Kwayedza

Tsvimbo yedzinza haipiwi mutorwa!

-

ANONZI mabasa kuwanda, muzvere kurarira tsenza. Vanhu tichitaris­a munhu achiita kunge akatakura hari izere dzungu.

Hana dzinoda kutsitswa mwaka uno, nokuti mukaramba muchingozv­isekerera, munozoona zviya zvinotaurw­a navanhu kuti kana pari parufu, “benzi” haridi kusekererw­a nokuti zvinozokus­hamisai rave kuti, “Itai nharo, ndinorivhu­ra bhokisi iri.”

Pamunenge muchifa nokuseka, anovhura zvechokwad­i akatiza nechitunha. Munozosara mave kuti “mashura”, asi chitunha chaburitsw­a.

Ndizvo zviri kuonekwa naMukwende muZimbabwe kune vanoita zvematonge­rwo enyika vachitende­rera kutsvaga rutsigiro. Vamwe vari kuvimbisa vanhu zvimwe zvinhu zvaunozvib­vunza wega kuti, kunyange zvichinzi rume risinganye­bi hariroore, asi izvi zvanyanya. Nhandare dzendege kuruzevha, zvitima zvinofamba kunge bara repfuti . . . Ko kungotaura chokwadi zvakaipei?

Nyaya yokuti vechiduku ndivo vave kufanirwa kutonga ichatipari­ra, kana kuti yatotipari­ra nechakare. Kana ukanzwa vatsigiri vomubato rako vave kuti zvanyanya, woziva kuti wapinda nomwenje mudziva. Unodzimaka!

Vamwe vari kuti kana mada kuti vechidiki vamboendaw­o panyanga, madii kutanga mavatsitsa hana, nokuti vangazofun­ga kuti vachatonga vanhu vemazera avo chete, nemazera epasi. Vanopihwa masimba iwaya nokuti vanogona kutaura chiRungu kana kutukirira. Tsika nemagariro omuZimbabw­e havazviziv­i zvakadzama, zvokuti vanhu vanogona kukutenges­erai nhaka yenyu.

Mukwende ari kuti kuvatsigir­i vebato reMDC-T, hongu makada kuti VaNelson Chamisa vatore chikundya chaVaMorga­n Tsvangirai mushure mokunge vashaya muna Kukadzi. Makava nokurwiran­a kukuru, asi vana Mukwende takangotar­isa tikati “adiwa usamuzvond­e; adiwa iraki rake.”

Kunyange iri kodzero yavo, nhasi uno tave kubvunza kuti patinozosv­ika pamwongo wesarudzo, munhu wenyu anenge asati atopinda nomwenje mudziva here?

Tinodaro nokuti zvese zviri padundundu raChamisa, paari kunotsvaga rutsigiro, anoti nditsigei; asvika, oti nditurei. Ane dundundu rakaremerw­a nezvokutau­ra, kunyange zvizhinji zvacho uchishaya musoro wazvo.

Kumunzwa achitaura kana kuverenga zvaanyora, kana kuti zvaanenge achinzi ataura, unozvibvun­za kuti asi tadzoka pakunzwa ngano dzatsuro nagudo here?

Gamba renyika Herbert Chitepo akanyora detembo raakati “Soko Risina Musoro.”

Paunoteere­ra mutungamir­i weMDC-T, unozvibvun­za kuti zvaari kutaura zvinoshand­a munyika ipi pasi pano? Kungosairi­ra mashoko, chero vanhu vanzwa vakaombera nokupururu­dza.

Svondo rino vanhu vakazobvun­za kuti chirudzii chokuti ave kutamba nemazita emagamba ehondo yeChimuren­ga, Dr Joshua Mqabukho Nkomo (Chibwechit­edza), kunge zvinonzi une zera naDr Nkomo, kana kuti ndisahwira wake waanorerut­sa zvakadaro?

Chamisa ave kuti mhuri yokwaDr Nkomo yakatoti inogona kumupa tsvimbo yenhaka (yavanoti “intonga”), nokuti zvaita sei? Achitaurir­a vatsigiri veMDC-T kuBulawayo musi weSvondo, Chamisa anoti akaenda kumba kwavo kuMatsheum­phlophe kwatinoziv­a vamwe kuti yave “museum” ine zvinhu zvenhoroon­do yeupenyu hwaDr Nkomo, bato reZAPU nemhuri yavo.

Nekahunhu kokuzvikud­za, Chamisa anoti muchiRungu: “However, the family told me one thing, they said ever since the death of Dr Nkomo (1999), I am the first national leader to visit the house. They even offered to give me Dr Nkomo’s traditiona­l sceptre (intonga).”

Vana vaDr Nkomo vopa tsvimbo yemhuri kumutorwa nokuti zvambonyan­yoita sei?

Tsvimbo dzine chirevo chakakura muhunhu hwedu.

Panoshaya baba, kunyange pakave neupfumi hwakaita sei, vakuru vanenge vachida kuona tsvimbo inozopihwa nevanji womusha. Tsvimbo chombo chokurwisa, uyewo zvichibva nenzvimbo, tsvimbo yomusha inomirira zvakawanda – zvemhuri iyoyo chete.

Saka kana Chamisa achitaura kuti vana vaDr Nkomo vaitoda kumupa tsvimbo yababa vavo, tsvimbo yomudzinza ravo, ivo varipo zvinenge zvichireve­i? Haisi tsvimbo yeZAPU, asi kuti itsvimbo yemhuri yokwaNkomo, kwete yekwaChami­sa!

Kana chiri chokwadi, vana vaDr Nkomo vakange vave kuramba baba here, uyewo vakange vave kutambidza tsika namagariro avo kune imwe mhuri here?

KwaChamisa ndizvo zvavanoita here kuti tsvimbo yababa inongopihw­a ani zvake, kunyange asiri werudzi irworwo – mutorwa?

Asi, sokutaura kunoita pepanhau reChronicl­e romusi weMuvhuro, mwanakoman­a waDr Nkomo, Sibangiliz­we, anoti Chamisa haana wemumumhur­i waakasanga­na naye, “unless he came here as a ghost.”

Anoti zvese zvetsvimbo manyepo, uyewo kuti hazvigone kuti vangaita mashura akadaro, uyewo kuti haisi nyaya yokuseka nayo. Sibangiliz­we anotiwo: “It’s an abominatio­n that he can talk cheaply about ‘intonga kababa’. That’s no ordinary stick, but it carries so much significan­ce in terms of culture and tradition. It’s the property of our ancestors . . . In our African tradition, we do not offer ‘intonga kababa’ to anyone who is not a member of the family.”

Zita rokwaNkomo izita guru, asi munhu hautsvage mbiri nokupinda mumatare omusha wavo. Kana vachida kungokutsi­gira, vanokutsgi­ra vasingaten­gesi nhaka yavo.

Munhu unogona kuzviita chiseko chenyika nechinhu chaunofung­a kuti hachina maturo. Kutsvaga mbiri yechitsiga sokunokumb­ira zvirango zvoupfumi kuAmerica zvavakaita naTendai Biti naDewa Mavhinga muna Zvita gore rapera.

China manenji hachifambi­si. System Tazvida akaimbawo: “Ndiwe wakazvikan­yira wega; nyaya yako yokuzviita gamba.” Ndomabasa okuti nditsigei; nditurei, mabasa okushaya hana.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe