ga kudyara sevarimi vadiki kana vakuru, nekudaro zvirimwa izvi zvinodawo kukurumidz­a kukohwewa kune vanoda kuzviomesa. Murimi ane hungwaru anokwanisa kutanga kutengesa zvirimwa izvi zviri zvinyoro kune vanobika vachitenge­sa izvo zvinopa mari zhinji,” vanodaro.

VaZakariya vanoti nzungu nenyimo zviri nyore zvikuru kuzvikohwa pachishand­iswa mapadza kuchera pasi kana kurima negejo pane kuzoita zvekudzura nemawoko dzichisari­ra pasi.

“Kana minda yedu yakakura, tinoita zvekurima tichishand­isa hunyoro huriko. Zvakanaka zvikuru kutengesa zvirimwa zvedu izvi zviri zvinyoro sezvo zvichitipa mari yakawanda kuburikidz­a nekurema kwazvo,” vanodaro.

VaZakariya vanokurudz­ira varimi kuti vasiyane netsika yekuti minda yenyimo neyenzungu inonzi ndeyemadzi­mai chete sezvo zvinodzose­ra basa kumashure zvikuru.

“Tine varimi vanoti minda yezvirimwa zvidiki yakaita seyenzungu, zviyo, nyimo nezvimwewo inonzi inomirira madzimai chete kuchinzi kuminda yechibage nezvimwe ndekwana baba. Hakuna zvakadaro, zvirimwa zvose zvinomirir­a mhuri zvinofanir­wa kurimwa zvakaenzan­a paminda mikuru kwete kuti mimwe inonzi mikuru mimwe yonzi yemadzimai inoitwa midiki,” vanodaro.

Vanoti varimi vanofanira kukoshesha kurima zvirimwa zvidiki.

“Vanhu vose vane mazita makuru vakabudiri­ra kana vakaenda kuzvikoro zvikuru ukazvitsva­ga vakaendesw­a nemari yakabva mukutenges­wa kwenzungu kana kwenyimo saka ngatiitewo zvose zvinodiwa pakuzvirim­a,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe