Yemayunivhesiti nemakoreji
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Zimbabwe inoda varaidzi vanosvika 15 000 veEarly Childhood Development (ECD) kuitira kuti vakwanirane nehuwandu hwevana.
Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMasvingo, Senator Misheck Marava.
Sen Marava vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukupinza mabasa varairidzi vakadzidzira basa vari kubva kumakoreji nemayunivhesiti.
“Mutemo unoti kudii maererano nekupinzwa basa kwevakapedza zvidzidzo zvehurairidzi kumakoreji nemayunivhesiti nekuti tiri kuona vakawanda vavo vachingombeya mumigwagwa?” vanodaro.
Prof Mavima vanoti varairidzi vari kunyanya kudiwa pari zvino ndeveECD. HURUMENDE yakapa $800 000 kumayunivhesiti nemakoreji akasiyana emunyika muno kuti ange achiita tsvakurudzo pamwe nekuvaka mizinda (innovation hubs) yezvigadzirwa zvinosanganisira zvesainzi nedonzvo rekusimudzira chikamu chezvemichina.
Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Amon Murwira, mudare reNational Assembly. Prof Murwira vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation muHarare, Cde Jeniffer Nomsa Mhlanga.
Cde Mhlanga vaida kuziva kana mayunivhesiti nemakoreji emuno aine zvaari kugadzira zvinosimudzira budiriro yenyika kuburikidza nezvidzidzo zvesainzi.
“Nyika inoda kuziva kuti zvikoro zvedu zvepamusoro zvine magwaro
“Ndinovimba bazi redu rakazivisa kuti tinoda varairidzi 15 000 veECD kuti tinge tichishanda zvakanaka. Tinodawo vashoma padanho repasi reGrade 3 kusvika 7 iro tine varairidzi vakati shomekei.
“Kuzvikoro zvesekondari, tinoda varairidzi vezvidzidzo zvakaita seScience, Physics, Mathematics uye Biology neChemistry zvine varairidzi vangangoringana.
“Asi kana pari panyaya yeEDC, munoziva kuti gurukota rehomwe yenyika pavakatura hurongwa hwebhajeti renyika regore rino vakati Hurumende haina mari pari zvino nekudaro hatikwanise kunge tichitora varairidzi vatsva. Pamusoro pezvo, hapanai vamwe vanhu vari kupinzwa basa muHurumende pari zvino,” vanodaro.
Prof Mavima vanoenderera mberi vachiti, “Patiri kukwanisa kutora varairidzi pari zvino ndeapo patinenge tichitsiva vanenge vasiya basa, vaenda pamudyandigere kana kuti here ezvinhu zvazvinenge zvatanga kugadzira (patents)? Kana zvichinge zvinazvo, vane zvipi?
Prof Murwira vanoti bazi ravo rine pane anenge afa. Tinotorawo zvakare varairidzi vanenge vachidiwa zvakanyanya seveMathematics, Physics nevezvidzidzo zveSainzi.
“Ndinoda kuti dare rino rizive kuti isu tinongotaura huwandu hwematicha atinenge tichida asi bazi rehomwe yenyika ndiro rinozopa mvumo yekuti tichivatora uye kupinzwa kwavo basa kunoitwa nePublic Service Commission.”
Sen Marava vanobvunza zvakare kuti ko vamwe varairidzi vari kutsvaga basa vakaita seveEnglish vangaitawo sei sezvo vachida kurarama?
Prof Mavima vanoti iri idambudziko rakatarisana nenyika yose rekushaikwa kwemabasa.
“Aya ndiwo mamiriro ezvinhu, kune vadzidzi vakawanda vari kupedza fundo yavo vasiri kukwanisa kuwana mabasa. Senyika, tinofanira kutsigira zviri kuitwa nemutungamiriri wenyika President (Mnangagwa) mukuvandudza upfumi hwenyika kuitira kuti pakave neshanduko bandiko rinoona nezvekusimudzirwa kwezvidzidzo zvesainzi reScience and Technology.
“Bandiko iri riri kushanda siku munyaya dzeupfumi, tinokwanisa kupinza varairidzi mabasa.
“Mamiriro ezvinhu aya ari kubatawo vakapedza zvidzidzo zvehukoti avo vasiri kukwanisa kupinzwa mabasa,” vanodaro Prof Mavima. Vanoti imwe nzira yekupedza dambudziko iri kutarisa zviri kuitwa nedzimwe nyika dzine vanhu vakawanda vakadzidzira mabasa seCuba. nesikati mukusimudzira zvidzidzo zvesainzi. Takatanga chirongwa chekuvaka mizinda yezvigadzirwa kumayunivhesiti akasiyana nedonzvo rekusimbaradza chikamu chesainzi nekuvandudzwa kwemichina munyika,” vanodaro.
Prof Murwira vanoti vari kutanga kuita chirongwa ichi kumayunivhesiti nemakoreji ari kumativi mana enyika.
“Tiri kutanga nemizinda iyi yema’innovation hubs’ mitanhatu kuUniversity of Zimbabwe, National University of Science and Technology, Harare Institute of Technology, Midlands State University neChinhoyi University of Technology.
“Basa remizinda iri nderekuti vadzidzi vashandise hunyanzvi hwavanenge vadzidza mukugadzira zvakasiyana kuitira kusimudzira maindasitiri. Uku ndiko kunozoitwa basa rekuzivisa anenge atanga kugadzira chimwe chinhu (patenting). Takatopa mari inosvika $800 000 yekutangisa
“Nyika idzi dzinotaura nevamwe pasi rose uko dzinokwanisa kuendesa vakadzidzira mabasa akasiyana avo vanenge vasina kukwanisa kuwana basa munyika mavo. Isu tiri kubatsirikana senyika kuburikidza nemachiremba anobva kuCuba, kana muchizvirangarira Cuba iri kutumira madhokotera ayo kunyika dziri pasi rose,” vanodaro Prof Mavima. basa iri,” vanodaro Prof Murwira.
Zvakadai, mumiriri weZaka Central mudare iri, Cde Paradzai Chakona, vanoti vanoda kuziva zviri kuitwa nebazi iri mukuchengetedza basa rezvigadzirwa zvemayunivhesiti nemakoreji kuti ruzivo rwacho rwusabiwe.
“Kune mamwe mayunivhesiti ari kutogadzira zvakaita semafuta anozorwa nevanhu vanorarama nehusope ekutanda zuva. Chii chiri kuitwa kuitira kuti basa ravo ringe richichengetedzwa?”
Prof Murwira vanoti bazi ravo riri kukurudzira mayunivhesiti nemakoreji kuti ange achinyoresa zvigadzirwa zvavo zviri pamutemo.
“Tiri kukurudzira mayunivhesiti edu ose kuti anyorese zvigadzirwa zvavo. Tiri kuziva zvakawanda zvavakagadzira. Zvatiri kutaura ndezvekuti mizinda yezvigadzirwa iyi iripo uye pane gwara rinofanira kutevedzwa,” vanodaro.