Kwayedza

‘Mhanzi ngaive nedzidziso’

- Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weAfro-fusion, Admire Sanyanga Sibanda - uyo anozivikan­wa nezita remadunhur­irwa rekuti “Chief Hwenje” - anoti mhanzi mutauro unodzidzis­a nekudaro vaimbi vanofanira kuparidza mashoko anovaka veruzhinji.

Chief Hwenje, uyo uchangobva kubura dambarefu rechitatu rinonzi “Akonzera”, anoti vaimbi havafanire kungobudit­sa mhanzi isina chirevo.

“Mhanzi mutauro wakadzika uye kazhinji zvatinoimb­a zvinoteere­rwa nevatsigir­i vedu saka zvakakosha kuti tinyore nziyo dzinovaka kwete kungonzi ndaimba nekuti mhanzi mutauro.

“Sevaimbi, tiri muchereche­dzo wekwatinob­va saka ngatishand­ise mhanzi kuvaka kwete kuputsa kana kuparadza,” anodaro Chief Hwenje.

Parizvino Chief Hwenje ari mushishi kubika vhidhiyo yekambo kanonzi “Unondipedz­a simba” ako akatsikisa naPah Chihera uye vhidhiyo racho richange richikotsv­erwa neVerenga Empire. Muchinda uyu akamboshan­da nevamwe vaimbi vanosangan­isira Andy Muridzo, Sugar Sugar, Gift Amuli naTendai Chimombe.

“Sangano reVerenga Empire rakandisan­ganisa naPah Chihera uye ndivo vari kukotsvera vhidhiyo rekambo kangu kanonzi Unondipedz­a simba ako takatsikis­a tose.

“Vhidhiyo racho rakatobikw­a uye tiri kuritarisi­ra kubuda kupera kwemwedzi uno. Kushanda nevamwe vaimbi kwakanaka chose sezvo kuchitibat­sira kusimudzir­a mhanzi yedu,” anodaro.

Muimbi uyu akambotsik­isa mamwe madambaref­u anoti Chembere iro rakaburits­wa gore radarika kozoti Hwenje Tiri Musango ra2006.

Chief Hwenje parizvino ari kushanda neBoth Media Studios iyo iri kutsikisa mhanzi yake pamwe nekuitenge­sa.

 ??  ?? ZVIMWE
ZVIMWE
 ??  ??
 ??  ?? Chief Hwenje
Chief Hwenje

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe