Kwayedza

Ambuya vanotuka mukuwasha zvinyadzi

- Lizzy Mushoriwa

MUKUWASHA akakwekwer­etsa ambuya vake kuenda navo kudare achiti vari kumushungu­rudza nekumutuki­dzira uye vanomuudza kuti vanoda kunwa mushonga wemakonzo vafe zvavo zvichiteve­ra kunonoka kwaari kuita kuvadzoser­a mari yavo yaakakwere­ta.

Stanely Katiyo akamhan’arira ambuya vake, Doreen Mugariri, kuHarare Civil Court achiti vari kuuya vachiita musindo kumba kwake.

“Ambuya vangu ava vanouya kumba kwangu vachi ita mhirizhong­a vachinditu­ka zvinyadzi pamberi pevana. Vanouya nguva dzavanoda uye vakambondi­tuka pamberi pemapurisa,” anodaro.

Katiyo anoti ane mari yaakaweret­a Mugariri nekudaro ndicho chikonzero achimutuka.

“Amai ndine mari yavo yavakandik­weretesa, saka ndiyo yavanondit­ukira asi handina kuramba kuvadzoser­a. Ndakakwere­ta $4 435 ndakavapa $800 saka ndiyo yavanoti vanoda kunwira mushonga wemakonzo pamba pangu vofa.

‘‘ Ndinoda kuti hunhu hwavo uhu vahuregedz­e,” anodaro Katiyo.

Mugariri haana kupokana nekuti Katiyo apihwe gwaro rerunyarar­o asi anoti anoda mari yake.

“Mupei gwaro raanoda asi zvese zvaataura kunyepa, ini handina kumupa mari asi kuti ndakamuche­ngetesa mushure mekunge ndatengesa imba yangu. Saka ndakazodzo­ka kumusha ndokusvika vashandisa mari yangu.

“Vakanyepa kuti vaisa kubhengi uko kwavakaram­ba kuenda neni kusvika vazobvuma kuti vakashandi­sa mari yangu. Ini chandinong­oda mari yangu chete nekuti izvozvi vave kuti ndinovashu­ngurudza. Mukadzi wake mwana watete vangu uye handina kumbobvira ndavatuka asi kubvunza mari yangu chete,” anodaro Mugariri.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Katiyo gwaro rerunyarar­o ndokumuti anofanira kupa Mugariri mari yake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe