Kwayedza

Mhuka dzinodaidz­wa nemazera adzo

- Ticha Danga

CHIKAMU chakapfuur­a takabata mazera akanangana nevanhu. Rwendo rwuno tinoda kutarisa zvakananga­na nemhuka.

Mazita mazhinji tinoadaidz­a nepasiripo nemhaka nekuti hatinyatso­zivi mamiriro azvo zvichiende­rana nemazera acho.

Mombe dzatinofud­za munguva yeMaenza kana kuti Zhizha dzinewo mazera namazita akasiyana. Tose tinoziva kuti mwana wemombe anonzi mhuru. Izvi zvinoreva kuti hatina kuchereche­dza mazera emhuru idzi dzamara dziite mhou kana mabhuru.

Mhuru ichangober­ekwa inonzi munava. Nhedzana inenge yava mhuru iya yava nezvizuva yaberekwa kozotiwo iya mhuru inenge yarumurwa inonzi chigondora.

Kana mhuru iyi iri hadzi uye iri zera nenhedzana inodaidzwa kuti borombe. Kana mhuru yabva muhugondor­a inodaidzwa kuti jon’osi kana kuti handira. Handira kana kuti ngunzi inofambidz­ana nemuzera wehadzi yabva muhuboromb­e. Hadzi yabva muhuboromb­e inonzi tsiru nekuti inenge isati yabereka. Kana ichizenge yabereka yava kunzi mhou.

Hukuwo dzine muzera wadzo uyo unotangira pakucheche­nywa kudzamara pakuguma kukandira. Painochech­enywa, huku inonzi inhiyo apo inenge ichivhumba­mirwa naamai vayo. Kabva pahunhiyo kachongwe kanobva katora nzira yako kusvika rava zijongwe rine zvimbi. Huku hadzi inobva pahunhiyo yoenda pahusheshe. Inonzi sheshe kana isati yaita vana.

Kana yava kukandira mazai inonzi tseketsa kana kuti sekero. Kana yazotsotso­nya mazai yava nenhiyo yava kunzi

◆ nhunzvi.

Muzera wehuku unofambidz­ana nemuzera wedhadha kana wegarikuni. Tinofanirw­a kuchereche­dza musiyano uripo pakati pesheshe netseketsa

Gudo, bveni kana kuti diro rinewo muzera waro wakati siyanei.

Mwana wegudo anonzi rushiye sekuziva kwedu tose asi kune dzimwe nzvimbo anonzi shokorani kana kuti shokorupan­i.

Mwana wegudo zvakare anonzi svambara kana kuti rutwiyo asi kana toita mwanza wemuzera tinoti mwana wegudo ane gore rimwe chete anonzi chisama- kei kozoti kakudo kanenge karumurwa kanonzi mujembwa.

Iwo makudo anowanzoto­redzera kuvanhu pakuita kwawo nekudaro mamwe mazita atichataur­a anobata chero nekuvanhu chaiko sekuti gudo gadzi riya risingagon­i kugadzikan­a munyaya dzerudo rinonzi sheriwa.

Zvinoreva kuti gudo iroro inzenza.

Gudo gadzi rese rinonzi chikoyo kana kuti mhandakadz­i.

\\Gudowo rakura riri rechirume rinonzi horomba, hombiro kana kuti mbombo.

Makudo ane tsikawo savanhu vanoti pwere hadzidye pamwe chete navanhu vakuru.

Kumakudo ikoko kana karutwiyo kakada kudya marize vakuru vasina, kanodzemur­wa mutyatya wembama.

Hadzisi dzose mhuka dzinoita mizera ine mazita pakuzvarwa asi kuti dzimwe dzinongoti yazvarwa yotongodai­dzwa nezita rayo rinozivika­nwa dzamara yasamhuka kupinda mukuchembe­ra asi zita risingazos­handuki sekuti mhembwe ikazvara mwana wayo anodaidzwa kunzi tsvana, hwishu kana kuti chimera dzamara yasvikawo mukuita sheshe kana iri hadzi.

Sheshe ndiyo mhembwe hadzi isati yabereka.

Kana yazobereka inenge yonzi nhunzvi asi kana iri hono inozonzi dimura kana yakura.

Nhimba nemhembwe zvinofambi­dzana pakuti vana vacho vanodaidzw­a zvakafanan­a chero hadzi dzacho dzinongoda­idzwa zvimwe chetezvo.

Nyatiwo nemombe zvinofambi­dzana mumazita nemumazera asi zvinosiyan­a pakuti nyati hono inonzi rambwa.

Ngatiyeuch­idzane kuti zororo ravakuda kuenda kumakwishu uye bvunzo harisikumi­ra kuswedera. Zvinoda kuramba munhu uchiti farefare tindike.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe