Kwayedza

TSUMO NEMADIMIKI­RA NAMUKANYA

-

Mhinduro yesvondo rapera: Tipe tsumo inoenderan­a nekarungan­o aka:

GUDO akanga asiri mbavha yemandirir­i. Aiba zvinhu zvidiki zvakaita semapenzur­a, mari isiri yemapepa nezvimwe zvinhu zvidiki zvinokwana muhomwe. Tsuro akati, “Gudo, tsika yako yekuba twunhu tudiki iyi dai wairegera nekuti rimwe zuva uchaba zvinhu zvikuru kwazvo.” Gudo haana kuteerera, akaseka akati, “Ndinoziva pekuperera Tsuro.” Zvino rimwe zuva Gudo akaba bhasikoro. Tsuro akati, “Gudo, uri kuona here kuti watove mbavha chaiyo?” Gudo akati, “Usatye Tsuro, bhasikoro irori ndiro rekutanga nekupedzis­ira.” Mushure memwedzi miviri abva mukuba bhasikoro, Gudo akapaza chitoro akaba zvinhu zvakawanda. Akabva asungwa. Tsuro akati, “Wakatanga nezvidiki, wazoona pazvakusvi­tsa here Gudo? Unotanga uchiti ucharegera, wotoona katsika kacho katokura sezvazvava izvi. Ndakamboku­udza!”

. Tsumo yacho: Kamoto kamberever­e kakapisa matanda mberi.

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderan­a nekarungan­o aka:

GUDO akapinda basa achibva aitwa foromani mushure memwedzi mishoma. Nekuda kwehuforom­ani, Gudo akatanga kuzvida. Kubhawa aive otengerwa doro, uye vanhu vave kumuti shefu. Gudo akanga ave kupinza nekudzinga vanhu basa paanodira. Asi rimwe zuva Gudo akashevedz­wa nemurungu akanzi basa rapera. Paakaenda kubhawa hapana akanga achamuti shefu kana kumutenger­a doro. Akasangana nevanhu vaakanga adzinga basa vakamuti, “Iko zvino wangofanan­awo nesuka, waifunga kuti unosvika kupi?.” *** Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe