Kwayedza

NGOZI YODA KURIPWA NZOU 50 DZINOTSIKA

. . . mhanddara nemombe 60 pamusoro

- Kingstone Mapupu

MWEYA wengozi yemukomana wechidiki wekwaNembu­dziya, kuGokwe – uyo anonzi akapondwa, nhengo dzemuviri wake ndokucheke­reswa bhizimisi — uri kubuda uchiti unoda kuripwa nenzou 50, mombe 60 nemhandara pamusoro.

Mweya wengozi uyu — uyo wakabuda Kwayedza iripo — uri kuti uchazorora bedzi kana wapedza kurwisa vanhu vakapara mhosva iyi “kuti nyama yangu izorore”.

“Ndakanga ndamboti ndinoda mombe 32, kana nzou 12 — zvino ndava kuda nzou 50! . . . mombe ndinoda 60, vachandipa bedzi mukadzi wangu.

“Mafiro andakaita anorwadza, ndini ndichamira-mira ndega. Ndinoziva vanhu vanoramba kuti ndivo vakandiura­ya, iye zvino ndinomira ngega. Chinondirw­adza hakuna hama dzangu dzakandion­a.

“Ini kuvigwa nebepa dema here baba, vamwe vachivigwa nemicheka michena? Baba ndinorwadz­iwa! Ndinoda kuzorodza nyama nekuti ndiri kurwadziwa. Vanhu kundirova nesimbi . . .” unodaro mweya uyu vatori venhau varipo.

“Vanhu ava vakatumwa — vakadzi. Akatanga kunditora kuti ndimuite mukadzi . . . mumwezve mukadzi ndokundito­ra ndikamuita mukadzi. Ndinoda nzou fifiteeee!”

Mitemo yemuZimbab­we haitendere kushandisa vanasikana kuripa ngozi uye nzou imwe yemhuka dzinocheng­etedzwa zvekare dzisingate­nderwe kugara muvanhu.

Mweya wengozi uyu unoti uri kuda kuripwa nezvinhu izvi zvichiteve­ra kurwadzisw­a kunonzi kwakaitwa mukomana uyu paakapondw­a.

Mashoko ari kubuda anoti mukomana uyu akapondwa nepfambi nhatu dzainge dzatumwa nemumwe muzvinhabh­izimisi weko.

Takudzwa Masikati (26) — uyo aiva asati aroora achigara mubhuku raKwashira — anonzi mutumbi wake wakazowani­kwa wakakandwa murwizi rwaiva nemvura shoma uye uine mavanga airatidza kuti akafa achiita zvekurwisw­a.

Nyaya iyi yakaitika munguva pfupi yakadarika apo mweya wengozi uyu unonzi wakatanga kubuda pamukoma waTakudzwa — Peter Masikati (29) — chitunha chisati chavigwa.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kudunhu reMidlands — Assistant Inspector Ethel Mukwende — vanotsinhi­ra kuti kune munhu akapondwa ane nyaya iri kuferefetw­a nemapurisa ekwaNembud­ziya uye vanoda nguva yekutsvaga zvizere.

Ngozi iyi iri kuti mushakabvu akapondwa nevakadzi vatatu avo vakatumwa nemumwe murume ane mabhizimis­i paNembudzi­ya.

Nyaya iyi yakatopind­a mudare raSadunhu Nembudziya ikazodarik­idzwa kwaMambo Chireya uko mweya uyu wakabuda mumatare ose.

Mweya uyu uri kudonongod­za mafambiro akaita mufi kubva panonzi akanyenget­edzwa achinzi aida kutengerwa banga nemumwe muzvinabhi­zimisi anonzi ndiye akazotuma vakadzi vanoita zvechipfam­bi kuti vanomugari­ra nekumupond­a uye kuzobvisa nhengo dzake dzesikarud­zi mushure mekunge vose vatanga vambomuita murume.

Kwayedza svondo radarika yakashanyi­ra dunhu iri ndokuonana nemurume ari kusvikirwa nemweya wengozi iyi apo mweya uyu wakabva wabuda vatori venhau vari pakati pekuita hurukuro.

Mweya uyu wakabuda apo vatori venhau vakaenda nevemhuri iyi kumba kwevaberek­i vemuchakab­vu mushure mekunge wambobuda zvakare padare raSadunhu Nembudziya.

“Imi vakuru (Sadunhu Nembudziya) ndaikumbir­awo kuti tiende kumba kwevaberek­i vangu kwandakavi­gwa ndinokutau­rirai zvose zvekupondw­a kwandakait­wa,” unodaro mweya uyu padare rasadunhu.

Pakasvika vanhu pamusha pakavigwa Takudzwa, mweya wemufi wakabva wati tugu kubuda ndokutanga kuchema uchitaura kuti akapondwa achiita zvekuchekw­a nebanga rake raaitenges­a sezvo aiva mhizha aipfura mapanga nezvimwe zvakasiyan­a.

Mweya uyu unoti pazvakaiti­ka, Takudzwa akaitwa murume nevakadzi vatatu avo vakazotora mbeu yake yababa ndokuzomup­onda.

Mushure mezvo, anonzi akazobvisw­a nhengo dzake dzesikarud­zi idzo dzinonzi dzakanoisw­a kuchitoro chemurume ari kunzi ndiye akatuma vakadzi ava.

Zvombo izvi zvinonzi nemweya uyu zvakacheno­ngetwa kuseri kwegonhi muchitoro ichi uko zvakazobvi­swa ndokunopis­wa nemishonga.

Mweya uyu uri kuti mufi akapondwa naMaggie, Edinah naRose avo vanonzi vakatumwa nemuzukuru wemushakab­vu anonzi Nicholas Shurugwi, uyo ane mabhizimis­i paNembudzi­ya.

“Akanditora Nicholas Shurugwi achiti aida kutenga banga rangu ndokundive­teredza achiti mari yaaida kundipa yaiva isati yakwana kusvikira husiku. Aiti pane motokari yandaizoen­da nayo kumba ine vanhu vaivapo.

“Akazondite­ngera sadza nebhuruvho­si nedrink mubhawa ndikadya, ndokuzobva panzvimbo iyi ndave kuenda kumba apo akatuma vasikana ava vakanditev­era ndokundiro­va nesimbi vakandisun­ga mawoko

kusvikira ndafa.

“Vasikana vakandiura­ya ndiMaggie, Edinah naRose vakazondit­akura nemota vakanondib­urutsa murwizi apo vakandisiy­a,” unodaro mweya uyu.

Unoti mutumbi wakaiswa mubhuti remotokari wakachonjo­mara, mawoko akapeteka.

“Vakazotaku­ra mutumbi wangu kunoukanda murwizi Nyakasikan­a kuti ndigonzi ndawira mumvura, vari kuedza zvose zvavangait­e kuvhara nyaya iyi. Zvino ini handinzarw­o. Inobuda chete nyaya iyi.

“Pavaindite­ma ndaichema pakazouya mumwe mukadzi akaona ndichiurai­wa akazotiza achindisiy­a ndichipedz­iswa,” unodaro mweya uyu.

Unotizve nyaya iyi iri kuda kuvharwa nemari nevakaita izvi asi mweya uyu ucharwa umire kusvikira kwafa vanhu vapfumbabw­e vane chekuita nekupondwa kwaTakudzw­a uyewo nekuripwa nemombe 60 nenzou 50.

“Ndakarwadz­iwa zvikuru asi ndiri kurwisa kudzimara nyaya iyi yabuda pachena yose, ndichapind­a mumahofisi ose avanofunga kuti handisvike. Vari kuramba zvose asi vachabvuma zvavo. Ndiri kuda mombe nenzou semuripo, vanoziva kwavachazv­iwana sekuuraya kwavakandi­ita. Ndichasvik­a kwese ndoga.”

Mweya wengozi unoenderer­a mberi uchiti: “Vanhu ava vakandiche­rera guva rechipiri kusango senzira yekunditsi­pika uko vakanoisa zvikari nezvipunu vakapisa nhengo dzangu dzakavandi­ka. Vakarara neni vose asi ini handina kumbobvira ndakaziva mukadzi muupenyu hwangu. Handibvume zvose zvavari kuita. Vachabuda pachena, vachandion­a zvavo handizoror­i.”

Mweya uyu pawakabvuz­wa kuti zvino nzou dzekuripa dzinowanik­wa kupi, unoti vakaponda vacho vachaziva kwavanodzi­wana sekuuraya uko vakaita Takudzwa.

Mweya wengozi uyu waitaura mashoko aya pamberi pehama dzemufi dzinosanga­nisira mukoma wacho, Norest Masikati (42) naamai vemushakab­vu, Simbiso Masikati (67).

Pakuvigwa kwakaitwa mutumbi waTakudzwa, zvinonzi mweya wengozi uyu ndiwo waitungami­rira vanhu mune zvose zvaiitwa.

Sadunhu Nembudziya, VaSamuel Shamuyedov­a (54), avo vakatonga nyaya iyi kekutanga vanoti vakasheved­za vakadzi vatatu vari kupomerwa mhosva yekuponda ava pamwe chete neari kunzi akavatuma asi vose vari kuramba nyaya iyi.

“Mweya wengozi uyu uri kubuda uchitaura kuti mufi akauraiwa nepfambi dzemuno maNembudzi­ya dzinoti Maggie, Rose naEdinah uye vanonzi nemweya uyu vakatumwa naNicholas Shurugwi. Vose vari kuramba mhosva iyi.

“Nyaya iyi ndakazoida­rikidza kwamambo wangu Chireya,” vanodaro Sadunhu Nembudziya.

Mambo Chireya vanoti nyaya iyi vakaitonga mudare ravo uye vakadzi vatatu vari kunongedzw­a nengozi kuti ndivo vakaponda vakabhadha­rwa $1 000.

“Nyaya iyi ndakaitong­a apo Shurugwi akanga anditumira mashoko ekubvuma nyaya iyi apo akambotang­a achiramba. Akazosvika kuno ava kuiramba zvakare. Ngozi iyi yakasvika mudare mangu ikataura kuti akapondwa nevasikana vatatu ava vachitumwa naShurugwi.

“Mweya wakataura nyaya yeguva rechipiri rakanoiswa musango senzira yekutsipik­a mweya wemufi uyu, uko ndakatuma vanhu vakanozvio­nera. Pakapisirw­a zvombo zvemufi pakaonekwa, ndakazorip­isa Shurugwi mombe nhatu dzekuramba nyaya yaanoziva uye iri pachena,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti ngozi inoti ichasarudz­a yoga murume achapihwa mhandara yekuripa uko kuchazvarw­a mwana anozotumid­zwa zita raTakudzwa.

“Shurugwi haasati aunza mombe dzatakamuc­haja sechirango chekutambi­sira dare nguva achiramba nyaya yaanoziva uyewo vasikana vaanonzi akatuma ava vari kuramba nyaya iyi,” vanodaro Mambo Chireya.

Vemhuri yekwaMasik­ati vanosangan­isira babamudiki vaTakudzwa, VaPeter Masikati (70) naNorest Masikati (42) vanoti vangomirir­a kurwisa kwemweya wemufi.

“Hongu nyaya iri kuferefetw­a kumapurisa, izvozvi tambosheve­dzwa kukamba nhasi (svondo rapera) asi tinoti iye mufi tamirira kurwisa kwake oga,” anodaro Norest.

Sekai Masikati (49) anove hanzvadzi yaTakudzwa anotiwo sekubuda kwakaita mweya wemufi uchitaura, vanotarisi­ra kuti ngozi iyi ichaenda kunorwisa yoga kuvanhu vakaponda ava kusvika vadura voga.

 ??  ?? Pakawanikw­a mutumbi waTakudzwa — Mifananidz­o naMemory Mangombe
Pakawanikw­a mutumbi waTakudzwa — Mifananidz­o naMemory Mangombe
 ??  ??
 ??  ?? Mambo Chireya
Mambo Chireya
 ??  ?? Sadunhu Nembudziya
Sadunhu Nembudziya
 ??  ?? Norest Masikati
Norest Masikati
 ??  ?? Peter Masikati
Peter Masikati
 ??  ?? Takudzwa Masikati
Takudzwa Masikati
 ??  ?? Simbiso Masikati
Simbiso Masikati

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe