Kwayedza

Rimai dzimwe mbesa: FAO

- Muchaneta Chimuka

zvimwe zvichiri zvinyoro,” vanodaro.

Hurumende yakatsidza kuti ichabatsir­a kambani SANGANO reFood and Agricultur­al Organisati­on (FAO) riri kukurudzir­a nyika dziri mudunhu reSouthern Africa kuti dzirime zvirimwa zvakadai semupunga zvinofambi­rana nekusanduk­a kuri kuita chikafu chiri kudyiwa nevanhu zvakanyany­a mazuva ano pachinzvim­bo chekuti vange vachingori­ma chibage bedzi.

Izvi zvinotever­a ongororo yeFood Balance Sheet yakaitwa nesangano iri iyo inoratidza kuti nyika imwe neimwe ine sanduko yayava nayo maringe nechikafu chiri kudyiwa kubvira pane chinogadzi­rwa munyika nechinozon­otengwa kunze kwenyika.

Vachitaura pamusangan­o wakaitirwa kuSouth Africa munguva pfupi yadarika, mumiririri weFAO kunyika iyi - VaLewis Hove - vanoti zvakakosha kuti nyika dzinge dzichiziva mhando uye huwandu hwechikafu chinodiwa nevanhu kuitira kuti paitwe bhajeti rakasimba mukuchenge­tedzwa kwechikafu chinoringa­na nenyika.

“Kuwanda kwevanhu mumaguta uye kusanduka kuri kuita raramo yevanhu kumaruwa kuri kuitawo kuti chikafu chinodyiwa nevanhu chisanduke vachitora kudya kwakadai semupunga, macaroni nekumwe kudya kwakareruk­a (cereals),” vanodaro.

Zvisinei, VaHove vanoti kusanduka kwemhando yechikafu chiri kutorwa nevanhu munyika kuri kuita kuti vamwe vakundikan­e kuwana kumwe kudya kunovaka muviri.

“Kana tikange taisa zvinhu izvi muzvinyorw­a (Food Balance Sheet) zvichabats­ira kuti varimi vasangorim­a chibage chete nekuti tinenge tava kuziva kuti ruzhinji rwevanhu rwunenge rwava kushandisa kumwe kudya kwakasiyan­a,” vanodaro.

Vanoti vanhu vari mumatunhu akasiyana vari kusangana nematambud­ziko ekushaiwa kudya kunovaka muviri, zvikuru sei kuvana vadiki nokudaro chikafu chemhando yese chinofanir­a kunge chichirimw­a munyika pasina kurerekera kuritivi rwumwe chete.

“Kuvapo kweFood Balance Sheet kunobatsir­a Hurumende nevatenges­i kuti vange vachiziva huwandu hwechikafu chinodiwa nenyika,” vanodaro.

Chinangwa chemusanga­no uyu vanoti ndechekuon­a kuti chikafu chachenget­edzwa panguva iyo nyika zhinji dziri kutambudzw­a nenzara zvichiteve­ra kusanduka kwemamirir­o ekunze, zvikuru mumwaka wa2017-2018.

 ??  ?? (FAO)
(FAO)
 ??  ?? VaWonder Chabikwa yeGrain Marketing Board nemichina yekuomesa zvirimwa zvakadai sechibage mwaka uno.
VaWonder Chabikwa yeGrain Marketing Board nemichina yekuomesa zvirimwa zvakadai sechibage mwaka uno.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe