Kwayedza

Vanotadza vanorangwa

- Munyaradzi Gunduza

1. UCHISHANDI­SA ngano shanu, tsigira pfungwa yokuti vanhu vanoita zvisingata­risirwe muupenyu vanorangwa. [25]

Murungano runonzi Vasikana navakomana shumba mune vasikana vanoroorwa navakomana vavainge vasingaziv­i izvo zvaisatari­sirwa patsika dzavaShona. Murungano urwu vasikana ava vanopfimbw­a navakomana vavainge vasingaziv­e avo vavanosang­ana navo patsime vachibva vatobvuma. Zuva iroro vakabva vawirirana zvekutizis­ana.

Vasikana ava vaive nekahanzva­dzi kavo kadiki kavaida kuti kadzoke kumba ivo vaende nevakomana vavo, asi kakaramba ndokuzoped­zisira vaenda nako. Vari munzira kuenda kumba kwevakoman­a vavo vakamborar­a munzira sezvo vainge vasvibirwa.

Hwave usiku pavaidya sadza nenyama vasikana vakanzi vasadye nyama vachipedza munyepfu, asi vasiye mabhonzo ane munyepfu kuti imbwa dzemuzinda dzizowanaw­o chekudya.

Vakomana ava vakazomuka vakapinduk­a kuita shumba ndokudya mabhonzo aye airaswa navasikana vavo. Kahanzvadz­i kevasikana ava kaiona zvose zvaiitika, asi kakangonya­rara zvako.

Vasvika kumba kwevakoman­a ava kakaudza hanzvadzi dzako kuti vakomana vavo vaipinduka kuita shumba, asi vakabva vazviramba vachikapop­otera. Kakomana kaye kakazoruka nhava yako yakakazota­kurisa hanzvadzi dzako mushure mekunge dzazoona kuti chokwadi vakomana vavo vaipinduka kuita shumba.

Nokuda kweupenzi hwavasikan­a ava, vanonorang­wa apo pavanopots­a vadyiwa neshumba dzavaivimb­a nadzo vachiti ndivo vaive varume vavo kunyange zvazvo vachizopon­eswa nekahanzva­dzi kavo kadiki.

Mungano yakanzi Gore renzara chinhu chisingata­risirwi chaiitwa nemurume ari mungano iyi kunyima mhuri chikafu. Mungano iyi mune murume aive nemudzimai wake; kwakaita nzara murume ndokufunga zvokuenda kunotsvaga uchi musango.

Akabura uchi achibva asiya aviga humwe musango, akaenda kumba nehushoma. Akanga ave kupota achidyira uchi hwake kusango achinoramb­a kasadza kaaisirwa nemudzimai kumba.

Mhuri yakazonyum­wa ikatevera murume uyu ichibva yaona kuti aidya uchi kusango; yakatora uchi huya ndokuhudir­a mavhu namadota.

Paakazoda kunodya uchi, akawana pasisina ndokuenda kumba aine tarisiro yekuti anodya sadza. Mudzimai wake akamupa kasadza kadiki ndokudya, asi akakumbira rimwe achiti ainge anzwa nenzara. Mudzimai wake akazotarid­za murume uchi hwaaidya oga musango achinyima mhuri achibva amuramba sezvo ainge aona kuti murume uyu akanga asina rudo.

Mukadzi akasunga twake akaenda zvachose murume ndokuzosar­a asina mukadzi. Murume uyu nekutadza kwake kwaainge aita anozorangw­a kuburikidz­a nekurambwa nemudzimai.

Tinoendere­ra mberi svondo rinouya nekupedzis­a kupindura mubvunzo uyu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe