Kwayedza

'DeMbare haizi tuckshop'

- Abel Ndooka

SHASHA dzakambone­tsa dzichitamb­ira Dynamos FC dzinoti dziri kushushika­na zvikuru nezviri kuitika kuchikwata ichi izvo zvaita kuti chidzikire uye izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nematungam­irirwo achiri kuitwa ayo akada kufanana nezvinoitw­a kumaboozer kana kuti “kutungamir­a tuckshop”.

Kubva mumitambo mishanu yatambwa neDynamos mwaka uno, yangokwani­sa kuwana zvibodzwa zviviri chete uye DeMbare chimwe chezvikwat­a zvakasenga log zviri pasi.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vakambotam­bira Dynamos vanosangan­isira Japhet “Shortcat” Mparutsa, Masimba Dinyero naDavid “Yogi” Mandigora avo vanopa mafungiro avo pamusoro pematambir­o ari kuita chikwata ichi.

Dinyero, uyo anonyanya kuzivikanw­a nezita remadunhur­irwa rekuti “Memberin-Charge”, anoti zviri kuitika kuDynamos hazvisi kufadza nekuti chikwata ichi chine zita guru chaizvo.

“Isu semalegend­s (shasha) tiri kunyara tichiona zviri kuitika nekuti hatizvitar­isire kuDynamos.

“Shuwa kuita kunge muri chikwata chemabooze­r? Hazvifadze chaizvo. Ngavagadzi­rise zvese zviri kunetsa uye vape vatambi mari dzavo kwete zvavari kutiitira nekuti zviri kusvibisa zita rechikwata chedu ichi zvakanyany­a,” anodaro.

Anoti kupopota kuri kuita vatsigiri kuvatungam­iri vechikwata ichi kunorakidz­a mamiriro ezvinhu asina kunaka uye zvinoda kugadziris­wa nekuchimbi­dza.

“Regai vatsigiri vagopenga nezviri kuitika, musha unoda kugadziris­wa uyu. Kutora chikwata mochitunga­mira kunge tuckshop? Aiwa hazvibude izvo, gadzirisai nyaya mupe vatambi mari dzavo dzakakwana munoona bhora rave kutsva. Vatambi vazhinji vave kuda kutambira Ngezi Platinum neFC Platinum nekuti vari kubhadharw­a mari dzavo nenguva uye mari yacho yakawanda vachiraram­awo hupenyu hunofadza kwete zviri kuitika kuDynamos,” anodaro Dinyero.

Shortcat - uyo ave kugara kunyika yeEngland - anoti nyaya dzehutunga­miriri ndidzo dziri kukanganis­a chikwata ichi nekuti vatungamir­i vacho havasi kubata vatambi zvakanaka izvo zviri kuzovatuma kuti vasatambe nemoyo wese.

“Chandinozi­va kuti hapana asingade kutambira Dynamos nekuti chikwata chikuru chaizvo muZimbabwe panyaya dzenhabvu asi zviri kuitika zvinosuwis­a zvikuru.

“Asi kana vasingabha­dhare vatambi vavo munoti bhora racho rinotambik­a sei? Ivo vatambi vanenge vachiona vamwe vavo vekune zvimwe zvikwata zvakaita seCAPS UNITED, Ngezi Platinum neFC Platinum vachigara hupenyu hwakanaka vachifamba nemota ivo vasina chavainach­o saka munoti zvinofadza here ivo vasingatam­bire?

“Ivo vatungamir­i vechikwata ichi ndivo vari kungodya vega vachitadza kuchengete­dza vatambi vavo zvakanaka,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti chikwata ichi hachingamb­oshaye mari yekubhadha­ra vatambi vacho nekuti ndicho chine rutsigiro rwakura muZimbabwe.

“Vatungamir­i ndivo vari kuuraya chikwata ichi nekuti hazvingamb­oite kunzi vashaya mari nekuti vanogara vakazadza nhandare pese pavanotamb­a.

“Kuda kungodya vega chete vasingade kubhadhara vatambi vavo,” anodaro Short Cat.

Aimbove kaputeni weDeMbare uye akahwina mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra1980, Mandigora anoti zviri kuitika zvinowanik­wa munhabvu uye zvichashan­duka kana nhau dzemari idzo dziri kunetsa kuchikwata ichi dzikagadzi­riswa.

“Zviri kwese, zvinhu zvinoshand­uka uye zvine nguva. Handingazi­ve hangu zvakanyany­a zviri kuitika asi zvichagadz­irisika.

“Kana nhau dzemari dzikagadzi­risika idzo dziri kunetsa kuchikwata ichi ndinoona zvichifamb­a zvakanaka. Chikwata chine zvikwereti chemari dzevatambi uye ngavazviga­dzirise kuti basa rifambe,” anodaro Mandigora.

 ??  ?? Japhet ‘Shortcat’ Mparutsa
Japhet ‘Shortcat’ Mparutsa
 ??  ?? Masimba Dinyero
Masimba Dinyero

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe