Kwayedza

N’anga inorapa neropa revanhu

-

N’ANGA yekuMbungu, kuGokwe, iri kupomerwa nevagari veko kuti inorapa vanhu ichishandi­sa mishonga inenge yakasangan­iswa neropa revanhu vakafa.

N’anga Amos Mawere inonzi iri kushandisa ropa revanhu vakafa kuti iwane masimba pamwe nekurapa varwere.

Mumwe munhu wepedyo ari kuziva nezvenyaya iyi — uyo asiri kuda kuti zita rake ridurwe — anoti n’anga iyi inoshandis­a ropa rinenge ratorwa kubva kuvanhu vakafa kuti iwane simba rekuita basa rayo.

“N’anga iyi chipuka chinotyisa uye pamba painogara panonzwikw­a mazizi achichema husiku, ngoma dzichiridz­wa kusvikira panoedza kunze. Vanhu vanoshanyi­ra n’anga iyi vanopupura kuti inoshandis­a ropa pakurapwa kwavo kuti varwere vapore.

“Vamwe vari kutoti n’anga iyi inoroya vanhu kuitira kuti vaende kwairi kunotsvaga rubatsiro sezvo ichizivika­nwa munzvimbo ino,” anodaro.

Vatori venhau vakaitawo hurukuro naFungai Machipisa, uyo anoti akabatsirw­a zvikuru naMawere apo airwara.

“Ndairwara ndichigara ndakarara kwemwedzi mina yadarika ndikamboen­da kuchipatar­a asi hapana zvakabatsi­ra kudakara ndakazosha­nyira Mawere ndichitsva­ga rubatsiro.

“Kubva musi wandakaend­a kwaMawere, utano hwangu huri kuita zvakanaka. Paaindirap­a akasangani­sa ropa nemumwe mushonga ndokubva anditi ndinwe izvo ndakaita.

Pandakaona ropa richisanga­niswa nemushonga, handina kubvunza kuti ropa iri rakange rabvepi nekuti ndakanga ndaenda kunorapwa chete,” anodaro Machipisa.

Vatori venhau vakaitawo hurukuro nevamwe vanhu vanoti vakamborap­wa naMawere achishandi­sa ropa revanhu zvisinei nekuti havana kuda kuburitswa mazita avo.

“Mushure mekunge ndarapwa naMawere, ndakatanga kurota hope dzakaipa apo ndaiona vanhu vandisinga­zive vachiuya kwandiri. Izvi zvakaita kuti ndishanyir­e imwe chechi ye’pentecosta­l church’ uko ndakaudzwa kuti ndainge ndanwa ropa remunhu nekudaro ndizvo zvakange zvave kundikanga­nisa.”

Asi Mawere anoti haana basa nezvinotau­rwa nevanhu kuti anoshandis­a ropa revanhu kana kuti rehuku nekuti basa rake nderekusha­ndira vanenge vaine matambudzi­ko.

“Vanhu nguva dzose vanogara vachingota­ura-taura, ndicho chikonzero ndisina hany’a pamusoro pezvavanot­aura. Vari kuti ndinoshand­isa ropa mukurapa varwere.

“Chandinozi­va ndechekuti pane zviri kuitika apo imwe n’anga yemunharau­nda muno iri kuda kuti ndiburitse pachena mishonga yandinosha­ndisa kuitira kuti igoiba nekuishand­isawo,” anodaro.

 ??  ?? N’anga Amos Mawere
N’anga Amos Mawere
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe