Orarama nekutengesa matombo
MAMWE madzimai ekwaMurambinda, kuBuhera, vave kurarama nebasa rekupwanya matombo musango vachiatengesera ovaka dzimba rinova bhindauko ravabmunzara. wayedza nguva yadarika yakaita ukuro nemamwe emadzimai aya anoganisira Mai Annah Kure Makwenjere naMai Linda Munyono (40) vemubhuku urambinda avo vanoti vave nemakore wanda vachiwana pundutso kubva kupwanya matombo vachitengesa. anhukadzi ava vanowana matombo nopwanya kubva panzvimbo inonzi ambinda Gravel Site apo panocherwa rinogadziriswa migwagwa yeko uyewo umakomo eko. iri madzimai akawanda vanoita basa iri no mushure mekuona kuti isu hatiende abasa, vanababa dzimwe nguva vanoio mapiece jobs. Saka tinomukira mazuva oswera tichiita mabasa aya apo tinozotga vanotenga matombo edu tichiwana uviri,” vanodaro Mai Makwenjere. anoti pamazuva maviri vanokwanisa wanya mabhara 20 ematombo vachigesa bhara rimwe chete ne$1,50 kana $2 hisiyana nematombo acho. Matombo ekuvakisa hwaro hwemba akara mutengo kuchiti ekuisa pamahwindo dhura zvekuzvika $2 pabhara rimwe te. Kana tikauya kubasa mazuva ose, kwanisa kusvitsa mabhara 60 kana kudapasvondo. Izvi zvinoreva kuti munhu woga-woga kana matombo aya akatengwa, anogona kuita mari inodarika $100 pasvondo,” vanodaro.
Mai Munyono vanoti dambudziko ravo guru nderekushaya vatengi sezvo dzimwe nguva vamwe vari kuvaka vachiguma vave kuda kunotenga matombo aya kumigodhi inochera matombo munzvimbo yavo kana kunoatsvaga kumadhorobha.
“Vanhu vari kuvaka dzimba vakawanda muno nekuda kwekupihwa masitendi kuri kuitwa nekanzuru. Vanoongorora nezvekuvaka vatinoti mainspectors ekanzuru vamwe vacho havadi mhando yematombo edu, vanomanikidza varidzi vedzimba kunotenga kune vemakambani asi vamwe vanouya zvavo vachitenga,” vanodaro Mai Munyono.
Vanoti mudzimai wanhasi haamirire murume kuti hapasisina mari mumba kana kutenga girosari.
“Vana vedu vari kuenda kuzvikoro uyewo mudzimba dzedu tinotenga zvatinoda. Mari yatinowana pamwedzi yakangofanana neyevanhu vanomukira kumamwe mabasa,” vanodaro.
Madzimai aya ari kukumbira kuvatungamiri vemuzvikoro nevemakomiti eSchool Development Committes emunharaunda yavo kuti vapote vachivatengawo matombo avo kana muzvikoro umu mave kuvakwa.
“Tine vemabhizinesi vari muno nevezvipatara nemunovakwa dzimba dzekanzuru, ngavatipewo bhizinesi tiwane mari pane kuti vanoendesa mari kwaRusape kana kuHarare nekumwe vachinotenga matombo aya kure vozodzinga vana vedu tatadza kubhadhara mari dzezvikoro,” vanodaro Mai Munyono.