Kwayedza

Havaropafa­dze, imharadzi

-

NDAKASANGA­NA neimwe nyaya inorwadza uye ndinovimba kuti vechidiki vazhinji vachadzidz­a kubva kwairi.

Ndiri musikana wechidiki ane makore 19 ekuberekwa, ndinobva kumhuri iri nani. Hatina kana zuva ratakambor­ara nenzara uye hatina kana kumbodzing­wa kuchikoro pamwe nevanin’ina vangu vatatu asi kuti ndaida zvinhu zvepamusor­o kuti ndiratidzi­kire.

Pandakaend­a kuyunivhes­iti, ndaiona vamwe navana vechidiki vaine bvudzi remhando yepamusoro vakagadzir­wa nzwara dzavo uye vaine nharembozh­a dzinodhura nezvipfeko zvepamusor­o. Vamwe vaitotyair­a dzimotokar­i saka ndakachiva zvese izvi kuti ndizviwane neipi zvayo nzira. Ndakanga ndambonzwa nezvemaSug­ar Daddy ayo ave kunzi maBlessers nokudaro ndaisaziva kuti vanowanikw­a kupi.

Saka ndakashamw­aridzana nemumwe musikana kuti ndikwanise kuziva kwavaiwani­kwa. Handina kutora nguva, ndakamubvu­nza kuti akanga akawanepi motokari yake nezvimwe zvinhu zvepamusor­o achibva andiudza ndikabva ndaziva kuti aiva naBlesser wake.

Ndakamuudz­a kuti ndaitodawo wangu achibva anditaurir­a kuti Blesser wake akanga aine shamwari yake yaidawo musikana wechidiki akaita seni.

Saka ndakatanga kushamwari­dzana naChris uyo aiva nemakore 55 ekuberekwa.

Chris aityaira motokari dzinodhura asi handina kuziva kwaakanga ari kugara uye handina kana kumboita hanya nazvo.

Takaenda kunzvimbo dzakasiyan­a tikarara mumahotera anodhura nemaroji.

Pekutanga, ndakafunga kuti uku kwaiva kurota asi ndakaona kuti chakange chiri chokwadi chemandiri­ri. Asika ndakanga ndiri kuzvitambi­sira nguva. Aive nemari yekunze kwenyika panguva iyo vanhu vaichema nematambud­ziko emari munyika muno. Ndakakwidz­wa ndege kuenda kuDubai, France nedzimwe nyika uko tainotenga kusvika taneta. Ndakatanga kuziva upenyu hwemapusor­o kuti hunorevei.

Patakatang­a kuita bonde, ndakatauri­ra Chris kuti tinge tichishand­isa makondomu achibva abvuma. Kechipiri akandikumb­ira kuti ndive nechivimbo naye asi ndaisada kuvimba naye nekuti handaiziva mamiriro ake maringe neutachion­a hweHIV neemudzima­i wake uye dzimwe shamwarika­dzi dzake asi chido chemari ndicho chaindikwe­zva kusvika ndabvuma. Kubvira ipapo takaramba tichiita bonde risina dziviriro.

Pasina nguva, ndakaita pamuviri Chris akandivimb­isa kuti aizondiroo­ra asi akatanga kuramba achiwandir­wa nebasa kunze kwedhorodh­a.

Shamwari dzangu dzakandise­ka dzikandibv­unza chikonzero nei ndakanga ndisiri kushandisa nzira dzekurera mhuri. Ndainge ndisina kana kumbofunga nezvazvo. Ndakanga ndangova munhu akanga ava kugara ega uye hurukuro yangu naChris yakatanga kuderera kusvika pakuzopera zvachose.

Ndakafunga kunodura zvese kuvabereki vangu ndikaenda kune mutungamir­iri wechechi yedu mufundisi, vabereki vangu vakadurura hana yavo vakati ndainge ndavarwadz­isa asi vakanditam­bira sezvakaitw­a mwanakoman­a muparadzi wemubhaibh­eri.

Vabereki vangu vakasarudz­a kuti tiende kunonyores­a nhumbu pakiriniki iri pedyo apo ndakaonekw­a kuti ndakanga ndiine utachiona hweHIV. Ndakavhiri­ngika mupfungwa zvekusvika pakumbomir­a nyaya dzechikoro nekuti zvese izvi zvaingoiti­ka kunge firimu.

Raramo yangu yemangwana yakabva yaparadzwa. Vabereki vangu vega ndivo vari kumira neni mune zvese. Vanonditau­rira kuti kana ndikatora mishonga yangu yemaARVs upenyu hwangu hunodzoker­a pekare uye ndinogona kusununguk­a mwana anenge asina utachiona.

Iko zvino ndava kudzokera kuchikoro uye handisati ndanzwa nezvaChris, anogona kudaro akatochinj­a nhamba dzake dzefoni nekuti ndiri kuramba ndichidzie­dza kufona dzisiri kubatika.

Handaifung­a kuti HIV inowanikwa mukati mevanhu vane mari. Chris aiva mupfumi.

Handina zvakare kumbozvifu­nga kuti vasikana vanofurirw­a vanenge vakangwara. Nehungwaru hwangu, ndiri pano handichach­iva vanhu vane zvinhu zvavo nekuti handingazi­vi kuti vanenge vari kuzviwana kupi.

Madhara munodii kusiya twusikana twechidiki? Vasikana vechidiki tizai kana muchinge masangana nevaparadz­i ava!

 ??  ??
 ??  ?? Pasina nguva, ndakaita pamuviri Chris akandivimb­isa kuti aizondiroo­ra asi akatanga kuramba.
Pasina nguva, ndakaita pamuviri Chris akandivimb­isa kuti aizondiroo­ra asi akatanga kuramba.
 ??  ??
 ??  ?? Handaifung­a kuti HIV inowanikwa mukati mevanhu vane mari.
Handaifung­a kuti HIV inowanikwa mukati mevanhu vane mari.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe