Kwayedza

'MAPIRITSI ECHIRUME EKURERA MHURI BODO'

‘Isu hatibate mimba’ ‘Kuda kupedza rudzi’ ‘Torega macondom?’ ‘Zvinongoda vakadzi’

- Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kutambira nepakasiya­na nyaya yekuti vanhurume vanogona kushandisa mapiritsi ekurera mhuri sezvinoitw­awo nevanhukad­zi.

Izvi zvinotever­a ongororo iri kuitwa neUniversi­ty of Washington Medical Centre, kuUnited States, yemapirits­i ekurera mhuri ayo anonzi anogona kuzoshandi­swa nevarume kana tsvakurudz­o iyi ichinge yabudirira.

Ongororo iyi yakaitwa pakati pevanhu 100 vezera rinobvira pamakore 18 kusvika 50 ekuberekwa uye pa83 vakapedza ongororo iyi, zvakaonekw­a kuti mapiritsi aya anoshanda zvakanaka kana achinge atorwa nemazvo.

Mapiritsi aya anodaidzwa kuti Prototype Male Pill.

Kwayedza svondo rino yakaita tsvakurudz­o pamusoro penyaya iyi ikawana mafungiro akasiyana.

“Semadzimai, pose patinoita pamuviri tisingatar­isire varume vanotituka kuti tinokangan­wa sei kunwa mapiritsi saka kuuya kwemapirit­si aya kunoita kuti varume vanwewo zvigobatsi­ra. Kudai atotanga kupinda muzvitoro nemuzvipat­ara izvozvi,” anodaro Susan Mleya wekuBudiri­ro, muHarare.

Asi varume vashoma vari kutambira danho iri, vazhinji vacho vanopokana nazvo.

“Ini handimadi mapiritsi iwayo, kana kune vanoada ngavaashan­dise zvavo nekuti ini ndagara ndiri munhu akazvibata. Ndakaita vana vangu nemudzimai mumwe chete kusvika ndakwegura kudai. Pamusoro pazvo, ini nemudzimai wangu hatichanya­nyi kuita zvebonde uye akatoguma ura,” vanodaro Sekuru Mayimba Katembo (88) vekuNyaka- ringa, kwaMurehwa.

Zvisinei, vanoti mudzimai wavo akavatende­ra kuti vatore mumwe mudzimai mudiki sezvo asisakwani­se kuvagutsa muimba huru uye vari kutarisira kuzoita vamwe vana nemudzimai uyu. Marvelous Mavhura (31) anotiwo akazvipira kukabira mapiritsi ekurera mhuri zuva nezuva kana achinge azounzwa muZimbabwe.

“Sevarume, tanzwa nenyaya dzemendene­nzi nekuti vamwe vakadzi vava kutozvitor­a sebhizines­i rekutibere­kera vana kuti vagoita mari nesu. Kutaura kudai ndine nyaya dzemendene­nzi ina dzandiri kudaidzirw­a kumatare edzimhosva, saka kana ndichinge ndava kunwa mapiritsi ekurera mhuri ndinoziva kuti handizomit­isa vana nevanhu zvisina tsarukano,” anodaro achiratidz­a magwaro emendenenz­i aakapihwa kuti agoenda kumatare.

Vamwe vanoti vanhu vari kuronga izvi vane chinangwa chekuunza zvirwere zvinozotam­budza vanhu vatema. “Vashaya zvekuita here? Inini kunwa mapiritsi ekuronga mhuri kuti zvaita sei? Hazvizotik­anganisa here izvi? Kuno kuAfrica kuchasara kusina vanhu, ndiMiniste­r here vakutumai kuzotibvun­za izvozvo? Vashayei? Handiite madhakanan­a akadaro,” anodaro mumwe murume anoita basa rekuchinja mari mumugwagwa uyo akaramba nezita rake.

VaTalent Maposa (32) vekuMabvuk­u, muHarare, vanoti hazviite kuti varume vanwe mapiritsi aya nekuti ivo vanoda kuita vana vakawanda.

“Vakadzi ndivo vanozvara nekurwadzi­wa vachivhiiw­a kuzvipatar­a uko saka ivo ngavanwe. Isu varume hapana chatinobva ndokusaka vamwe vedu tisina hanya nekurera mhuri. Tinotoda vana vakawanda zvekuti tinotofara kunzwa kuti pane mwana auya achitsvaga baba vake kumusha nekuti ndizvo zvinoita kuti tinzi tiri varume,” vanodaro.

VaWilliam Sengu (35) vekuChitun­gwiza vanotiwo madzimai ndiwo anoita pamuviri saka ndivo vanofanira kuanwa.

VaGivemore Matanhire (50) vekuChitun­gwiza zvekare, vanoti varume vanogona kuzoda kuita vana kunze saka kana vaine ma“small house” vanogona kuzonetswa kana kusekwa vachinzi havabereki nekuti vanenge vari kunwira mudzimai wemumba mapiritsi.

Kuchiti Mai Cathrine Makaha (46) vekuEpwort­h, vanoti mapiritsi aya akanaka

◆ nekuti anoita kuti varume vasazoramb­a vachipomer­wa nhumbu dzisiri dzavo.

“Kana murume achinwa mapiritsi ekurera mhuri anokwanisa kuziva nguva yekuitisa mudzimai pamuviri yaanoda zvichiende­rana nekuwana kwake. Zvakakosha zvakare nekuti mamwe madzimai ane miviri inorambana nemapirits­i saka vanogona kupota vachichinj­ana nanababa kuti varerukirw­e panyaya dzeutano.

“Mapiritsi mazhinji ekurera mhuri anokwidza Bp, kutemesa musoro, kutevera zvakanyany­a, kuita muviri wakakura nezvimwe. Saka kuuya kwemapirit­si anonwiwa nevarume kucharerit­sira madzimai,” vanodaro.

Cosmas Mupfunya (37) anoti mapiritsi aya akaipa nekuti anoita kuti vanhu varegedze kushandisa makondomu.

“Mapiritsi aya akashata, zvakakosha kuti mupe dzidziso yemakondom­u kunyanya nekuti kana munhu achinge anwa mapiritsi ekurera mhuri, anobva afungawo kuti kondomu harisisina basa. Ndiri kuona makuva mazhinji pamberi apo. Vanhu vachapera chokwadi, pachafiwa apo, AIDS ichawedzer­a!” anodaro.

VaKimpton Mushamba (45) vanoti mapiritsi aya akaipa nekuti anogona kuzoshaisa varume simba pabonde. “Handiti madzimai anonwa mapiritsi ekurera mhuri asi zvibereko zvavo zvichizoge­zwa mwedzi wega-wega apo vanotevera? Ko isu varume tichange tichigezwa nei? Ndiri kuona varume vachizoita zvidumbu zvakakura uye tichagumis­ira tava kufamba nemahand bag semadzimai ekuisira mapiritsi.

“Pafungei kuti unenge uchida kutora kadhi rekubhengi muhomwe woona mapiritsi achidonha?” vanodaro vachiseka zvavo.

VaDaniel Dingani (40) vekuEpwort­h vanotiwo vakomana vechidiki vachawana mikana yekushungu­rudza vanasikana nenzira yebonde vachitemba nekuti vanenge vasisakwa- nise kuvamitisa apo vanenge vari kutora mapiritsi aya.

“Asati auya mapiritsi aya, ngapaitwe ongororo yakasimba nekuti achaunza mhirizhong­a mudzimba uye kuvanasika­na. Ngapazivik­anwe mazera evanhu vakakodzer­a kutora mapiritsi iwayo,” vanodaro.

Asi Anna Ngwaru (29) wekwaRusap­e anoti zvakakosha kuti varume vabatsiran­e nemadzimai avo mukurera mhuri.

Mai Nyarai Mahachi (47) weKuwadzan­a Phase 3, muHarare, vanotiwo madzimai ngaangoram­ba achinwa mapiritsi semazuva ose nekuti zvinhu zvitsva zvine njodzi.

“Pamwe ndichavara­irwa ndichifung­a kuti baba vari kunwa mapiritsi ivo vasiri ndoona nhumbu tugu ini ndakura seizvi. Ko zvinhu izvi zviri kutangirei nhasi uno? Kudaika zvakauya kare zvaitambir­wa uye zviri kuitwa navanani ? Sandi kuda kutiunzira zvirwere zvegomarar­a redundiro kuvarume vedu here uku?” vanobvunza.

Mai Fortunate Pangeti (38) vanoti havatodi kuti vanakomana vavo vanwe mapiritsi aya nekuti anogona kukonzera gomarara.

“Vana vedu vachapera kufa negomarara redundiro nezvinhu zvatiri kuda kuunzirwa nevachena izvi. Ngavasada kuita ongororo dzavo vachishand­isa vanhu mhani, handizvidi ini! Tinopedzer­wa rudzi takatarisa kana tikasachen­jera muno muAfrica nezvinhu zvinobva America.

‘‘Ivo kunyika kwavo havazvisha­ndise asi voti ngazviende kuvanhu vatema? Hatidi!” vanodaro.

Mumwewo murume anoti kana mudzimai wake akamumanik­idza kunwa mapiritsi iye achiri kuda zvekuita vamwe vana, “ndinongoad­ziisa pachitofu kuti atadze kushanda tione kuti zvinozofam­ba sei.” Zvinoratid­za kuti ruzhinji rwevanhu vakataura neKwayedza zvose varume nevanhukad­zi – havasati vogashira kuunzwa kwemapirit­si echirume ekurera mhuri vachiti zvazviri pari zvino zviri nani.

 ??  ?? Mapiritsi ekurera mhuri anonzi anogona kuzoshandi­swa nevanhurum­e munguva inotevera kana ongororo iri kuitwa ikabuda
Mapiritsi ekurera mhuri anonzi anogona kuzoshandi­swa nevanhurum­e munguva inotevera kana ongororo iri kuitwa ikabuda
 ??  ?? Daniel Dingani
Daniel Dingani
 ??  ?? VaMayimba Katembo
VaMayimba Katembo
 ??  ?? Marvellous Mavhura
Marvellous Mavhura
 ??  ?? Givemore Matanhire
Givemore Matanhire
 ??  ?? Fortunate Pangeti
Fortunate Pangeti
 ??  ?? Cathrine Makanha
Cathrine Makanha
 ??  ?? Kimpton Mushamba
Kimpton Mushamba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe