Tinoda kurerutsira vadzidzi: Sibanda
MUNYORI mukuru kubazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemuchina, Dr Desire Sibanda, vanoti bazi ravo rakatora danho rekudzikisa mari inobhadharwa nevadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji nechikamu che40% panguva iyo vanenge vari kufundira mabasa akasiyana (attachment) nechinangwa chekuvarerutsira.
Bazi iri nguva pfupi yadarika rakadzikisa mari yemafizi iyi mushure mekuona kuomerwa kwevadzidzi.
Vadzidzi vanenge vari kufundira mabasa vanoomerwa zvikuru apo vanobhadhara mari yepekugara, yechikafu neyekufambisa.
Vachitaura pamusangano wavakaita nguva pfupi yadarika nevakuru vemakoreji nemayunivhesiti, Dr Sibanda vanoti vanofara kuti danho rakatorwa nebazi ravo iri rakatambirwa nemawoko maviri.
“Ticharamba tichitsigira kuwaniswa kwedzidzo kumunhu wose zvichifambirana nezvinangwa zveSustainable Development Goal No 4 izvo zvine donzvo rekuona kuti vanhu vose vawaniswa dzidzo zvakaenzana. Nokudaro ticharamba tichideredza mari dzinodiwa mufundo yevadzidzi pamwe nepekugara nezvimwe,” vanodaro.
Vanoti bazi ravo riri kuita hurukuro nevatsigiri vekunze vakasiyana nechinangwa chekusimudzira dzidzo muZimbabwe.
“Izvi ndizvo zvimwe zvezvinhu zvataikurukura nezvazvo pamusangano weInfrastracture Investment Conference uyo wakaitwa nebazi redu nomusi wa9 Kukadzi gore rino kuti tinge tichitsvaga rutsigiro rwunosimudzira dzidzo yepamusoro,” vanodaro.
Dr Sibanda vanoti matanho avari kutora aya anofambirana nechirongwa cheSadc Protocol on Science and Technology, African Manifesto on Science and Technology pakati pezvimwe zvinhu zvakabvumiranwa nenyika kuti dzinge dzichishandisa chikamu chemari yeGross Domestic Product (GDP) mukuita ongororo nebudiriro. GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Zimbabwe iri kuda zvikoro zvitsva 2 056 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.
Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMashonaland West mudare iri, Senator Caroline Tsitsi Mugabe.
Sen Mugabe vaida kuziva matanho ari kutorwa nebazi iri mukuona kuti zvikoro zvakazvimirira, izvo zviri kungonyuka kumativi mana enyika, zvanyoreswa zviri pamutemo uye kuti zviri kutevedzera zvinodiwa nebazi iri here.
Prof Mavima vanoti kunyuka kwezvikoro zvakawanda zvakazvimirira kuri kukonzerwa nekushomeka kwezvikoro.
“Kunyuka kuri kuita zvikoro zvakazvimirira chiratidzo chekushomeka kwezvikoro munyika. Bazi redu rakaita ongororo muna 2013 ndokuona kuti tinoda zvimwe zvikoro zvitsva zvinosvika 2 056 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.
“Zvazviri kureva ndezvekuti pane musika uripo wedzidzo nekudaro avo vari mune zvemabhizimisi vanotora mukana uyu. Vamwe vavo vanopedzisira vave kuita dzimba dzavo zvikoro,” vanodaro Prof Mavima.
Vanoenderera mberi vachiti: “Dambudziko riripo nderekuti kana zvakadai zvaitika, isu sebazi tinenge tisingazvizive, hauzive mhando yaticha anenge achidzidzisa vana ava. Hauzive zvimwe zvinhu zvakare zvinenge zvichiitika sekuti vana vacho vanenge vasingashungurudzwe here, zvichingodaro.
“Hatirambidze muzvinabhizimisi kuti atange chikoro, asi chatinoda ndechekuti anofanira kutanga azadzikisa zvose zvinodiwa maringe nemutemo.”
Prof Mavima vanoti chikoro chinofanira kuve panzvimbo yakatambanuka uye ine zvimwe zvinodiwa sezvimbuzi.
“Kunze kwazvo, pane danho redu sebazi ratinotora apo tinopota tichitaura nevezvikoro zvakazvimirira ava tichida kuona kuti vane vadzidzisi vanotarisirwa here uye nekuti vari kutevera zviri musyllabus pakudzidzisa vana here,” vanodaro Prof Mavima.
Vanoti padanho redistrict mubazi ravo, pane vakuru (inspectors) vanofanira kuita ongororo yezvikoro zvakanyoreswa zviri pamutemo nezvisina.
“Tinoedza kubatsira zvimwe zvacho kuti zvinyoreswe kana zvichinge zvazadzikisa zvinodiwa. Pane mari inobhdharwa yekunyoresa zvikoro zvakazvimirira,” vanodaro Prof Mavima. Zvakadai, vanoti dzimwe nguva bazi ravo rinosangana nezvimhingamipinyi zvekuti pange pachiitwa ongororo yezvikoro zva- kazvimirira nenguva nekuda kwekushomeka kwemari uye zvikoro zvacho mazuva ano zvawandisa.
“Tine nzira yatinoshandisa mukuongorora zvikoro zvakazvimirira uye izvo zvinenge zvisina kuzadzikisa zvinotarisirwa tinozvivhara. Asi kana zvichinge zvichizadzikisa zvinodiwa, tinobatsira kuti zvinyoreswe nekuti zviri kubatsira mukuderedza huwandu hwezvikoro zvitsva zviri kudiwa munyika,” vanodaro.
Hurumende, vanodaro Prof Mavima, iri kushanda nemamwe mapoka akasiyana mukuona kuti zvikoro zvitsva zvavakwa kumativi ose eZimbabwe.
“Tiri kugadzirisa nyaya iyi nekushanda nemapoka akasiyana apo tinoti, ngatishandei pamwe chete, towana vatsigiri, votipa mari, tovaka chikoro pamwe nekuchishandisa pachezvedu nekuti tinowana dzidzo yemhando yepamusoro kana tichishanda isu seHurumende pane kungosiira munhu wose wose kuti ave nechikoro,” vanodaro.