Kwayedza

Gadziriro dzekurima gorosi dzoitwa

- Muchaneta Chimuka

GADZIRIRO dzekurima gorosi remuchando remwaka wa2018 dzave padanho repamusoro uye Hurumende iri mushishi kushanda nesimba kuitira kuti varimi vawane zvekushand­isa nenguva.

Gurukota rinoona nezveminda, kurima nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro, Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri, vanoti varimi vegorosi vachakurum­idza kuwana zvekushand­isa mukurima mwaka uno.

“Gadziriro dzemwaka wekurima wa2018 dzava padanho repamusoro uye Hurumende iri kutsvaga zvekushand­isa. Tinoda kuona kuti varimi vawana zvekushand­isa nenguva zvekuti parizvino chidimu chezvinodi­wa mukurima chatovapo saka tangomirir­a mari shoma,” vanodaro.

Zvisinei, varimi vazhinji vachiri kushushika­na kuti mwaka wekurima gorosi wa2018 unogona kukanganis­wa nekuda kwekunonok­a kukohwehwa kwezvimwe zvirimwa zvemwaka wa2017-18.

Varimi vakawanda vanodyara gorosi mushure mekukohwa zvirimwa zvazvo zvakadai sechibage.

Mutungamir­iri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaWonder Chabikwa, vanotsinhi­ra kuti zvirimwa zvizhinji hazvisati zvatanga kukohwewa.

“Mwaka wekurima wa201718 wakanonoka kutanga nekuda kwemvura yakanonoka­wo kuturuka saka izvi zviri kukanganis­a mwaka wekurima mbeu dzemuchand­o dzakadai segorosi. Varimi vazhinji havana minda yakakura yekuti vafanorima zvirimwa zvemuchand­o. Zvimwe zvirimwa zvichiri kutobuda maruva uye

VaChabikwa vanoti chirongwa ichi vanochitam­bira nemawoko maviri asi michina yekuomesa zvirimwa iyi (driers), inoomesa zvirimwa kubvira pa20 percent kusvika pa12,5 percent bedzi.

“Tiri kutyira zvakare kuti mvura iyi yakanonoka kunaya ichakangan­isa chirimwa chegorosi nekuti chinangwa chedu senyika ndechekuon­a kuti taderedza huwandu hwechikafu chatinoten­ga kunze kwenyika kuburikidz­a nekurima chedu pachedu muno. Kuvarimi vaye vane madiridzir­o neminda yakakura tinoti vanokwanis­a kukasika kudyara kuitira kuti vawane goho guru,” vanodaro.

Mwaka wekudyara gorosi unopera nomusi wa15 Chivabvu. Zimbabwe inoda matani 450 000 egorosi gore roga-roga.

 ??  ??
 ??  ?? Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri
Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe