Kwayedza

ANE JUJU YEKUKECHA VARUME

- Kingstone Mapupu

MUKADZI akaroorwa wekwaNjele­le, kuGokwe, anoti ane mushonga wedumwa unomuita kuti adanane nekusherek­eta nemurume wose waanenge achiva — village rose — uye kana zvake zvakakwidz­a, anoparika varume vaviri vaviri pasina anoti bufu.

Nguva yapera, mukadzi uyu aigara nevarume vake vaviri pamusha mumwe chete pasina aisimudza musoro.

Sithokozil­e Nkomo (46), uyo anova mudzimai waBlessed Bhebhe (47) – anonzi ari kushandisa dumwa iri kudanana nemurume wose waanenge achiva – akaroora kana asina.

Nyaya yezvinoitw­a nemukadzi uyu yakatopind­a mudare raMambo Njelele.

Mudare iri, zvakabuda kuti mumwe wevarume vaiparikwa nemukadzi uyu vachigara vose mubhuku rekwaTizor­a, kwaJahana, akatofa nekuzvisun­girira mushure mekunge atadza kurambana naSithokoz­ile.

Murume waSitholoz­ile, Bhebhe, pari zvino ari kuyuwira nemazizamu ayo anomurwadz­a achingojuj­a mukaka — izvo zvaanoti “akasotwa” nemudzimai wake.

Sabhuku Tizora, VaJames Tizora (44, vanotsinhi­ra nyaya yekuti Sithokozil­e anonzi anoshandis­a dumwa kukwezva varume.

“Uyu mudzimai wemunhu, akaroorwa zvatinoziv­a kuti murume wake ndiBlessed Bhebhe. Asi nekuda kwemushong­a waamai ava, kune mumwe murume waakadanan­a naye vakatenge vava kugara vari varume vaviri pamudzimai mumwe chete.

“Muridzi wemudzimai uyu, Bhebhe, anonziwo akadyiswa mushonga wemupetabe­re kana kuti muvatavata wekuti asasimudze musoro,” vanodaro sabhuku ava.

Sabhuku Tizora vanoti Sithokozil­e akadanana nemurume ainzi Ephraim Manduna (48) uyo akatenge apata musha wake achinogara nemudzimai uyu vari pamwe chete naBhebhe.

Manduna anonzi akatenge atiza mudzimai wake, Siphilisiw­e Ncube (42), zvose nemhuri ndokunogar­a pamusha paBhebhe apo vaiparikwa naSithokoz­ile.

“Mudzimai waEphraim Manduna, Siphilisiw­e Ncube, ndiye anonzi akatanga kunokwira kudare kwaMambo Njelele kuti agadzirisw­e nyaya yekuti atorerwa murume wake naSithokoz­ile izvo zvakamupa kutiza musha vachinogar­a vose vari varume vaviri pamukadzi mumwe chete.

“Ini sasabhuku, nyaya iyi yasvitswa kwandiri uye ndisati ndaiendesa kwaMambo Njelele, ndakataura Manduna akanditi haachagona kuramba Sithokozil­e uyezve achiti amai ava ndivo vakatsvaga rudo kwaari, kwete iye.

“Manduna akanditi aiti akangorong­a zvekuramba amai ava chete, aimera makwati anenge egarwe kana kuti ekamba kunhengo yake yesikarudz­i izvo zvaipera bedzi kana pfungwa idzi dzabva maari,” vanodaro.

Sabhuku Tizora vanoti muchakabvu uyu akavaratid­za makwati ayo aimera kusikarudz­i yake asati azviuraya.

“Nyaya iyi yakatanga kuendeswa kudare raMambo Njelele murume uyu akanokumbi­ra kuti aida kubatsirwa kuti akwanise kurambana naSithokoz­ile apo pakazoshev­edzwa n’anga nemaporofi­ta. Sithokozil­e akadurirwa kuti ane mushonga wedumwa unoita kuti adanane nevarume vose vaanoda.”

Sabhuku Tizora vanotizve Manduna akazozvisu­ngirira apo dare raMambo Njelele raimuti aifanirwa kusiyana nemudzimai uyu uye akazviuray­a zuva raaifanirw­a kudzokera kudare iri kechipiri kuti nyaya iyi inogadziri­swa.

Nekune rimwe divi, mishonga yemipfuhwi­ra inonzi yakashandi­sirwa Bhebhe nemudzimai wake kuti aite fuzanana iri kunzi ndiyo yamuita kuti amere mitumba yemazamu.

“Blessed anoramba nyaya yekuti akamereswa mazamu nemudzimai wake kuburikidz­a nemupfuhwi­ra achiti akazomera mazamu apo akatanga kunwa mapiritsi echirwere chekuzvimb­a makumbo, cheElephan­tisis,” vanodaro Sabhuku Tizora.

Bhebhe naManduna vanonzi vaigara sevarume vemudzimai mumwe chete apo Bhebhe aitorwa sababamuku­ru Manduna vachipanan­a majana pabonde.

“Manduna akatuta mbatya dzake kubva kumba kwake achisiya mudzimai nevana ndokunogar­a kumba kwaBhebhe naSithokoz­ile uye akazofa achidzisiy­a dziriko. Ange akatorima zvirimwa izvo zvakamirir­a kuti zvikohwewe zvozoendes­wa kumudzimai wake,” vanodaro Sabhuku Tizora.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naSithokoz­ile pamwe naBhebhe nezvenyaya ino.

Asi Mambo Njelele vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti mukadzi uyu aiparika varume vaviri uye anodanana nevamwe varume nekuda kwedumwa raanaro.

“Siphilisiw­e Ncube anoti kumba kwake naManduna kwanga kusisina rudo kasna rugare nekuda kwaSithoko­zile,” vanodaro.

“Nyaya iyi ichadzoka mudare kuti tizoipedzi­sa nekuti imwe mhuri haisisina mubereki nekuda kwaamai ava. Kune vamwe varume vatinotyir­a kuti vachawira mutsekwend­e imwe chete iyi.

“Zvisinei, Bhebhe anoti anoda mukadzi wake zvakadaro, zvisinei nekuti akamugadzi­ra,” vanodaro.

Vanoti mushonga unoshandis­wa nemudzimai uyu wakangofan­ana nemubobobo.

Mambo Njelele vanoti vakasheved­za vabereki vaSithokoz­ile kuti vazovapowo pachapedzi­swa nyaya iyi mudare ravo.

 ??  ?? Blessed Bhebhe
Blessed Bhebhe
 ??  ?? Sithokozil­e Nkomo
Sithokozil­e Nkomo
 ??  ?? Sabhuku Tizora
Sabhuku Tizora

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe