Kwayedza

Sarudzo yembeu yakakosha: Seed Co

- Malven Mugadzikwa

VARIMI vanokurudz­irwa kuti vakoshese kusarudza mbeu inoenderan­a nevhu ravo sezvo izvi zvichibats­ira zvikuru kuti vazowana goho rakanaka.

Kurudziro iyi yakaitwa naagronomy and extension services manager kuSeed Co, VaJohn Basera, nguva yadarika apo vaimema munda wehurudza yakadarika vamwe kurima mbeu yakauchikw­a nekambani iyi kuRushinga.

Murimi uyu - VaEnock Moyo - vakarima mbeu ichangobur­wa neSeed Co yeShumba SC649 iyo vanoti vanotarisi­ra kuwana goho repamusoro.

VaBasera vanoti kusarudza mbeu yekudyara kunobatsir­a zvakanyany­a kuvarimi.

“Sarudzo yako murimi yembeu ine zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana (51 percent) pakuwana pako goho rakanaka. Kukohwa pakuru kwemurimi kunotangir­a pakugona kusarudza mbeu. Zvimwe zvikamu zvinozozad­zikiswa nekugona kuisa feteraiza pamwe nekuderedz­a sora mumunda. Zvakakosha kuti varimi vazive kuti mbeu dzavari kurima dzichavabu­ditsira pakadii uye kuti dzinoender­ana here neivhu ravari kuda kudziisa nefetiraiz­a yavanoda kuzoisa,” vanodaro VaBasera.

Vanoti varimi vanofanira­wo kutora kurima sebhizines­i.

“Varimi ngavazivew­o zvakare kuderedza tupuka tunokangan­isa kukura kwembesa dzavo, kunyanya chibage. Kune gonye ranetsa mazuvano reFall armyworm. Kuchereche­dza munda wako semurimi mbesa dzichiri diki nekukura kwadzo zvakakosha nekuti gonye iri rinoda kutangirwa richiri diki. Kune mishonga inouraya gonye iri, kunyanya rikatangir­wa richiri diki. Zvisinei, kune vamwe varimi vari kushandisa sauti kana zvimwewo. Ndinokurud­zira varimi kuti vashandise mishonga yakatarwa nanamazvik­okota pane kuita zvavo vega nekuti zvakafanan­a nesauti ine zviwanikwa zviri mairi zvinokanga­nisa ivhu kuti rirase chikafu chinokudza mbeu zvakanaka,” vanodaro.

VaBasera vanoti kune vamwe varimi vanenge vagona kusarudza mbeu asi vozowana goho rakaderera nekuda kwekuti zvirimwa zvavo zvinenge zvakangani­swa netupukana­na kana nesora.

“Varimi vazhinji vachiri nepfungwa yekuti mishonga yekuuraya sora inokangani­sa ivhu asi hazvisizvo. Vamwe vanofunga kuti inopisa zvirimwawo zvakare. Nyaya yese iri pamaisirwo anoitwa mishonga iyi nenguva yekuisa pamwe nekuva neruzivo rwakakwana kubva kuvarimisi kana kumakamban­i anotengesa mishonga iyi,” vanodaro.

VaBasera vanoti nekuda kwekusandu­ka kuri kuita mamiriro ekunze, kambani yavo iri kuramba ichigadzir­a mbeu dzinotirir­a muzuva dzakafanan­a neShumba SC649.

Vachitaura­wo pagungano iri, VaPhillip Matombo vanove western region commercial agronomist kuSeed Co vanotsinhi­ra nezvembeu iyi vachiti inotirira muzuva uye inopa goho guru.

“Murimi pambeu iyi anofanira kutarisira matani gumi nematanhat­u pahekita nekuti inoita tsanga hombe yoita muguri mutete zvakare. Mbeu iyi yakanakira­wo pakuti kukanaya mvura shoma, inomboshin­girira muzuva uye inobuditsa tsanga dzine huremu hunokunda muguri wacho. Varimi tinongovak­urudzira nyaya yekugadzir­a zvirimwa zvavo, kubvisa sora nekuongoro­ra tupukanana tunodya kuitira kuti goho ravo risaderera,” vanodaro.

 ??  ?? VaPhillip Matombo vachitaura nevarimi pazuva rekumema munda waVaEnock Moyo kuRushinga nguva pfupi yadarika.
VaPhillip Matombo vachitaura nevarimi pazuva rekumema munda waVaEnock Moyo kuRushinga nguva pfupi yadarika.
 ??  ??
 ??  ?? VaJohn Basera
VaJohn Basera

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe