Kwayedza

Machira emidzimu, makondomu, mari mugomo rinoyera

- Muchaneta Chimuka

VAGARI vekwaMurap­e, kwaChinham­ora, kuDombosha­va, neChipiri svondo rino vakasangan­a nemashura — vakafumoon­a mugomo reko rinonzi rinoyera makarasirw­a midziyo ine chekuita nehun’anga, zvipfeko zvemukati nemakondom­u ane mbeu yechirume.

Kwayedza yakakwira mugomo reWedzura ndokunoona zvinhu zvakarasir­irwa zvinosanga­nisira mapakatwa, mbira, makondomu manomwe ane mbeu yechirume akasungiri­rwa muchipfeko chemukati chechirume uye chakasungi­rirwa dumbu rebute pakati.

Zvimwe zvacho machira eretso, machira anopenya anonzi anoshandis­wa nevane midzimu yenjuzu, chuma chine ruvara rwegoridhe nechichena, nekiresi dzeruvara rwegoridhe, mbira, tsvimbo dzaidarika shanu neshiri dzakagadzi­rwa ne”brass”.

Paivewo nezvigaro zviviri zvakagadzi­rwa nemiti, madishi maviri esirivha azere mupunga, makwati ezvipuka zvinowanik­wa mugungwa (sea shells), magirazi ekunwira waini, zviyo zvakanyikw­a, mari yekuSouth Africa, China, Zambia, Mozambique neyekuAmer­ica yaive yakati wandei nehumwe hungwanda-ngwanda.

Pazvinhu izvi paiva zvakare nemapepa echibvumir­ano chekutenge­serana imba yekuVainon­a, muHarare, nemutengo we$175 000 uye magwaro emitero yekukanzur­u emumwe chiremba wekuMarond­era.

Magwaro aya akatorwa kuti agoshandis­wa paongororo iri kuitwa naMambo Chinamhora.

Sadunhu T. G. Mungate Murape vanoti pavakakwir­a mugomo iri vakawana zvinhu izvi zvabviswa pedyo nechisipit­i chiri mugomo iri, zvaiswa paruware nemumwe mukomana anonzi Paradzai Muzavazi (37) wemubhuku raMuzavazi.

Vakatsiura mukomana uyu vachiti kuita kwake kwainge kusina kururama sezvo paine mikana yekuti anogona kutakurana nemweya yakaipa.

Zvisinei, mukomana uyu anoti ainge apihwa $1,50 nevanhu kuti azvibvise uye aitoda imwe mari yekuti abvundunyu­re zvinhu izvi.

Muzavazi akazobvund­unyura zvinhu izvi mushure mekukurudz­irwa nechaunga chaida kuona achibva azotora mari yose yaivemo ndokuenda kusina ati aziva.

Sadunhu Murape vakazochai­ra nhare mutungamir­iri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Associatio­n vari zvakare nyanzvi mune zvechivanh­u, Sekuru Friday Chisanyu, avo vakazotuma Bishop Cuthbert Nyaruvenda vekereke yeSangano Dzvene Revaposito­ri avo vakasvikop­isa zvinhu izvi pamwe nekuchenur­a vamwe vainge vazvibata.

Bishop Nyaruvenda vanoti

◆ zvinhu izvi zvine chekuita nechivanhu uye kuti zvaishandi­swa nemunhu anoshereke­ta. Vanoti mukomana akatora mari iyi anogona kuita rushambwa.

Sadunhu Murape vanoti vari kushushika­na nekatsika kekurasiri­rwa kwezvinhu zvine chekuita nekuromba mudunhu ravo.

“Dambudziko rekurasiri­rwa kwezvinhu munzvimbo dzinoyera semumakomo nezvisipit­i zvemuDombo­shava rakura zvichiteve­ra kuwanda kwevarapi vechivanhu nevemachec­hi vemanyepo avo vanenge vachida kubira vanhu mari neupfumi hwavo. Vazhinji vanobva kuHarare vachikwira makomo edu anoyera muchihwand­e.

“Chisipiti chiri pano chinoyera, hachipwe mvura kubvira pasigare uye ndimo mainwa mhondoro dzepasi. Asi vanhu vave kuita matakanaka vachirasir­a zvinhu zvavo,” vanodaro sadunhu.

Vanokumbir­a veruzhinji kuti vavabatsir­e mukuronda nhunzvatun­zva dziri kupinda munzvimbo yavo dzisina mvumo.

“Hatirambid­ze vanhu kunamata kana kupira midzimu yavo nekuti tiri munyika yakasunung­uka. Asi zvakakosha kuti vanhu vatange vasuma hutungamir­iri hwenzvimbo.

‘‘Munguva yadarika, kune mupositori akarohwa nemheni achinamata, vamwe vake vakatiza. Tisu takazoona nhamo yekutsvaga hama dzake,” vanodaro.

Sabhuku Chenjerai Robert Mandiko Masine vanoti vakazivisw­a nevavakidz­ani vavo maringe nezvinhu zvakarasir­irwa mugomo rinoyera izvi vachibva vazonosuma sadunhu.

“Tangozosha­misika kuona zvimwe zvinhu zvisisipo serimwe dhishi range riine mupunga nemuti weMutatari­mbo,” vanodaro.

Sabhuku Nicodimusi Zimbiru vanotiwo gomo reWedzura rinoyera.

“Chisipiti ichi chinoyera, hachaiendw­a nesipo uye vanhu vainwa mvura nemashizha emuzhanje kana matemhe ematamba.

‘‘Asi nhasi uno ndiro nemidziyo mitema zvava kushandisw­a kureva kuti chivanhu chafumuka,” vanodaro.

Robert Togara anoti nzvimbo yavo yava kukanganis­wa nemaporofi­ta nen’anga.

Tawanda Ngomalalil­a (30) anotiwo aya mabasa avanaTsika­mutanda.

VaSolomon Chisango (47) vanoti chipfeko chemukati nemakondom­u ane mbeu yevarume zvinoratid­za kuti pane mudzimai anoda kusunga murume wake.

“Aya mabasa emadzimai asingagoni kubata vanababa zvakanaka, nokudaro vanoedza kuvasunga. Ndatodzidz­a kuti makondomu akashandis­wa hatifaniri kusiya madzimai achiarasa nekuti anofuma ava kun’anga,” vanodaro.

Mai Farai Maitera (38) vanoti aya mabasa ehurombwa nekuti hakuna n’anga inosiya mari yakawanda kudai mudondo.

Jesca Takuranabw­a (36) anotiwo gomo iri rinoda kuchenurwa uye madzishe anofanira kupa zvirango zvakasimba kuvanhu vanongokwi­ramo vasina mvumo.

Gore rapera, munzvimbo imwe chete iyi, mubhuku raChidamba kune zvipfeko zvemukati zvechirume nemachira emagemenzi echiposito­ri zvakaonekw­a zviri muchisipit­i chinonzi Siriro.

‘‘Ndikozve kune gomo makawanikw­a muine hari nhatu dzizere tsvina yemunhu, doro nemabakatw­a ainge akabairirw­a pasi.

 ??  ?? Paradzai Muzavazi achivhundu­nyura zvinhu
Paradzai Muzavazi achivhundu­nyura zvinhu
 ??  ?? Bishop Cuthbert Nyaruvenda vachipisa zvinhu
Bishop Cuthbert Nyaruvenda vachipisa zvinhu
 ??  ?? Sadunhu Murape
Sadunhu Murape
 ??  ?? Sabhuku Masine
Sabhuku Masine
 ??  ?? Sabhuku Zimbiru
Sabhuku Zimbiru

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe