Kwayedza

Zviwanikwa zveZimbabw­e

-

MUZIMBABWE mune mhando imwe chete yegarwe kana kuti ngwena, riya rinodaidzw­a kuti Nile Crocodile. Garwe chisikwa chine ropa rakatonhor­a uye chinoraram­a zvakanaka pane mvura. Naizvozvo makarwe anogona kuwanikwa kwese kune mvura munyika.

Garwe rinorarama nekudya nyama (carnivores) uye rine hunyanzvi pakuhwandi­ra kana rovhima.

Huwandu hwemakarwe panzvimbo hunofambir­ana nehuwandu hwemvura uye mamiriro ekunze. Garwe rinofarira kudziya kwekunze ndokusaka ari mashoma kunzvimbo dzinotonho­resa.

Makarwe anosangana mumvura uye anokandira mazai. Garwe rinokandir­ira mazai muvhu rejecha kumahombek­ombe kwedziva. Rinogona kukandira mazai anosvika 60 kamwe chete zvichiende­rana nezera raro. Garwe gadzi rinochenge­tedza mazai aro kuti asadyiwe nezvikara kusvikira achecheny’a.

Kana mazai achecheny’a, garwe rinotakura vana richivaend­esa kumvura.

Zvisinei nekuwanda kwemazai anokandirw­a, vazhinji vevana vegarwe havararame — maviri kana matatu bedzi ndiwo anopona zvekukura.

Garwe rinonyanyo­dya hove, zvisinei nekuti rinongobat­a chero charawana semhuka dzakaita sembizi, mombe, vana vemvuu, nungu, shiri kana mamwe makarwe. Huwandu hwechikafu chinodyiwa negarwe hunoendera­na nekukura kwaro, asi vana varo vanodya tupukanana twemumvura sehove diki, matatya nezvimwe.

Zvichiende­rana nekukura, garwe rinotanga kutsvagawo chikafu chakawanda — naizvozvo rinovhima mhuka dzakurawo.

Garwe rinovhima mumvura kana kuti munzvimbo dziri pedyo nemadziva. Rinosiya muviri waro wose uri pasi pemvura zvishoma richimirir­a kubata charinodya, ndokunge mhuka kana munhu apinda mumvura, asi pamwe rinoita zvekukachi­kira chikafu kana chiri pedyo nedziva.

Mhuno, maziso nenzeve dzegarwe zviri nechepaden­ga pemusoro, izvo zvinoita kuti mumwe mutumbi waro ugare pasi pemvura. Garwe rinogona kugara pasi pemvura kwenguva inosvika maawa maviri risingafem­e mweya wekunze.

Garwe rechirume guru rinoreba zviri pakati pemamita 3.5 kusvika 5 uye richirema kubva pa225 kgs kusvika 750 kgs asi gadzi iduku zvishoma. Garwe rinogona kurarama kwemakore 70 kusvika 100.

Hapana humboo hunoti nduru kana huropi hwegarwe muchetura unouraya munhu.

Kuti usabatwe negarwe:

1. Gara kure nedziva rine chikara ichi

2. Yeuka kuti garwe rinowanikw­a chero pachidziva chemvura

3. Tiza kana ukaona garwe richikuing­a — garwe harimhanyi­si kana risiri mumvura

4. Usachere pane mazai egarwe, ngwena ine hasha pakuchenge­tedza mazai ayo

5. Usandotuhw­inha mumadziva ausingaziv­e

6. Usaraure wakamira mumvura

7. Usanyike mawoko kana makumbo mudziva

8. Kana muchigaroc­hera mvura padziva, isai ruzhowa rwewaya mudziva kuitira kuzvidzivi­rira

9. Kana zvichibvir­a, usaende kurwizi uri woga

10. Usape magarwe chikafu kana kukanda chikafu chawasiya

11. Tambira kure nemakarwe, kunyanya panguva yawo yekusangan­a

12. Chenjerera zvinhu zvinenge zvitanda zviri pamusoro pemvura

13. Usasiye vana kana zvipfuyo pedyo nemadziva

14. Zvakakosha kuziva kuti madziva ose anogona kuva nengwena

Zivisai veParks and Wildlife Management Authority vari pedyo nemi kana maona garwe.

 ??  ?? Garwe
Garwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe