Kwayedza

Mukadzi kutariswa seTV yemubhawa?

-

NDAKAENDA kumabiko andakagari­sana nemumwe mudzimai akanga akapfeka hembe yakanga ichiremerw­a nemazamu ake. Iroro harisi dambudziko nekuti Mwari vanosika vanhu zvakasiyan­a-siyana. Vamwe varefu, vamwe vapfupi, vamwe vatema, vamwe vatsvuku — zvichingod­aro.

Asi hembe yamai ava yaremerwa kudaro, ivo vakabva vavhura chipfuva chavo zvekuti vaiti kana vakakwazis­a munhu, zvakanga zvisingait­e kuti urege kuona kuti kana nemukaka wavo uri kukukwazis­awo.

Pakukwazis­a kwavo, amai ava vaibva vasaidzira chipfuva chavo mberi. Ndakanzwa kudikitira nekusagadz­ikana, kwete nekuti handizive mukaka, asi nekuda kwenzira yawakanga uchifoshor­erwa kumeso kwevanhu.

Mukaka wandiri kutaura nezvawo uyu waive wakazorwa mafuta, ukaiswa twunopenya-penya senyenyedz­i. Ndakafunga Rwiyo Rukuru RwaSolomon­i muBhaibher­i panotsanag­urwa munhukadzi pachinzi:

“Ko, ndiani uyo anoratidzi­ka semambakwe­dza, akanaka semwedzi, anopenya sezuva, akanaka senyeredzi dziri mumudungwe?”

Asi runako rwemunhuka­dzi rwunotaurw­a muBhaibher­i urwu harwuna kunzi ngarwusham­badzwe zvekusvika pakuzorera vanhu vese vese mafuta nezvinopen­ya pamukaka.

Havasi amai ava chete vandakaona kumabiko vanopfeka zvinoti kuvanhu, “Mambondion­a here? Nditarisei kani.”

Ndinoremek­edza madzimai asingaende­se miviri yavo pamushika-shika kuti vakurumidz­e kuwana vanovaona. Kana mukadzi akashandis­a muviri wake mumakwikwi ekutsvaga vanhu vanomutari­sa, achawana vanomutari­sa vagomutaud­za, kana vamutaudza vagozoudza vamwe varume kuti, “Hapana zvemunhu.”

Ichokwadi kuti pamba pane magetsi panoonekwa kuti pane chiyedza.

Zvimwe chetewo, pamba pane rima panoonekwa nekudzima. Kana ukaba- tidza magetsi, rima rinotiza uye vanhu vanokwanis­a kuona zviri munzvimbo yavari.

Vanotenges­a mwenje yemagetsi emudzimba vanoti magetsi anowedzera runako rwemumba kunyanya kana akagona kuiswa munzvimbo dzakanyats­osarudzwa.

Asi magetsi anovheneke­ra achiunza chiyedza, anounzawo tupembenen­e.

Kana vanhukadzi vakazvitar­isa, voona sekuti kuti vatariswe, vafarirwe kana kuunganirw­a vanofanirw­a kunge vakabatidz­a magetsi eMake-up — magetsi iwayo anogona kuvanyeper­a. Kuunganirw­a kwemagetsi netupemben­ene hakureve kuti magetsi akanaka kudarika chiyedza chezuva.

Chiyedza chezuva hachisheve­dze tupembenen­e, asi chinovhene­kera nyika yese. Chiyedza chemagetsi eMake-up chinokoka maziso, asi maziso anotarisa haasi kutarisa munhu, asi ari kutarisa zvinhu. Maziso ashevedzwa nemukaka ashevedzer­wa zvinhu zvakachipa, zvinhu zvisingaga­re, zvisingare­mekedzeke.

Mukadzi haasi wivhi, tsiyo dzinenge mitsvairo, miromo yakatsvete­rwa lipstick kana nzara dzinenge dzekatsi. Kana ukaisa make-up inopfuriki­dza mwero, make-up isina stop sign, inongoenda kusvikira yadhumira unogona kuzvibvisa mamakisi.

Bhaibheri rinoti kuna Zvirevo 12 vhesi 4, “Mudzimai ane hunhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzis­a akafanana nekuora mumapfupa emurume wake.”

Kana uchinzwisi­sa runako, unoziva kunaka kwakaita korona. Korona inoshonged­za kufanana nemhete kana rin’i. Korona inoreva kuremekedz­eka.

Mukadzi chaiye chiyedza chinovhene­kera chichiburi­tsa runako rwaMwari. Chiyedza cherunako rwake chinotaura zverunako nekutendek­a kwaMwari. Mukadzi akanaka haatsvage kuunganirw­a nekutarisw­a seTV yemubhawa iri kuratidza bhora reManchest­er City neArsenal.

Mukadzi wese — musikana kana mukadzi mukuru — makagara makasikwa zvakanaka naMwari. Makanga makanaka make-up nefashoni dzinotenge­sa miviri zvisati zvaveko.

Eve akanga asina make-up. Madzimai makakosha kwete nekuti mune mukaka kana zvinhu zvenyu. Mwari paakakusik­ai akakusikai nehumhizha hwakafanan­a nemaruva.

Maruva haadi munhu anowedzera rumwe runako paari. Makanaka makadaro, hakuna make-up inokunda runako rwamakapih­wa naMwari. Musabatidz­e magetsi ekuti muonekwe nevanhu kuti apo pane munhukadzi ane chipfuva, kana magadziko — magetsi amunobatid­za haaunze mwenje, asi rima.

Bhaibheri rinoti, “Anodyarira nyama achakohwa kuora.”

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe