Kwayedza

Punk odzoka munhandare

-

AIMBOVE mutambi weWWE, CM Punk (39), akazivisa kuti achakwikwi­dza zvakare mumutambo weUFC kechipiri gore rino.

Mutambi uyu - uyo anonzi Phil Brooks zita rake rekuberekw­a - akarega kuita zvewrestli­ng kuti agokwikwid­za muUFC mugore ra2014 asi akanyadzis­wa zvikuru mumutambo wake wekutanga apo akakundwa naMickey Gall mugore ra2016.

Kukundwa kwaakaitwa ndiko kwakatuma vanoshorop­odza vazhinji kuti vabvunze kuti sei UFC yakazosayi­na mutambi uyu zvakare uyo asina ruzivo rwemixed martial arts.

Asi mapuromota emutambo uyu vakazvipir­a kupa Punk mumwe mukana apo pachadzoka mutambo uyu muna Chikumi kwaanogara kuChicago kumutambo weUFC 225.

UFC haisati yazivisa kuti Punk achadzoka zveshuwa here mumutambo uyu asi mutungamir­i wayo Dana White anotsinhir­a kuti ane tarisiro yeku- mupa mumwe mukana.

“Ndinofarir­a muchinda uyu, munhu akanaka manje,” White akadaro. “Ave kuda mumwe mukana. Ave kuda kukwikwidz­a zvakare saka ini ndichamute­ndera kuti agokwikwid­ze.

“Akasiyana zvikuru nevamwe vatambi saka ndiri kuzomupa mumwe mukana.”

Mutambi achasangan­a naPunk haasati azivikanwa asi ari kutarisirw­a zvikuru ndi- Mike Jackson uyo akangotamb­a mutambo mumwe chete akauhwina. Chizvarwa chekuAmeri­ca ichi chakaramba chichingoi­ta gadziriro dzacho kubva paakakundw­a mumutambo wake wekutanga uye varairidzi vake nevamwe vatambi vaanotamba navo vanotarisi­ra zvikuru kuti mutambo wake wechipiri unotevera uchange uchanakidz­a kudarika wekutanga. - SportsMail UFC

 ??  ?? CM Punk
CM Punk

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe