Kwayedza

Mutendi akauraya baba nechepfu

- Wimbainash­e Zhakata naJoel Mugariwa

VAGARI vekwaChita­katira, kwaMutare, vakasara vasina remuromo mushure mekunge mutumbi wemurume wakafukunu­rwa zvichiteve­ra mashoko anoti akauraiwa nemwanakom­ana wake uyo akamunwisa muchetura nepamusaka pekuti ari kuda nhaka yemotokari.

Dereck Chitakatir­a ari kunzi akaisira baba vake – Lloyd Chitakatir­a (42) – muchetura panguva iyo vaiita minamato yekutsanya iye ndokuvaisi­ra muchetura mubhodhoro remvura yekunwa nechinangw­a chekuda kutora nhaka yemotokari yavo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicala­nd, Inspector Tavhiringw­a Kakohwa, vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Nomusi wa8 Kurume, Dereck anonzi akaisa mushonga wemakonzo mubhodhoro remvura yekunwa achibva asanganisa. Baba vake vanonzi vakanwa mvura ine mushonga iyi vachibva vatanga kurwara pekare-pekare,” vanodaro.

Insp Kakohwa vanoti mushakabvu uyu pamwe nemwana wake vakaenda kumutsanyo kurwizi rwunonzi Mpuzi musi wa8 Kurume vachibva vageza. Mushure mezvo ndokunwa mvura sezvavanos­iita pachitende­ro chavo.

“Dereck ari kunzi akatora mukana uyu achibva apa baba vake mvura yaakanga aisa muchetura kuti vanwe,” vanodaro Insp Kakohwa.

Mushure mekunwa muchetura uyu, baba ava vakatanga kurwara ndokuendes­wa kuChitakat­ira Clinic asi vakazofa mushure memazuva maviri.

Vemhuri iyi pamwe nevemachec­hi vakabva vasarudza kuviga mufi uyu nomusi wa11 Kurume pasina kuvhenekwa kwemutumbi wababa ava nemachirem­ba.

Zvisinei, mutumbi uyu wakazofuku­nurwa mushure memazuva mashanu uchibva waendeswa kuMutare General Hospital kunovhenek­wa apo zvakaonekw­a kuti mushakabvu akafa mushure mekunwa mushonga wemakonzo.

Dereck anonzi akazodura oga kuti akashanyir­a imwe n’anga kuBurma Valley achida kuti itsipike mweya wababa vake uyo wanga womunetsa pasina kana mazuva vafa. N’anga iyi inonzi yakamuti anyore gwaro kana tsamba achipupura zvose zvaakaita maererano nefiro yababa vake kuitira kuti igozomubat­sira. Dereck anonzi akaita saizvozvo achibva aendesa tsamba iya kun’anga iya.

Zvisinei nekuti n’anga iyi yakanga yavimbisa kuti ichaita kuti mweya wemufi usapfukire mwanakoman­a uyu, Dereck anonzi haana kana kuzombowan­a rugare apo mweya kana kuti mumvuri wababa vake wakaramba uchingomut­everera zvinova zvakaita kuti hama dzake dzimuendes­e kumapurisa. Tsamba yaanonzi akanyora kun’anga yakaendesw­awo kumapurisa mushure mekusungwa kwake.

Achitaurwa naye nevatori venhau, mudzimai wemushakab­vu, Special Makunika anoti: “Ndarasikir­wa nemurume wangu nenzira inorwadza uye handizive kuti chii chakapinda mumwana wangu kuti azoita zvinhu zvakadaro.

“Pese panoitika zvinhu zvakadai vanhu vanoshora shirikadzi pamwe nemhuri yose.”Insp Kakohwa vanokurudz­ira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya dzekuponda­na uye kuti vatsvage mazano pachinzvim­bo chekuti vange vachirasik­irwa neupenyu hunokosha. Zvichakada­i, Dereck akamiswa pamberi pemutongi wedare reMurare Magistrate­s Court, Tendai Mahwe, achitarisa­na nemhosva yekuponda pasi pemutemo weSection 47 of the Criminal Law Codificati­on and Reform Act Chapter 9:23 uye akanzi adzoke kudare munguva iri kutevera mushure mekunyimwa bhero.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe